1 VAKORINDE 8
Zvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo
1 Zvino, pamusoro pezvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo: Tinoziva kuti tose tino ruzivo. Ruzivo runouyisa kuzvikudza, asi rudo runovaka.2 Munhu anofunga kuti anoziva chinhu achigere kuziva zvaanofanira kuziva.3 Asi munhu anoda Mwari anozivikanwa naMwari.
4 Saka naizvozvo, pamusoro pokudya zvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo: Tinoziva kuti chifananidzo hachizi chinhu zvachose panyika uye kuti hakuna Mwari, asi iye mumwe chete.5 Nokuti kunyange dai varipo vanonzi vamwari, kungava kudenga kana panyika (sezvavaripo zvirokwazvo “vamwari” vazhinji uye na“madzishe” mazhinji),6 asi isu tina Mwari mumwe chete, ivo Baba, zvinhu zvose zvakabva kwavari uye ndivo vatinoraramira; uye tina She mumwe chete, Jesu Kristu, zvinhu zvose zvakavapo kubudikidza naye, uye nesu tinorarama kubudikidza naye.
7 Asi havazi vose vanoziva izvi. Vamwe vanhu vachakabatwa nezvifananidzo zvokuti kana vachidya zvakadai vanodya vachiti zvakabayirwa kuzvifananidzo, uye sezvo hana yavo isati yasimba, inoshatiswa.8 Asi, zvokudya hazvingatisvitsi pedyo naMwari; hatina kuipa kana tisina kudya uye hatinatswi kana tadya.
9 Asi chenjerai, kuti simba renyu iri rirege kuva chigumbuso kuna vasina simba.10 Nokuti kana mumwe asina simba achikuona iwe uno ruzivo urwu uchidya uri mutemberi yechifananidzo, ko, hana yaiye asina simba haingatsungiswi kuti adye izvo zvakabayirwa kuzvifananidzo here?11 Naizvozvo, hama iyi isina simba, iyo yakafirwa naKristu ichaparadzwa nokuziva kwako.12 Kana mukatadzira hama dzenyu zvakadai uye muchikuvadza hana dzavo dzisina simba, munotadzira Kristu.
13 Naizvozvo, kana zvandinodya zvichigumbusa hama yangu handichazodyizve nyama, kuti ndirege kuzomugumbusa.
1 Corinthians 8
Food Sacrificed to Idols
1 With regard to food sacrificed to idols, we know that “we all have knowledge.”s Knowledge puffs up, but love builds up.2 If someone thinks he knows something, he does not yet know to the degree that he needs to know.
3 But if someone loves God, het is known by God.t
4 With regard then to eating food sacrificed to idols, we know that “an idol in this world is nothing,” and that “there is no God but one.”s5 If after all there are so-called gods, whether in heaven or on earth (as there are many gods and many lords),
6 yet for us there is one God, the Father, from whom are all things and for whom we live, and one Lord, Jesus Christ, through whom are all things and through whom we live.t
7 But this knowledge is not shared by all. And some, by being accustomed to idols in former times, eat this food as an idol sacrifice, and their conscience, because it is weak, is defiled.8 Now food will not bring us close to God. We are no worse if we do not eat and no better if we do.9 But be careful that this liberty of yours does not become a hindrance to the weak.10 For if someone weak sees you who possess knowledge dining in an idol’s temple, will not his conscience be “strengthened”t to eat food offered to idols?11 So by your knowledge the weak brother or sister,t for whom Christ died, is destroyed.t12 If you sin against your brothers or sisterst in this way and wound their weak conscience, you sin against Christ.
13 For this reason, if food causes my brother or sister to sin, I will never eat meat again, so that I may not cause one of themt to sin.