1 VAKORINDE 5
Dzingai hama iri kuita upombwe
1 Zvinonzi pakati penyu pane upombwe, uye upombwe hworudzi rusakambonzwikwa kunyange pakati pavahedheni: Munhu anorara nomukadzi wababa vake.2 Uye munozvikudza! Mungadai musingachemi here uye makatodzinga munhu anoita zvakadai kuti musayanana naye?3 Kunyange zvangu ndisiri pakati penyu panyama, ndinemi mumweya. Uye ndatotonga kare pamusoro pomunhu akaita izvi, sokunonzi ndiripo.4 Pamunoungana pamwe chete muzita raIshe Jesu, ndinemi mumweya, uye simba raIshe Jesu riripo,5 isai munhu uyu kuna Satani, kuti nyama iparadzwe uye mweya wake ugoponeswa pazuva raShe.
6 Kuzvikudza kwenyu hakuna kunaka. Hamuzivi here kuti mbiriso shoma inovirisa chikanyiwa chose?7 Bvisai mbiriso yakare kuti mugova chikanyiwa chitsva chisina mbiriso, sezvamuri chaizvo. Nokuti Kristu, gwayana redu rePasika, akabayirwa.8 Naizvozvo ngatiitei mutambo, tisingaiti nembiriso yakafa, mbiriso yoruvengo nokuipa, asi nechingwa chisina mbiriso, chingwa chokururama nezvokwadi.
9 Ndakunyorerai mutsamba yangu kuti murege kufambidzana nemhombwe,10 handisi kureva vanhu venyika ino vanoita upombwe, kwete, kana vano ruchiva namakororo, kana vanonamata zvifananidzo. Nokuti kana zvadaro mungatobva panyika ino.11 Asi zvino ndinonyora kwamuri kuti musafambidzana naani zvake anozviti ihama asi ari mhombwe, kana kuti ano ruchiva, anonamata zvifananidzo, kana kuti chidhakwa kana gororo. Munhu akadaro musatombodya naye.
12 Nokuti ibasa rangu here kuti nditonge avo vari kunze kwekereke? Hamufaniri kutonga avo vari mukereke here?
13 Mwari ndiye achatonga avo vari kunze. “Dzingai munhu akaipa uyu abve pakati penyu.”
1 Corinthians 5
Church Discipline
1 It is actually reported that sexual immorality exists among you, the kind of immorality that is not permitted even among the Gentiles, so that someone is cohabiting witht his father’s wife.2 And you are proud!t Shouldn’t you have been deeply sorrowful instead and removed the one who did thist from among you?3 For even though I am absent physically,t I am present in spirit. And I have already judged the one who did this, just as though I were present.t4 When you gather together in the name of our Lord Jesus,s and I am with you in spirit,t along with the power of our Lord Jesus,
5 turn this man over to Satan for the destruction of the flesh, so that his spirit may be savedt in the day of the Lord.s
6 Your boasting is not good. Don’t you know that a little yeasts affectst the whole batch of dough?7 Clean out the old yeast so that you may be a new batch of dough – you are, in fact, without yeast. For Christ, our Passover lamb, has been sacrificed.
8 So then, let us celebrate the festival, not with the old yeast, the yeast of vice and evil, but with the bread without yeast, the bread of sincerity and truth.t
9 I wrote you in my letter not to associate with sexually immoral people.10 In no way did I mean the immoral people of this world, or the greedy and swindlers and idolaters, since you would then have to go out of the world.11 But now I am writing to you not to associate with anyone who calls himself a Christiant who is sexually immoral, or greedy, or an idolater, or verbally abusive,t or a drunkard, or a swindler. Do not even eat with such a person.12 For what do I have to do with judging those outside? Are you not to judge those inside?
13 But God will judge those outside. Remove the evil person from among you.s