1 JOHANI 3
1 Tarirai kukura kworudo rwatakaitirwa naBaba, kuti tinzi vana vaMwari! Uye ndizvo zvatiri! Chinoita kuti nyika itadze kutiziva ndechokuti haina kumuziva iye.2 Shamwari dzinodiwa, zvino tiri vana vaMwari, uye zvatichazova zvichigere kuzivikanwa. Asi tinoziva kuti paachaonekwa, isu tichafanana naye, nokuti tichamuona sezvaari.3 Mumwe nomumwe ane tariro iyi maari anozvichenesa, sezvo iye akachena.
4 Munhu wose anotadza anodarika murayiro, zvechokwadi, chivi ndiko kudarika murayiro.5 Asi munoziva kuti iye akaonekwa kuitira kuti abvise zvivi zvedu. Uye maari hamuna chivi.6 Hakuna munhu anogara maari anoramba achingotadza. Hakuna munhu anoramba achitadza, kana akamuona kana akamuziva.
7 Vana vanodiwa, musarega munhu upi zvake achikutsausai. Uyo anoita zvakanaka, akarurama, saiye akarurama.8 Uyo anoita zvakaipa ndowadhiabhori, nokuti dhiabhori akanga achingotadza kubva pakutanga. Mwanakomana waMwari akaonekwa nokuda kwaizvozvi kuti aparadze basa radhiabhori.9 Hakuna munhu akaberekwa naMwari anoramba achiita chivi, nokuti mbeu yaMwari inogara maari; haangarambi achingotadza, nokuti akaberekwa naMwari.
10 Ndiwo maziviro edu kuti vana vaMwari ndavapi uye kuti vana vadhiabhori ndavapi: Ani naani asingaiti zvakarurama haasi mwana waMwari; uye uyo asingadi hama yake.
Dananai
11 Iri ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga: Tinofanira kudanana.12 Musaita saKaini, akanga ari wowakaipa uye akaponda munun’una wake. Uye akamuurayireiko? Nokuti mabasa ake akanga akaipa uye omunun’una wake akanga akarurama.13 Musashamiswa, hama dzangu, kana nyika ichikuvengai.14 Tinoziva kuti takabva murufu tikaenda muupenyu, nokuti tinoda hama dzedu. Ani naani asingadi anogara murufu.15 Ani naani anovenga hama yake imhondi, uye munoziva kuti hakuna mhondi ino upenyu husingaperi mairi.
16 Aya ndiwo maziviro edu kuti rudo rwakadini: Jesu Kristu akapa upenyu hwake nokuda kwedu. Uye isu tinofanira kupa upenyu hwedu nokuda kwehama dzedu.
17 Kana munhu ane pfuma uye akaona hama yake ichishayiwa, asi akasainzwira tsitsi, rudo rwaMwari rungagara maari seiko?18 Vana vanodikanwa, ngatiregerei kuda namashoko kana norurimi, asi namabasa uye nechokwadi.19 Zvino, ndiwo maziviro edu kuti tiri vechokwadi, uye kuti mwoyo yedu inozorora sei pamberi pake20 pose patinopiwa mhosva nemwoyo yedu. Nokuti Mwari mukuru kupfuura mwoyo yedu, uye anoziva zvinhu zvose.
21 Shamwari dzinodikanwa, kana mwoyo yedu isingatipi mhosva, tinako kuvimba pamberi paMwari22 uye tinogamuchira kubva kwaari zvose zvatinokumbira, nokuti tinoteerera mirayiro yake uye tinoita zvinomufadza.23 Uye uyu ndiwo murayiro wake: kutenda muzita roMwanakomana wake, Jesu Kristu, uye nokuda mumwe nomumwe wedu sezvaakatirayira.
24 Avo vanoteerera mirayiro yake vanogara maari, uye iye mavari. Uye izvi ndizvo zvinoita kuti tizive kuti iye anogara matiri: Tinozviziva noMweya waakatipa.
1 John 3
1 (See what sort of love the Father has given to us: thatt we should be called God’s children – and indeedt we are!st For this reasont the world does not know us: because it did not know him.s2 Dear friends, we are God’s children now, and what we will bets has not yet been revealed. West know thatt whenevert itt is revealeds we will be like him, becauset we will see him just as he is.s
3 And everyone who has this hope focusedt on him purifiess himself, just as Jesust is pure).s
4 Everyone who practices sins also practices lawlessness;s indeed,t sin is lawlessness.5 And you know that Jesusts was revealed to take awayt sins, and in him there is no sin.6 Everyone who residest in him does not sin;ts everyone who sins has neither seen him nor known him.7 Little children, let no one deceive you: The one who practices righteousnesss is righteous, just as Jesust is righteous.8 The one who practices sin is of the devil,s because the devil has been sinningt from the beginning. For this purposet the Son of God was revealed: to destroyt the works of the devil.9 Everyone who has been fatheredt by God does not practice sin,ts becauset God’st seedt resides in him, and thust he is not able to sin, because he has been fathered by God.
10 By thist the children of God and the children of the devil are revealed: Everyone who does not practice righteousness – the one who does not love his fellow Christiants – is not of God.
God Is Love, So We Must Love One Another
11 Fort this is the gospelt messaget that you have heard from the beginning: that we should love one another,s
12 not like Cains who was of the evil one and brutallyt murdered his brother. And why did he murder him? Because his deeds were evil, but his brother’s were righteous.
13 Therefore do not be surprised, brothers and sisters,t if the world hates you.s14 We know thatt we have crossed overts from death to lifes becauset we love our fellow Christians.ts The one who does not love remains in death.s15 Everyone who hates his fellow Christiant is a murderer,s and you know that no murderer has eternal life residingt in him.16 We have come to know love by this:t that Jesust laid downs his life for us; thus we ought to lay down our lives for our fellow Christians.
17 But whoever has the world’s possessionsts and sees his fellow Christiant in need and shuts off his compassion against him, how can the love of Godts resides in such a person?s
18 Little children, let us not love with word or with tongue but in deed and truth.s19 And by thists we will know that we are of the truth and will convincet our consciencet in his presence,t20 thatt if our conscience condemnst us, thatt God is greater than our conscience and knows all things.21 Dear friends, if our conscience does not condemn us, we have confidence in the presence of God,22 andt whatever we ask we receive from him, becauset we keep his commandments and do the things that are pleasing to him.23 Nowt this is his commandment:ts that we believe in the name of his Son Jesus Christ and love one another, just as he gaves us the commandment.
24 And the person who keeps his commandments residests in God,t and Godt in him. Now by thist we know that Godt resides in us: by the Spirit he has given us.