1 VAKORINDE 14
Zvipo zvoKuprofita noKutaura neNdimi
1 Teverai nzira yorudo uye mushuve kwazvo zvipo zvomweya, zvikuru sei chipo chokuprofita.2 Nokuti ani naani anotaura nendimi haatauri kuvanhu asi kuna Mwari. Zvirokwazvo, hapana anomunzwa; anotaura zvakavanzika mumweya wake.3 Asi anoprofita anotaura kuvanhu kuti vasimbiswe, vakurudzirwe uye kuti vanyaradzwe.4 Uyo anotaura nendimi anozvisimbisa iye asi anoprofita anosimbisa kereke.5 Ndinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ataure nendimi, asi zvikuru kuti muprofite. Anoprofita mukuru kuna anotaura nendimi, asi kunze kwokunge achidudzira, kuti kereke igosimbiswa.
6 Zvino hama, kana ndikauya kwamuri ndichitaura nendimi, ndingakubatsirai seiko, asi kuti kana ndichitaura nokuzarurirwa kana ruzivo kana chiprofita kana shoko rokurayira?7 Kunyange zvinhu zvisina upenyu zvinorirawo wani, zvakaita senyere kana rudimbwa, munhu achaziva seiko kana zvisingasiyani pakurira kwazvo?8 Uyezve kana hwamanda isingariri kwazvo, ndianiko angagadzirira kundorwa?9 Zvakadaro nemi. Kana musingatauri mashoko nendimi dzinonyatsozikanwa, ko, pane anganzwa here zvamunotaura? Nokuti muchangotaura henyu mumhepo.10 Zvirokwazvo panyika pane mitauro mizhinji yakasiyana-siyana, asi hakuna kana mumwe usina zvaunoreva.11 Zvino kana ndisinganzwisisi zvinotaurwa nomunhu, ndiri mutorwa kumutauri, uye naiyewo mutorwa kwandiri.12 Zvakadarowo nemi. Sezvo muchishuva zvipo zvoMweya, edzai zvikuru kushingairira zvipo zvinovaka kereke.
13 Nokuda kwechikonzero ichi, ani naani anotaura nendimi anofanira kunyengetera kuti adudzirewo zvaanotaura.14 Nokuti kana ndichinyengetera nendimi, mweya wangu ndiwo unonyengetera, asi kufunga kwangu hakuna zvibereko.15 Zvino ndichaiteiko? Ndichanyengetera nomweya wangu, ndichanyengeterawo nokufunga kwangu; ndichaimba nomweya wangu, asi ndichaimbawo nokufunga kwangu.16 Kana uchirumbidza Mwari nomweya wako, ko, uyo agere pakati pavasingazivi achati, “Ameni” seiko, pakuvonga kwako, sezvo asinganzwisisi zvauri kutaura?17 Unogona kunge uchivonga zvako zvakanaka, asi mumwe munhu haasimbiswi.
18 Ndinovonga Mwari kuti ndinotaura nendimi zhinji kupfuura imi mose.19 Asi mukereke ndingada zvangu kutaura mashoko mashanu nokufunga kwangu kuti ndidzidzise vamwe pano kutaura mashoko zviuru gumi norumwe rurimi.
20 Hama, regai kufunga savana. Pazvinhu zvakaipa ivai savacheche, asi pakufunga kwenyu muve savanhu vakuru.
21 MuMurayiro zvakanyorwa zvichinzi:
“Ndichataura kuvanhu ava,
kubudikidza navanhu vedzimwe ndimi
uye kubudikidza nemiromo yavatorwa,
asi kunyange zvakadaro havanganditeereri,”
ndizvo zvinotaura Ishe.
22 Naizvozvo, ndimi hadzizi chiratidzo kuvatendi asi kuna vasingatendi; asiwo chiprofita ndechavatendi, kwete vasingatendi.23 Saka kana kereke yose yaungana pamwe chete uye vose vakataura nendimi, uye vamwe vasinganzwisisi kana vasingatendi vakapinda, havangati mava kupenga here?24 Asi kana asingatendi kana mumwe munhu asinganzwisisi akapinda vanhu vose vachiprofita, achabatwa nazvo akaziva kuti iye mutadzi uye kuti achatongwa nazvo,
25 uye zvakavanzika zvomweya wake zvinoratidzwa. Naizvozvo achawira pasi nechiso chake agonamata Mwari, uye agopupura kuti Mwari ari pakati penyu zvirokwazvo.
Mutoo wakanaka wokunamata nawo
26 Zvino tichatiiko, hama? Kana muchiungana, mumwe nomumwe ane rwiyo, kana shoko rokurayira, chaakazarurirwa, ndimi kana kududzira. Zvose izvi ngazviitwe kuti zvisimbise kereke.27 Kana mumwe achitaura nendimi, vaviri kana vatowanda, vatatu, ngavataure mumwe mushure momumwe, uye mumwe ngaadudzire.28 Kana pasina anodudzira, ari kutaura ngaanyarare mukereke uye ngaazvitaurire pachake nokuna Mwari.
29 Vaprofita vaviri kana vatatu ngavataure uye vamwe ngavanyatsoongorora zvaataura.30 Uye kana kuzarurirwa kwasvika kuno mumwe munhu agere pasi, mutauri wokutanga ngaanyarare.31 Nokuti mose munogona kuprofita muchitevedzana mumwe mushure momumwe, kuitira kuti vose varayirwe uye vakurudzirwe.32 Mweya yavaprofita inozviisa pasi pavaprofita.33 Nokuti Mwari haazi Mwari wenyonganyonga asi worugare.
Sezvinoitwa mune dzimwe kereke dzose dzavatsvene,34 vakadzi ngavanyarare mukereke. Havatenderwi kutaura asi ngavazviise pasi sezvinoreva murayiro.35 Kana vachida kubvunza chimwe chinhu, ngavabvunze varume vavo kumba; nokuti hazvina kufanira kuti mukadzi ataure mukereke.
36 Ko, shoko raMwari rakatanga nemi here? Kana kuti rakasvika kwamuri moga here?37 Kana munhu achifunga kuti muprofita kana kuti ane chipo chomweya, ngaatende kuti zvandinokunyorerai murayiro waShe.38 Kana akasatenda izvi, iye pachake ngaasatendwe.
39 Naizvozvo, hama dzangu, ivai nechido chokuprofita, uye musadzivisa kutaura nendimi.
40 Asi zvinhu zvose ngazviitwe nomutoo wakafanira uye zvichitevedza mutemo.
1 Corinthians 14
Prophecy and Tongues
1 Pursue love and be eager for the spiritual gifts, especially that you may prophesy.2 For the one speaking in a tongue does not speak to people but to God, for no one understands; he is speaking mysteries by the Spirit.t3 But the one who prophesies speaks to people for their strengthening,t encouragement, and consolation.4 The one who speaks in a tongue builds himself up,s but the one who prophesies builds up the church.
5 I wish you all spoke in tongues, but even more that you would prophesy. The one who prophesies is greater than the one who speaks in tongues, unless he interprets so that the church may be strengthened.
6 Now, brothers and sisters,t if I come to you speaking in tongues, how will I help you unless I speak to you with a revelation or with knowledge or prophecy or teaching?7 It is similar for lifeless things that make a sound, like a flute or harp. Unless they make a distinction in the notes, how can what is played on the flute or harp be understood?8 If, for example, the trumpet makes an unclear sound, who will get ready for battle?9 It is the same for you. If you do not speak clearly with your tongue, how will anyone know what is being said? For you will be speaking into the air.10 There are probably many kinds of languages in the world, and none is without meaning.11 If then I do not know the meaning of a language, I will be a foreigner to the speaker and the speaker a foreigner to me.
12 It is the same with you. Since you are eager for manifestations of the Spirit,t seek to abound in order to strengthen the church.
13 So then, one who speaks in a tongue should pray that he may interpret.14 Ifs I pray in a tongue, my spirit prays, but my mind is unproductive.15 What should I do?t I will pray with my spirit, but I will also pray with my mind. I will sing praises with my spirit, but I will also sing praises with my mind.16 Otherwise, if you are praising God with your spirit, how can someone without the giftt say “Amen” to your thanksgiving, since he does not know what you are saying?17 For you are certainly giving thanks well, but the other person is not strengthened.18 I thank God that I speak in tongues more than all of you,
19 but in the church I want to speak five words with my mind to instruct others, rather than ten thousand words in a tongue.
20 Brothers and sisters,t do not be children in your thinking. Instead, be infants in evil, but in your thinking be mature.21 It is written in the law: “By people with strange tongues and by the lips of strangers I will speak to this people, yet not even in this way will they listen to me,”s says the Lord.22 So then, tongues are a sign not for believers but for unbelievers. Prophecy, however, is not for unbelievers but for believers.23 So if the whole church comes together and all speak in tongues, and unbelievers or uninformed people enter, will they not say that you have lost your minds?24 But if all prophesy, and an unbeliever or uninformed person enters, he will be convicted by all, he will be called to account by all.
25 The secrets of his heart are disclosed, and in this way he will fall down with his face to the ground and worship God, declaring, “God is really among you.”
Church Order
26 What should you do then, brothers and sisters?t When you come together, each one has a song, has a lesson, has a revelation, has a tongue, has an interpretation. Let all these things be done for the strengthening of the church.27 If someone speaks in a tongue, it should be two, or at the most three, one after the other, and someone must interpret.28 But if there is no interpreter, he should be silent in the church. Let him speak to himself and to God.29 Two or three prophets should speak and the others should evaluate what is said.30 And if someone sitting down receives a revelation, the person who is speaking should conclude.31 For you can all prophesy one after another, so all can learn and be encouraged.32 Indeed, the spirits of the prophets are subject to the prophets,
33 for God is not characterized by disorder but by peace.
As in all the churches of the saints,s34 the woment should be silent in the churches, for they are not permitted to speak.s Rather, let them be in submission, as in fact the law says.35 If they want to find out about something, they should ask their husbands at home, because it is disgraceful for a woman to speak in church.s
36 Did the word of God begin with you,t or did it come to you alone?
37 If anyone considers himself a prophet or spiritual person, he should acknowledge that what I write to you is the Lord’s command.38 If someone does not recognize this, he is not recognized.39 So then, brothers and sisters,st be eager to prophesy, and do not forbid anyone from speaking in tongues.t
40 And do everything in a decent and orderly manner.