1 VAKORINDE 1
1 Pauro, akadanwa nokuda kwaMwari, kuti ave mupostori waKristu Jesu, naSositeni hama yedu,
2 Kukereke yaMwari iri muKorinde, kuna vaya vakaitwa vatsvene muna Kristu Jesu uye vakadanwa kuti vave vatsvene pamwe chete navose vari kwose kwose vanodana kuzita raIshe wedu Jesu Kristu, Ishe wavo nowedu:
3 Nyasha norugare ngazvive nemi zvinobva kuna Mwari Baba vedu naShe Jesu Kristu.
Kuvonga
4 ‘Ndinogara ndichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyasha dzake pamusoro penyu muna Kristu Jesu.5 Nokuti maari makapfumiswa pazvinhu zvose, mukutaura kwenyu kwose uye nomuruzivo rwenyu rwose,6 nokuti uchapupu hwedu pamusoro paKristu hwakasimbiswa mamuri.7 Naizvozvo hapana kana chipo chomweya chamunoshayiwa pamunomirira nomwoyo wose kuratidzwa kwaIshe wedu Jesu Kristu.8 Achakusimbisai kusvikira kumagumo, kuti murege kuva nechamungapomerwa pazuva raIshe wedu Jesu Kristu.
9 Mwari, iye akakudanai kuti muwadzane noMwanakomana wake Jesu Kristu Ishe wedu, akatendeka.
Kupesana muKereke
10 Ndinokukumbirai zvikuru, hama, muzita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu parege kuva nokupesana uye kuti mubatanidzwe zvakanaka pamurangariro mumwe nomukufunga.11 Hama dzangu, vamwe venyu vokwaKirowe vakandiudza kuti pane gakava pakati penyu.12 Zvandinoreva ndezvokuti: Mumwe wenyu anoti, “Ini ndiri waPauro,” mumwe oti, “Ini ndiri waAporo,” mumwewo oti, “Ini ndiri waKefasi,” mumwe zvakare oti, “Ini ndiri waKristu.”
13 Kristu akaparadzaniswa here? Pauro akarovererwa pamuchinjikwa nokuda kwenyu here? Makabhabhatidzwa muzita raPauro here?14 Ndinovonga Mwari kuti handina kubhabhatidza kana mumwe wenyu, kunze kwaKrispo naGayosi,15 kuti kurege kuva nomumwe wenyu anoti akabhabhatidzwa muzita rangu.16 Hongu, ndakabhabhatidzawo veimba yaStefanasi; kunze kwaivavo, handirangariri kana ndakabhabhatidzazve mumwe munhu.
17 Nokuti Kristu haana kundituma kuti ndinobhabhatidza asi kuti ndinoparidza vhangeri, kwete namashoko ouchenjeri hwavanhu, kuti muchinjikwa waKristu urege kupedzwa simba rawo.
Kristu ndiye Uchenjeri neSimba raMwari
18 Nokuti shoko romuchinjikwa upenzi kuna vari kuparara, asi kwatiri isu vanoponeswa isimba raMwari.
19 Nokuti kwakanyorwa kuchinzi:
“Ndichaparadza uchenjeri hwavakachenjera;
ndichakonesa kuziva kwavanoziva.”
20 Akachenjera aripiko? Akadzidza aripiko? Muiti wenharo wenguva ino aripiko? Ko, Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika ino upenzi here?21 Nokuti muuchenjeri hwaMwari, nyika kubudikidza nouchenjeri hwayo, haina kumuziva, Mwari akafadzwa nazvo kuti vanotenda avaponese kubudikidza noupenzi hwezvakaparidzwa.22 VaJudha vanoda zviratidzo uye navaGiriki vanotsvaka uchenjeri,23 asi isu tinoparidza Kristu akarovererwa pamuchinjikwa, chigumbuso kuvaJudha noupenzi kuvaHedheni.24 Asi kuna avo vakadanwa naMwari, zvose vaJudha navaGiriki, Kristu isimba raMwari nouchenjeri hwaMwari.25 Nokuti upenzi hwaMwari hwakachenjera kupfuura uchenjeri hwomunhu, uye utera hwaMwari hwakasimba kupfuura simba romunhu.
26 Hama dzangu, rangarirai zvamakanga muri pamakadanwa. Havazi vazhinji venyu vaiva namasimba; havazi vazhinji vaikudzwa pakuzvarwa kwavo.27 Asi Mwari akasarudza zvinhu zvoupenzi zvenyika ino kuti anyadzise vakachenjera; Mwari akasarudza zvisina simba zvenyika ino kuti anyadzise vane simba.28 Akasarudza zvinhu zvakazvidzwa zvenyika ino uye zvinhu zvakazvidzwa, nezvinhu zvisipo, kuti ashayise simba zvinhu zviripo,29 kuti kurege kuva nomunhu angazvikudza pamberi pake.30 Nokuda kwake, imi muri muna Kristu Jesu, uyo akava kwatiri uchenjeri hunobva kuna Mwari, iko kururama, noutsvene uye norudzikinuro rwedu.
31 Naizvozvo, sezvazvakanyorwa zvichinzi, “Anozvikudza ngaazvikudze muna She.”
1 Corinthians 1
Salutation
1 From Paul,t called to be an apostle of Christ Jesuss by the will of God, and Sosthenes, our brother,2 to the church of God that is in Corinth,s to those who are sanctified in Christ Jesus, and called to be saints, with all those in every place who call on the name of our Lord Jesus Christ, their Lord and ours.t
3 Grace and peace to yout from God our Father and the Lord Jesus Christ!
Thanksgiving
4 I always thank my God for you because of the grace of God that was given to you in Christ Jesus.5 For you were made richs in every way in him, in all your speech and in every kind of knowledges –6 just as the testimony about Christ has been confirmed among you –7 so that you do not lack any spiritual gift as you wait for the revelations of our Lord Jesus Christ.8 Het will also strengthen you to the end, so that you will be blameless on the day of our Lord Jesus Christ.
9 God is faithful, by whom you were called into fellowship with his son, Jesus Christ our Lord.
Divisions in the Church
10 I urge you, brothers and sisters,t by the name of our Lord Jesus Christ, to agree together,t to end your divisions,t and to be united by the same mind and purpose.t11 For members of Chloe’s household have made it clear to me, my brothers and sisters,t that there are quarrelst among you.12 Now I mean this, thatt each of you is saying, “I am with Paul,” or “I am with Apollos,” or “I am with Cephas,” or “I am with Christ.”13 Is Christ divided? Paul wasn’t crucified for you, was he?t Or were you in fact baptized in the name of Paul?t14 I thank Gods that I did not baptize any of you except Crispus and Gaius,15 so that no one can say that you were baptized in my name!16 (I also baptized the household of Stephanus. Otherwise, I do not remember whether I baptized anyone else.)
17 For Christ did not send me to baptize, but to preach the gospel – and not with clever speech, so that the cross of Christ would not become useless.t
The Message of the Cross
18 For the message about the cross is foolishness to those who are perishing, but to us who are being saved it is the power of God.19 For it is written, “I will destroy the wisdom of the wise, and I will thwart the cleverness of the intelligent.”s20 Where is the wise man? Where is the expert in the Mosaic law?t Where is the debater of this age? Has God not made the wisdom of the world foolish?21 For since in the wisdom of God the world by its wisdom did not know God, God was pleased to save those who believe by the foolishness of preaching.22 For Jews demand miraculous signs and Greeks ask for wisdom,23 but we preach about a crucified Christ,t a stumbling block to Jews and foolishness to Gentiles.24 But to those who are called, both Jews and Greeks, Christ is the power of God and the wisdom of God.
25 For the foolishness of God is wiser than human wisdom,t and the weakness of God is stronger than human strength.t
26 Think about the circumstances of your call,t brothers and sisters.t Not many were wise by human standards,t not many were powerful, not many were born to a privileged position.t27 But God chose what the world thinks foolish to shame the wise, and God chose what the world thinks weak to shame the strong.28 God choset what is low and despised in the world, what is regarded as nothing, to set aside what is regarded as something,29 so that no one can boast in his presence.30 He is the reason you have a relationship with Christ Jesus,t who became for us wisdom from God, and righteousness and sanctification and redemption,
31 so that, as it is written, “Let the one who boasts, boast in the Lord.”s