previous next

1 VAKORINDE 12

Zvipo zvoMweya

1 Zvino pamusoro pezvipo zvoMweya, hama, handidi kuti muve musingazivi.2 Munoziva kuti pamakanga muri vahedheni, makanga muchitungamirirwa uye nokutsauswa muchiiswa kuzvifananidzo zvisingagoni kutaura.3 Naizvozvo ndinokuudzai kuti hakuna munhu anotaura noMweya waMwari anoti, “Jesu ngaatukwe.” Uye hakuna munhu anoti, “Jesu ndiye Ishe,” asi naMweya Mutsvene.
4 Kuna marudzi akasiyana ezvipo, asi Mweya ndomumwe.5 Kuna marudzi akasiyana oushumiri, asi Ishe mumwe.6 Kuna marudzi akasiyana amabasa, asi Mwari mumwe ndiye anoita zvose muvanhu vose.
7 Zvino mumwe nomumwe anopiwa kuratidzwa kwoMweya kuti vose vabatsirwe.8 Nokuti mumwe anopiwa noMweya shoko rouchenjeri, mumwe shoko rokuziva noMweya mumwe chete,9 mumwe kutenda noMweya mumwe chete, mumwe zvipo zvokuporesa noMweya mumwe chete,10 mumwe mabasa esimba, mumwe kuprofita, mumwe kuzivisisa mweya, mumwe kutaura nendimi dzakasiyana-siyana, uyezve mumwe kududzirwa kwendimi.

11 Zvose ibasa raMweya mumwe chete uye anopa mumwe nomumwe, sezvaanoda.

Muviri Mumwe Chete, Mitezo Mizhinji
12 Muviri chinhu chimwe chete, kunyange une mitezo mizhinji; uye kunyange mitezo yawo iri mizhinji, inoumba muviri mumwe chete. Ndizvowo zvakaita Kristu.13 Nokuti tose takabhabhatidzwa noMweya mumwe mumuviri mumwe, vangava vaJudha kana vaGiriki, varanda kana vakasununguka, uye tose tikapiwa kuti tinwe Mweya mumwe.
14 Zvino muviri hauna kuumbwa nomutezo mumwe, asi mizhinji.15 Kana rutsoka rukati, “Nokuti handizi ruoko, saka handizi womuviri,” harungaregi kuva chikamu chomuviri nokuda kwechikonzero ichocho.16 Uye kana nenzeve ikati, “Nokuti handisi ziso, saka handisi chikamu chomuviri,” haringaregi kuva chikamu chomuviri nokuda kwechikonzero ichocho.17 Kana kuti dai muviri wose waiva ziso, kunzwa kwaizovepiko? Kana kuti dai muviri wose waive nzeve, ko, kunhuhwidza kwaizovepiko?18 Asi zvino Mwari akaisa mitezo pamuviri, mumwe nomumwe wayo, sezvaakada kuti ive.19 Kana dai yose waiva mutezo mumwe, ko, muviri waizovepiko?20 Sezvazviri, kune mitezo mizhinji asi muviri mumwe.
21 Ziso haringati kuruoko, “Handinei newe!” Uye musoro haungati kurutsoka, “Handinei newe!”22 Asi kutoti mitezo yomuviri inenge isina simba, ndiyo inodikanwa,23 uye mitezo yatinofunga kuti haikudzwi ndiyo yatinokudza kwazvo,24 asi mitezo yakanaka haidi kushongedzwa. Asi Mwari akabatanidza mitezo yomuviri uye akapa kukudzwa kukuru kumitezo iya isingakudzwi,25 kuitira kuti parege kuva nokupesana pamuviri, asi kuti mitezo ichengetane zvakaenzana.26 Kana mumwe mutezo uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwe chete nawo; kana mutezo mumwe ukakudzwa, mitezo yose inofara pamwe chete nawo.
27 Zvino imi muri muviri waKristu, uye mumwe nomumwe wenyu mutezo wawo.28 Uye mukereke, Mwari akagadza pakutanga vapostori, vechipiri vaprofita, vechitatu vadzidzisi, tevere vaiti vezvishamiso, uye navane zvipo zvokuporesa, navanobatsira vamwe, vaya vane zvipo zvokufambisa basa, uye navaya vanotaura nendimi dzakasiyana-siyana.29 Vose vapostori here? Vose vaprofita here? Vose vadzidzisi here? Vose vanoita zvishamiso here?30 Vose vane zvipo zvokuporesa here? Vose vanotaura nendimi here? Vose vanodudzira here?

31 Asi shuvai kwazvo zvipo zvikuru.

Uye zvino ndichakuratidzai nzira yakanaka kupfuura dzose.

Rudo

1 Corinthians 12

Spiritual Gifts

1 With regard to spiritual gifts,t brothers and sisters,t I do not want you to be uninformed.t2 You know that when you were pagans you were often led astray by speechless idols, however you were led.

3 So I want you to understand that no one speaking by the Spirit of God says, “Jesus is cursed,” and no one can say, “Jesus is Lord,” except by the Holy Spirit.
4 Now there are different gifts, but the same Spirit.5 And there are different ministries, but the same Lord.6 And there are different results, but the same God who produces all of them in everyone.7 To each person the manifestation of the Spirit is given for the benefit of all.8 For one person is given through the Spirit the message of wisdom, and another the message of knowledge according to the same Spirit,9 to another faith by the same Spirit, and to another gifts of healing by the one Spirit,10 to another performance of miracles, to another prophecy, and to another discernment of spirits, to another different kinds of tongues, and to another the interpretation of tongues.

11 It is one and the same Spirit, distributing as he decides to each person, who produces all these things.

Different Members in One Body

12 For just as the body is one and yet has many members, and all the members of the body – though many – are one body, so too is Christ.13 For in one Spirit we were all baptized into one body. Whether Jews or Greeks or slavest or free, we were all made to drink of the one Spirit.14 For in fact the body is not a single member, but many.15 If the foot says, “Since I am not a hand, I am not part of the body,” it does not lose its membership in the body because of that.16 And if the ear says, “Since I am not an eye, I am not part of the body,” it does not lose its membership in the body because of that.17 If the whole body were an eye, what part would do the hearing? If the whole were an ear, what part would exercise the sense of smell?18 But as a matter of fact, God has placed each of the members in the body just as he decided.19 If they were all the same member, where would the body be?20 So now there are many members, but one body.21 The eye cannot say to the hand, “I do not need you,” nor in turn can the head say to the foot, “I do not need you.”22 On the contrary, those members that seem to be weaker are essential,23 and those members we consider less honorable we clothe with greater honor, and our unpresentable members are clothed with dignity,t24 but our presentable members do not need this. Instead, God has blended together the body, giving greater honor to the lesser member,25 so that there may be no division in the body, but the members may have mutual concern for one another.

26 If one member suffers, everyone suffers with it. If as member is honored, all rejoice with it.
27 Now you are Christ’s body, and each of you is a member of it.28 And God has placed in the church first apostles, second prophets, third teachers, then miracles, gifts of healing, helps, gifts of leadership, different kinds of tongues.29 Not all are apostles, are they? Not all are prophets, are they? Not all are teachers, are they? Not all perform miracles, do they?30 Not all have gifts of healing, do they? Not all speak in tongues, do they? Not all interpret, do they?s

31 But you should be eager for the greater gifts.
And now I will show you a way that is beyond comparison.t