previous next

1 VAKORINDE 10

Yambiro inobva paNhoroondo yavaIsraeri

1 Nokuti hama, dzangu, handidi kuti murege kuziva kuti madzibaba edu ose akanga ari pasi pegore uye kuti vose vakayambuka gungwa.2 Vose vakabhabhatidzwa muna Mozisi mugore nomugungwa.3 Vose vakadya zvokudya zvimwe zvoMweya4 uye vose vakanwa zvokunwa zvimwe zvomweya; nokuti vakanwa kubva padombo romweya rakafamba navo, uye dombo iri raiva Kristu.5 Kunyange zvakadaro, Mwari haana kufadzwa navazhinji vavo; mitumbi yavo yakaparadzirwa murenje.
6 Zvino, zvinhu izvi zvakanga zviri semienzaniso kwatiri, kuti tirege kuisa mwoyo yedu pazvinhu zvakaipa sezvavakaita.7 Musanamata zvifananidzo, sezvakaita vamwe vavo; sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Vanhu vakagara pasi vakadya, vakanwa, uye vakasimuka kuti vatambe.”8 Hatifaniri kuita upombwe, sezvakaita vamwe vavo, uye vakafa zviuru makumi maviri nezvitatu muzuva rimwe chete.9 Hatifaniri kuedza Ishe, sezvakaita vamwe vavo, uye vakaurayiwa nenyoka.10 Uye murege kugununu’una sezvakaita vamwe vavo, uye vakazourayiwa nomutumwa wokuparadza.
11 Zvinhu izvi zvakaitika kwavari semienzaniso kwatiri uye zvikanyorwa kuti zvive yambiro kwatiri, iyesu takasvikirwa nokuzadziswa kwokuguma kwenyika.12 Saka, kana uchifunga kuti wakamira zvakasimba, chenjera kuti urege kuwa!

13 Hakuna muedzo wakakuwirai imi, kunze kwaiwo unowira munhu wose. Uye Mwari akatendeka, haangatenderi kuti muedzwe kupfuura pamunogona napo. Asi kana muchiedzwa, iye achakupai nzira yokubuda nayo kuti mugone kutsunga pairi.

Mitambo yeZvifananidzo neChirariro chaShe
14 Naizvozvo, shamwari dzangu dzinodikanwa, tizai kunamata zvifananidzo.15 Ndiri kutaura kuvanhu vakachenjera; zvitongerei pachenyu pane zvandinotaura.16 Ko, mukombe wokuvonga watinovonga, hakuzi kusangana neropa raKristu here? Uye chingwa chatinomedura, hakuzi kusangana nomuviri waKristu here?17 Nokuti pane chingwa chimwe chete, isu vazhinji tiri muviri mumwe, nokuti tinogovana tose pachingwa chimwe.
18 Cherechedzai vanhu veIsraeri: Ko, avo vanodya zvibayiro havagovani nearitari here?19 Ko, ndinoreva kuti chibayiro chinobayirwa chifananidzo chinhu here, kana kuti chifananidzo chinhu here?20 Kwete, asi zvibayiro zvavahedheni zvinopiwa kumadhimoni kwete kuna Mwari, uye ini handidi kuti mugovane namadhimoni.21 Hamunganwi mukombe waShe uye nomukombe wamadhimoniwo; hamungavi nomugove patafura yaShe uye napatafura yamadhimoni.

22 Tiri kuedza kumutsa godo raShe here? Takasimba kupfuura iye here?

Kusununguka kwoMutendi
23 Zvinhu zvose zvinotenderwa, asi hazvisi zvose zvinobatsira. Zvinhu zvose zvinotenderwa, asi hazvisi zvose zvinovaka.24 Munhu ngaarege kutsvaka zvakamunakira iye, asi zvakanakira vamwe.
25 Idyai zvose zvinotengeswa pamusika wenyama musingabvunzi chinhu nokuda kwehana,26 nokuti, “Nyika ndeyaShe, nokuzara kwayo.”
27 Kana mumwe asingatendi akakukoka kuzodya, uye kana uchida kuenda, udye zvose zvinenge zvaiswa pamberi pako usingabvunzi mubvunzo nokuda kwehana.28 Asi kana mumwe akati kwauri, “Ichi chipiriso chakabayirwa,” rega kudya, nokuda kwaiye akuratidza, uye nokuda kwehana,29 ndinoreva hana yomumwe kwete yako. Nokuti kusununguka kwangu kungatongerweiko nehana yomumwe?30 Kana ini ndichidya ndavonga, ndingagotukirweiko nokuda kwechinhu chandavonga Mwari pamusoro pacho?
31 Naizvozvo, kunyange muchidya kana kunwa, chinhu chipi nechipi chamungaita, itai zvose kuti Mwari agokudzwa.32 Musagumbusa munhu upi noupi zvake, angava muJudha, kana muGiriki kana kereke yaMwari,

33 kunyange sezvandinoedzawo kufadza munhu wose pazvinhu zvose. Nokuti handitsvaki zvakandinakira ini asi zvakanakira vazhinji, kuitira kuti vagoponeswa.

1 Corinthians 10

Learning from Israel’s Failures

1 For I do not want you to be unaware,t brothers and sisters,t that our fathers were all under the cloud and all passed through the sea,2 and all were baptizeds into Moses in the cloud and in the sea,3 and all ate the same spiritual food,4 and all drank the same spiritual drink. For they were all drinking from the spiritual rock that followed them, and the rock was Christ.5 But God was not pleased with most of them, for they were cut down in the wilderness.6 These things happened as examples for us, so that we will not crave evil things as they did.7 So do not be idolaters, as some of them were. As it is written, “The people sat down to eat and drink and rose up to play.”ts8 And let us not be immoral, as some of them were, and twenty-three thousand died in a single day.s9 And let us not put Christss to the test, as some of them did, and were destroyed by snakes.s10 And do not complain, as some of them did, and were killed by the destroying angel.ts11 These things happened to them as examples and were written for our instruction, on whom the ends of the ages have come.12 So let the one who thinks he is standing be careful that he does not fall.

13 No trial has overtaken you that is not faced by others.t And God is faithful: Het will not let you be tried beyond what you are able to bear,t but with the trial will also provide a way out so that you may be able to endure it.

Avoid Idol Feasts

14 So then, my dear friends, flee from idolatry.15 I am speaking to thoughtful people. Consider what I say.16 Is not the cup of blessing that we bless a sharing in the blood of Christ? Is not the bread that we break a sharing in the body of Christ?17 Because there is one bread, we who are many are one body, for we all share the one bread.18 Look at the people of Israel.t Are not those who eat the sacrifices partners in the altar?19 Am I saying that idols or food sacrificed to them amount to anything?20 No, I mean that what the pagans sacrificet is to demons and not to God. I do not want you to be partners with demons.21 You cannot drink the cup of the Lord and the cup of demons. You cannot take part in the table of the Lord and the table of demons.

22 Or are we trying to provoke the Lord to jealousy? Are we really stronger than he is?t
23 “Everything is lawful,” but not everything is beneficial. “Everything is lawful,”s but not everything builds others up.t24 Do not seek your own good, but the good of the other person.25 Eat anything that is sold in the marketplace without questions of conscience,26 for the earth and its abundance are the Lord’s.s27 If an unbeliever invites you to dinner and you want to go, eat whatever is served without asking questions of conscience.28 But if someone says to you, “This is from a sacrifice,” do not eat, because of the one who told you and because of consciences29 I do not mean yours but the other person’s. For why is my freedom being judged by another’s conscience?30 If I partake with thankfulness, why am I blamed for the foodt that I give thanks for?31 So whether you eat or drink, or whatever you do, do everything for the glory of God.32 Do not give offense to Jews or Greeks or to the church of God,33 just as I also try to please everyone in all things. I do not seek my own benefit, but the benefitt of many, so that they may be saved.