previous next

1 VAKORINDE 15

Kumuka kwaKristu

1 Zvino hama, ndinoda kukuyeuchidzai vhangeri randakakuparidzirai, iro ramakagamuchira uye ramakamira mariri.2 Nevhangeri irori munoponeswa, kana mukabatirira kwazvo pashoko randakakuparidzirai. Zvimwe makatenda pasina.
3 Nokuti zvandakagamuchira sezvinokosha pakutanga ndizvo zvandakakupaiwo: kuti Kristu akafira zvivi zvedu sezvazvakanyorwa muMagwaro,4 kuti akavigwa, akamutswa pazuva rechitatu sezvazvakanyorwa muMagwaro,5 uye kuti akazviratidza kuna Petro, tevere kuna vane gumi navaviri.6 Mushure mezvo akazviratidza kuhama dzaipfuura mazana mashanu panguva imwe chete, vazhinji vavo vachiri vapenyu, kunyange zvazvo vamwe vavete.7 Ipapo akazozviratidza kuna Jakobho, mushure mezvo kuvapostori,8 uye pakupedzisira akazozviratidza kwandiriwo, sokuna akazvarwa nguva isati yasvika.
9 Nokuti ndiri muduku kuvapostori vose, uye handikodzeri kunzi mupostori, nokuti ndakatambudza kereke yaMwari.10 Asi nokuda kwenyasha dzaMwari ndiri zvandiri uye nyasha dzake kwandiri hadzina kuva pasina. Kwete, nokuti ndakashanda kupfuura vose, asi ndisiri ini, asi nyasha dzaMwari dzaiva neni.

11 Ipapo kunyange dai, ndiri ini kana ivo, izvi ndizvo zvatinoparidza, uye izvi ndizvo zvamakatenda.

Kumutswa kwaVakafa
12 Asi kana kuchiparidzwa kuchinzi Kristu akamutswa kubva kuvakafa, ko, vamwe venyu vangareva sei kuti hakuna kumutswa kwavakafa?13 Kana kusina kumutswa kwavakafa, saka naizvozvowo Kristu haana kumutswa.14 Zvino kana Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu hakuna maturo, saizvozvowo nokutenda kwenyu.15 Pamusoro pezvo, tichaonekwa tiri zvapupu zvaMwari zvenhema, nokuti takapupura kuti Mwari akamutsa Kristu kubva kuvakafa. Asi haana kumumutsa kana zvirokwazvo vakafa vasingamutswi.16 Nokuti kana vakafa vasingamutswi, naizvozvowo Kristu haana kumutswa kuvakafa.17 Uye kana Kristu asina kumutswa, kutenda hakubatsiri; muchiri muzvivi zvenyu.18 Naizvozvowo vose vakafa muna Kristu vakatorasikawo.19 Kana tine tariro muna Kristu nokuda kwoupenyu huno chete, tinonzwisa urombo kupfuura vanhu vose.
20 Asi, zvirokwazvo Kristu akamutswa kubva kuvakafa, akava chibereko chokutanga chavavete.21 Nokuti sezvo rufu rwakauya kubudikidiza nomunhu mumwe, kumuka kuvakafa kwakauyawo kubudikidza nomunhu mumwe.
22 Nokuti, sokufa kwakaita vanhu vose muna Adhamu, naizvozvowo muna Kristu vose vachaitwa vapenyu.23 Asi mumwe nomumwe padzoro rake: Kristu chibereko chokutanga; ipapo paanouya, tevere vose vanova vake.24 Ipapo magumo achasvika, panguva yaachazopa umambo kuna Mwari Baba mushure mokunge aparadza ushe hwose, ukuru hwose nesimba rose.25 Nokuti anofanira kubata ushe kusvikira aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake.26 Muvengi wokupedzisira achaparadzwa ndirwo rufu.27 Nokuti akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Zvino kana achiti “zvinhu zvose,” zvakaiswa pasi petsoka dzake, zviri pachena kuti izvi hazvisanganisiri Mwari pachake, iye akaisa zvinhu zvose pasi paKristu.28 Kana achinge aita izvi, ipapo Mwanakomanawo pachake achaiswa pasi paiye akaisa zvinhu zvose pasi pake kuti Mwari agova zvose muna zvose.
29 Zvino kana kusina kumuka, ko, vakabhabhatidzirwa vakafa vachazoiteiko? Kana vakafa vasingamutswi, seiko vanhu vachivabhabhatidzirwa?30 Uye kana tiri isu, tinozviisireiko panjodzi nguva dzose?31 Ndinofa zuva nezuva, ndinorevesa hama dzangu, zvirokwazvo sezvandinozvirumbidza pamusoro penyu muna Kristu Jesu Ishe wedu.

32 Kana ndakarwa nezvikara paEfeso nokuda kwezvikonzero zvapanyama, zvakandibatsireiko? Kana vakafa vasingamutswi,

“Ngatidyei uye tinwe,
nokuti mangwana tichafa.”
33 Musanyengerwa: “Ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.”

34 Dzokai pandangariro dzenyu sezvamakafanira, uye murege kutadza; nokuti kuna vamwe vasingazivi Mwari, ndinotaura izvi kuti munyadziswe.

Muviri wokumuka nawo
35 Asi mumwe angabvunza achiti, “Ko vakafa vanomutswa seiko? Vachauya nomuviri wakaita seiko?”36 Upenzi hwakadii! Chaunodyara hachingameri kana chisina kufa.37 Kana ukadyara haudyari muviri uchazovapo, asi tsanga bedzi, ingava yegorosi kana chimwe chinhuwo zvacho.38 Asi Mwari anoipa muviri sezvaanoda, uye kumbeu imwe neimwe muviri wayo.39 Nyama yose haina kufanana: Vanhu vane rumwe rudzi rwenyama, mhuka dzinewo rumwe rudzi, shiri rumwewo, uye nehove dzinewo rumwe.40 Kunewo miviri yokudenga, nemiviri yenyika; asi kubwinya kwemiviri yokudenga ndokumwe kubwinya, kwemiviri yapanyika ndokumwe.41 Zuva rino kubwinya kwaro, mwedzi unewo kumwe, nenyeredzi dzinewo kumwe; uye nyeredzi haifanani neimwe nyeredzi pakubwinya.
42 Ndizvo zvazvichazova pakumuka kwavakafa. Muviri unodyarwa unoparara, unomutswa usisaparari;43 unodyarwa pakuzvidzwa, unomutswa mukubwinya; unodyarwa muutera, unomutswa musimba;44 unodyarwa uri muviri wenyama, unomutswa uri muviri womweya.
Kana kuno muviri wenyama, kune muviri womweyawo.
45 Naizvozvo kwakanyorwa kuchinzi: “Munhu wokutanga Adhamu akazova munhu mupenyu;” Adhamu wokupedzisira, mweya unopa upenyu.46 Mweya hauna kuuya pakutanga, asi nyama, uye mushure mezvo mweya.47 Munhu wokutanga akanga ari guruva renyika, munhu wechipiri akanga achibva kudenga.48 Sezvakanga zvakaita munhu wapanyika, ndizvowo zvakaita vaya vari venyika; uyewo sezvakaita munhu akabva kudenga, ndizvo zvakaitawo vaya vari vokudenga.49 Uye sezvatakanga tine mufananidzo womunhu wapanyika, saizvozvowo tichava nomufananidzo womunhu akabva kudenga.
50 Zvino, hama, ndinoti kwamuri nyama neropa hazvingagari nhaka youmambo hwaMwari, uye zvinoparara hazvingagari nhaka yezvisingaparari.51 Teererai, ndinokutaurirai chakavanzika: Hatingafi tose, asi tose tichashandurwa,52 sokupenya, mukubwaira kweziso, nehwamanda yokupedzisira. Nokuti hwamanda icharira, vakafa vachamutswa mukusaparara, uye tichashandurwa.53 Nokuti chinoparara chinofanira kufuka kusaparara, uye chinofa chinofanira kufuka kusafa.

54 Kana chinoparara chikafuka kusaparara, uye chinofa chikafuka kusafa, ipapa tsumo yakanyorwa ichazadziswa yokuti: “Rufu rwakamedzwa nokukunda.”

55 “Kuripiko kukunda kwako iwe rufu?
Rwuripiko rumborera rwako, iwe rufu?”

56 Rumborera rwerufu ndicho chivi, uye simba rechivi ndiwo murayiro.57 Asi Mwari ngaavongwe! Anotipa kukunda kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu.

58 Naizvozvo, hama dzangu dzinodikanwa, mirai makasimba. Pashayiwe chinhu chingakuzungunusai. Muchishandira Ishe zvikuru nguva dzose, nokuti munoziva kuti kubata basa kwenyu muna She hakungavi pasina.

1 Corinthians 15

Christ’s Resurrection

1 Now I want to make clear for you,t brothers and sisters,t the gospel that I preached to you, that you received and on which you stand,2 and by which you are being saved, if you hold firmly to the message I preached to you – unless you believed in vain.3 For I passed on to you as of first importancet what I also received – that Christ died for our sins according to the scriptures,4 and that he was buried, and that he was raisedt on the third day according to the scriptures,5 and that he appeared to Cephas, then to the twelve.6 Then he appeared to more than five hundred of the brothers and sisterst at one time, most of whom are still alive,t though some have fallen asleep.t7 Then he appeared to James, then to all the apostles.8 Last of all, as though to one born at the wrong time,s he appeared to me also.9 For I am the least of the apostles, unworthy to be called an apostle, because I persecuted the church of God.10 But by the grace of God I am what I am, and his grace to me has not been in vain. In fact, I worked harder than all of them – yet not I, but the grace of God with me.

11 Whether then it was I or they, this is the way we preach and this is the way you believed.

No Resurrection?

12 Now if Christ is being preached as raised from the dead,t how can some of you say there is no resurrection of the dead?13 But if there is no resurrection of the dead, then not even Christ has been raised.14 And if Christ has not been raised, then our preaching is futile and your faith is empty.15 Also, we are found to be false witnesses about God, because we have testified against God that he raised Christ from the dead, when in reality he did not raise him, if indeed the dead are not raised.16 For if the dead are not raised, then not even Christ has been raised.17 And if Christ has not been raised, your faith is useless; you are still in your sins.18 Furthermore, those who have fallen asleept in Christ have also perished.

19 For if only in this life we have hope in Christ, we should be pitied more than anyone.
20 But now Christ has been raised from the dead, the firstfruits of those who have fallen asleep.21 For since death came through a man,t the resurrection of the dead also came through a man.t22 For just as in Adam all die, so also in Christ all will be made alive.23 But each in his own order: Christ, the firstfruits; then when Christ comes, those who belong to him.t24 Thent comes the end,t when he hands over the kingdom to God the Father, when he has brought to an end all rule and all authority and power.25 For he must reign until he has put all his enemies under his feet.26 The last enemy to be eliminated is death.27 For he has put everything in subjection under his feet.s But when it says “everything” has been put in subjection, it is clear that this does not include the one who put everything in subjection to him.

28 And when all things are subjected to him, then the Son himself will be subjected to the one who subjected everything to him, so that God may be all in all.
29 Otherwise, what will those do who are baptized for the dead?s If the dead are not raised at all, then why are they baptized for them?30 Why too are we in danger every hour?31 Every day I am in danger of death! This is as sure ast my boasting in you,s which I have in Christ Jesus our Lord.32 If from a human point of view I fought with wild beasts at Ephesus,s what did it benefit me? If the dead are not raised, let us eat and drink, for tomorrow we die.s33 Do not be deceived: “Bad company corrupts good morals.”s

34 Sober up as you should, and stop sinning! For some have no knowledge of God – I say this to your shame!

The Resurrection Body

35 But someone will say, “How are the dead raised? With what kind of body will they come?”36 Fool! What you sow will not come to life unless it dies.37 And what you sow is not the body that is to be, but a bare seedt – perhaps of wheat or something else.38 But God gives it a body just as he planned, and to each of the seeds a body of its own.39 All flesh is not the same: People have one flesh, animals have another, birds and fish another.t40 And there are heavenly bodies and earthly bodies. The glory of the heavenly body is one sort and the earthly another.

41 There is one glory of the sun, and another glory of the moon and another glory of the stars, for star differs from star in glory.
42 It is the same with the resurrection of the dead. What is sown is perishable, what is raised is imperishable.t43 It is sown in dishonor, it is raised in glory; it is sown in weakness, it is raised in power;44 it is sown a natural body, it is raised a spiritual body. If there is a natural body, there is also a spiritual body.45 So also it is written, “The first man, Adam, became a living person”;t the last Adam became a life-giving spirit.46 However, the spiritual did not come first, but the natural, and then the spiritual.47 The first man is from the earth, made of dust; the second man is from heaven.48 Like the one made of dust, so too are those made of dust, and like the one from heaven, so too those who are heavenly.

49 And just as we have borne the image of the man of dust, let us also bears the image of the man of heaven.
50 Now this is what I am saying, brothers and sisters:t Flesh and blood cannot inherit the kingdom of God, nor does the perishable inherit the imperishable.51 Listen,t I will tell you a mystery: We will not all sleep,st but we will all be changed –52 in a moment, in the blinkingt of an eye, at the last trumpet. For the trumpet will sound, and the dead will be raised imperishable, and we will be changed.53 For this perishable body must put on the imperishable, and this mortal body must put on immortality.

54 Now when this perishable puts on the imperishable, and this mortal puts on immortality, then the saying that is written will happen,
“Death has been swallowed up in victory.”s

55 “Where, O death, is your victory?
Where, O death, is your sting?”s
56 The sting of death is sin, and the power of sin is the law.57 But thanks be to God, who gives us the victory through our Lord Jesus Christ!

58 So then, dear brothers and sisters,t be firm. Do not be moved! Always be outstanding in the work of the Lord, knowing that your labor is not in vain in the Lord.