previous next

1 VAKORINDE 3

Pamusoro poKupesana muKereke

1 Hama, ndakanga ndisingagoni kutaura nemi savanhu vomweya asi savanhu venyama, vacheche zvavo muna Kristu.
2 Ndakakupai mukaka, kwete zvokudya zvikukutu, nokuti makanga musingagoni kudya. Zvirokwazvo, hamusati mava kugona kudya nazvino.3 Nokuti muchiri venyama. Nokuti sezvo pakati penyu pachine godo negakava, ko, hamuzi venyika here? Ko, hamuzi kufamba savanhuwo zvavo here?4 Nokuti kana mumwe achiti, “Ini ndiri waPauro,” mumwe achiti, “Ini ndiri waAporo,” ko, hamuzi vanhuwo zvavo here?
5 Aporo chiiko? Uye Pauro chiiko? Varanda bedzi; vamakatenda kubudikidza navo mumwe nomumwe sezvaakapiwa naShe.6 Ini ndakasima, Aporo akadiridza, asi Mwari ndiye akameresa.7 Saka naizvozvo anosima kana anodiridza haazi chinhu, asi Mwari chete, iye anomeresa zvinhu.8 Munhu anosima nomunhu anodiridza vane chinangwa chimwe, uye mumwe nomumwe wavo achapiwa mubayiro maererano nezvaakabata pabasa rake.9 Nokuti tiri vabati pamwe chete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari.
10 Nenyasha dzandakapiwa naMwari, ndakaronga nheyo somuvaki akachenjera, uye mumwewo ari kuvaka pamusoro payo. Asi mumwe nomumwe ngaachenjere kuti anovaka sei pamusoro payo.11 Nokuti hakuna mumwe angaronga dzimwe nheyo kunze kwaiyo yakarongwa kare, inova ndiyo Jesu Kristu.12 Zvino kana munhu achivaka panheyo iyi achishandisa goridhe, kana sirivha kana mabwe anokosha, kana matanda, kana uswa, kana mashanga,13 basa rake richaonekwa kuti rakaitwa nei, nokuti Zuva iro richazvibudisa pachena. Richaratidzwa nomoto, uye moto uchaedza basa romumwe nomumwe.14 Kana zvaakavaka zvikagara, iye achagamuchira mubayiro wake.15 Kana zvikapiswa, iye acharasikirwa: asi iye pachake achaponeswa: asi souya abuda mumoto.
16 Ko, hamuzivi here kuti muri temberi yaMwari uye kuti Mweya waMwari anogara mamuri?17 Kana munhu achiparadza temberi yaMwari, Mwari achamuparadza; nokuti temberi yaMwari itsvene, uye ndimi temberi yacho.
18 Musazvinyengera. Kana mumwe wenyu achizviti akachenjera namaonero enyika ino, ngaave “benzi” kuti ave akachenjera.19 Nokuti uchenjeri hwenyika ino upenzi pamberi paMwari.20 Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Anobata vakachenjera pamano avo,”
21 Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anozvikudza pamusoro pavanhu! Zvinhu zvose ndezvenyu,22 angava Pauro kana Aporo, kana Kefasi, kana nyika, kana upenyu, kana rufu, kana zvazvino, kana zvinouya, zvose ndezvenyu,

23 uye muri vanhu vaKristu, uye Kristu ndewaMwari.

1 Corinthians 3

Immaturity and Self-deception

1 So, brothers and sisters,t I could not speak to you as spiritual people, but instead as people of the flesh,t as infants in Christ.2 I fed you milk,s not solid food, for you were not yet ready. In fact, you are still not ready,3 for you are still influenced by the flesh.t For since there is still jealousy and dissension among you, are you not influenced by the flesh and behaving like unregenerate people?t

4 For whenever someone says, “I am with Paul,” or “I am with Apollos,” are you not merely human?t
5 What is Apollos, really? Or what is Paul? Servants through whom you came to believe, and each of us in the ministry the Lord gave us.t6 I planted,s Apollos watered, but God caused it to grow.7 So neither the one who plants counts for anything,t nor the one who waters, but God who causes the growth.8 The one who plants and the one who waters work as one,t but each will receive his reward according to his work.9 We are coworkers belonging to God.t You are God’s field, God’s building.10 According to the grace of God given to me, like a skilled master-builder I laid a foundation, but someone else builds on it. And each one must be careful how he builds.11 For no one can lay any foundation other than what is being laid, which is Jesus Christ.12 If anyone builds on the foundation with gold, silver, precious stones, wood, hay, or straw,s13 each builder’st work will be plainly seen, for the Dayts will make it clear, because it will be revealed by fire. And the firess will test what kind of work each has done.14 If what someone has built survives, he will receive a reward.

15 If someone’s work is burned up, he will suffer loss.t He himself will be saved, but only as through fire.
16 Do you not know that you are God’s temples and that God’s Spirit lives in you?

17 If someone destroys God’s temple, God will destroy him. For God’s temple is holy, which is what you are.
18 Guard against self-deception, each of you.t If someone among you thinks he is wise in this age, let him become foolish so that he can become wise.19 For the wisdom of this age is foolishness with God. As it is written, “He catches the wise in their craftiness.”s20 And again, “The Lord knows that the thoughts of the wise are futile.”s21 So then, no more boasting about mere mortals!t For everything belongs to you,22 whether Paul or Apollos or Cephas or the world or life or death or the present or the future. Everything belongs to you,

23 and you belong to Christ, and Christ belongs to God.