1 VAKORINDE 4
Vapostori vaKristu
1 Saka naizvozvo, vanhu vanofanira kutiona savaranda vaKristu uye savaya vakaitwa vachengeti vezvakavanzika zvaMwari.2 Zvino zvakafanira kuti vaya vakapiwa utariri vave vakatendeka.3 Chinhu chiduku duku kwandiri kana ndichitongwa nemi kana dare ripi zvaro romunhu; zvirokwazvo handizvitongi pachangu.4 Hana yangu yakachena, asi izvi hazviiti kuti ndive munhu akarurama. Ishe ndiye anonditonga.5 Naizvozvo, regai kutonga chinhu nguva isati yasvika; chimbomirai kusvikira Ishe auya. Achaisa pachena zvakavanzwa murima uye acharatidza mifungo yemwoyo yavanhu. Panguva iyoyo mumwe nomumwe acharumbidzwa naMwari.
6 Zvino, hama dzangu, ndakaita zvinhu izvi kuupenyu hwangu uye nokuna Aporo nokuda kwenyu, kuitira kuti mudzidze kubva kwatiri zvinoreva chirevo chokuti, “Usaita zvinopfuura zvakanyorwa.” Ipapo hamungazvikudzi pamusoro pomumwe munhu muchimuenzanisa nomumwe.7 Nokuti ndianiko akakutsaura iwe kubva kuno mumwe? Chiiko chaunacho chausina kupiwa? Zvino kana wakapiwa, seiko uchizvikudza sousina kupiwa?
8 Matova nezvose zvamunoda kare! Makatopfumiswa kare! Mava madzimambo, uye isu tisipo! Ndinoshuva sei kuti dai makava madzimambo kuitira kuti tigova madzimambo pamwe chete nemi!9 Nokuti ini ndinoona kuti Mwari akatigadza kuti tive vapostori vanoonekwa pakupedzisira, savanhu vakatongerwa rufu. Takaitwa chiseko kunyika yose, kuvatumwa uyewo nokuvanhu.10 Tiri mapenzi nokuda kwaKristu, asi imi makachenjera kwazvo muna Kristu! Isu tinoshayiwa simba, asi imi mune simba! Munokudzwa, isu tinozvidzwa!11 Kusvikira panguva ino isu tine nzara, uye tine nyota, takapfeka mamvemve, tinorohwa zvakaoma kwazvo, hatina pokugara.12 Tinoshanda nesimba namaoko edu. Kana tikatukwa tinoropafadza; kana tichitambudzwa, tinotsungirira;13 kana tichipomerwa mhosva, tinopindura zvinyoronyoro. Kusvikira panguva ino takaitwa setsvina yenyika, marara enyika.
14 Handisi kukunyorerai izvi kuti ndikunyadzisei, asi kuti ndikuyambirei, savana vangu vandinoda.15 Kunyange zvazvo mune vachengeti vanosvika zviuru gumi muna Kristu, hamuna madzibaba mazhinji, nokuti muna Kristu Jesu ndakava baba venyu kubudikidza nevhangeri.16 Naizvozvo ndinokukumbirai zvikuru kuti muve vateveri vangu.17 Nokuda kwechikonzero ichi ndatuma Timoti kwamuri, mwana wangu wandinoda, akatendeka muna She. Achakuyeuchidzai mararamiro angu muna Kristu Jesu, zvinoenderana nezvandinodzidzisa kwose kwose mukereke dzose.
18 Vamwe venyu vava kuzvikudza, sokunonzi handisi kuzouya kwamuri.19 Asi ndichauya kwamuri nokukurumidza, kana Ishe achida, uye handizotsvaki chete kuti vanhu ava vanozvikudza vari kutaura sei, asi kutiwo vane simba rakadii.20 Nokuti umambo hwaMwari hauzi pakutaura bedzi asi pasimba.
21 Munodeiko? Ndiuye kwamuri neshamhu here, kana norudo uye nomweya wounyoro?
1 Corinthians 4
The Apostles’ Ministry
1 Onet should think about us this way – as servants of Christ and stewards of the mysteries of God.2 Now what is sought in stewards is that one be found faithful.3 So for me, it is a minor matter that I am judged by you or by any human court. In fact, I do not even judge myself.4 For I am not aware of anything against myself, but I am not acquitted because of this. The one who judges me is the Lord.
5 So then, do not judge anything before the time. Wait until the Lord comes. He willt bring to light the hidden things of darkness and reveal the motives of hearts. Then each will receive recognitiont from God.
6 I have applied these things to myself and Apollos because of you, brothers and sisters,t so that through us you may learn “not to go beyond what is written,” so that none of you will be puffed up in favor of the one against the other.7 For who concedes you any superiority? What do you have that you did not receive? And if you received it, why do you boast as though you did not?8 Already you are satisfied! Already you are rich! You have become kings without us! I wish you had become kings so that we could reign with you!9 For, I think, God has exhibited us apostles last of all, as men condemned to die, because we have become a spectacle to the world, both to angels and to people.10 We are fools for Christ, but you are wise in Christ! We are weak, but you are strong! You are distinguished, we are dishonored!11 To the present hour we are hungry and thirsty, poorly clothed, brutally treated, and without a roof over our heads.12 We do hard work, toiling with our own hands. When we are verbally abused, we respond with a blessing, when persecuted, we endure,
13 when people lie about us, we answer in a friendly manner. We are the world’s dirt and scum, even now.
A Father’s Warning
14 I am not writing these things to shame you, but to correct you as my dear children.15 For though you may have ten thousand guardians in Christ, you do not have many fathers, because I became your father in Christ Jesus through the gospel.16 I encourage you, then, be imitators of me.17 For this reason, I have sent Timothy to you, who is my dear and faithful son in the Lord. He will remind you of my ways in Christ,s as I teach them everywhere in every church.18 Some have become arrogant,t as if I were not coming to you.19 But I will come to you soon, if the Lord is willing, and I will find out not only the talk of these arrogant people, but also their power.20 For the kingdom of God is demonstrated not in idle talk but with power.
21 What do you want? Shall I come to you with a rod of disciplinets or with love and a spirit of gentleness?