previous next

1 PETRO 1

1 Petro, mupostori waJesu Kristu,
Kuvasanangurwa vaMwari, vatorwa munyika, vakapararira muPondasi yose, neGaratia, neKapadhokia, Ezhia neBhitinia,

2 vakasarudzwa maererano nokuziva zviri mberi kwaMwari Baba, kubudikidza nebasa roMweya rokuvaita vatsvene, kuti vateerere kuna Jesu Kristu nokusaswa neropa rake:

Nyasha norugare ngazviwande kwamuri.

Mwari ngaarumbidzwe nokuda kweTariro Mhenyu
3 Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, ngaarumbidzwe! Nengoni dzake huru, akatibereka patsva akatipinza mutariro mhenyu nokumuka kwaJesu Kristu kubva kuvakafa,4 akatiisa munhaka isingagoni kuparara, isingaori kana kusvava, yamakachengeterwa kudenga,5 imi munodzivirirwa nesimba raMwari nokutenda kusvikira ruponeso rwauya rwakagadzirirwa kuti ruratidzwe munguva dzokupedzisira.6 Mune izvi munofara zvikuru kunyange zvino, kana zvichifanira, muchitambudzika kwechinguva chiduku nenzira dzose dzemiedzo.7 Izvi zvakauya kuitira kuti kutenda kwenyu, kunokosha kupfuura goridhe, rinoparara kunyange zvaro rakanatswa nomoto, kuwanikwe kwakakwana uye kuve kunorumbidzwa, kunobwinya uye kunokudzwa pakuratidzwa kwaJesu Kristu.8 Kunyange musina kumuona, munomuda; kunyange zvazvo musingamuoni zvino, munotenda kwaari uye muzere nomufaro usingagoni kurondedzerwa,9 nokuti muri kugamuchira chinovavarirwa nokutenda kwenyu, irwo ruponeso rwemweya yenyu.
10 Nezvoruponeso urwu, vaprofita vakataura nezvenyasha dzaizouya kwamuri, vakanzvera zvikuru uye vakabvunza zvikuru,11 vachiedza kunzvera kuti vaone nguva nezvinhu zvairatidzwa noMweya wakanga uri mukati mavo pawakaprofita nezvokutambudzika kwaKristu, uye nezvokubwinya kwaizotevera.

12 Zvakaratidzwa kwavari kuti vakanga vasingazvishumiri ivo, asi imi, pavakataura nezvezvinhu zvakataurwa kwamuri zvino naavo vakaparidza vhangeri kwamuri noMweya Mutsvene wakatumwa uchibva kudenga. Kunyange vatumwa vanoshuva kuona zvinhu izvozvi.

Ivai Vatsvene
13 Naizvozvo, pfungwa dzenyu ngadzigadzirire kushanda, muzvidzore; muise, zvizere, tariro yenyu panyasha dzamuchapiwa pakuonekwa kwaJesu Kristu.14 Savana vanoteerera, musaenzaniswa nezvido zvakaipa zvamaiva nazvo pamairarama mukusaziva.15 Asi saiye akakudanai mutsvene, ivai vatsvene pane zvose zvamunoita;16 nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.”
17 Sezvo muchidana kuna Baba vanotonga basa romunhu mumwe nomumwe vasingatsauri, mugare upenyu hwenyu pano savatorwa muchitya.18 Nokuti munoziva kuti hamuna kudzikinurwa nezvinhu zvinoora, zvakadai sesirivha kana goridhe, kubva paupenyu hwenyu husina maturo, hwamakagamuchira kubva kumadzitateguru enyu,19 asi neropa rinokosha raKristu, iro gwayana risina charingapomerwa uye risina kuremara.20 Iye akasanangurwa kare nyika isati yavapo, asi akaratidzwa kwamuri mumazuva ano okupedzisira nokuda kwenyu.21 Kubudikidza naye munotenda kuna Mwari, akamumutsa kubva kuvakafa uye akamukudza, kuti kutenda kwenyu netariro yenyu zvive muna Mwari.
22 Zvino zvamakanatsa mwoyo yenyu nokuteerera chokwadi kuitira kuti mude hama muzvokwadi, munofanira kudanana zvikuru, zvichibva pamwoyo.23 Nokuti makaberekwa patsva, kwete nembeu inoora, asi isingaori, neshoko raMwari benyu uye rinogara nokusingaperi.

24 Nokuti,

“Vanhu vose vakaita souswa,
uye kuyevedza kwavo kwakaita
samaruva ouswa;
uswa hunosvava uye maruva anowira pasi,

25 asi shoko raShe rinogara nokusingaperi.”

Uye iri ndiro shoko ramakaparidzirwa.

1 Peter 1

Salutation

1 From Peter,t an apostle of Jesus Christ, to those temporarily residingt abroadt (in Pontus, Galatia, Cappadocia, the province of Asia,t and Bithynia) who are chosent

2 according to the foreknowledge of God the Father by being set apart by the Spirit for obedience and for sprinklings with Jesus Christ’s blood. May grace and peace be yours in full measure!t

New Birth to Joy and Holiness

3 Blessed bet the God and Father of our Lord Jesus Christ! By his great mercy he gave us new birth into a living hope through the resurrection of Jesus Christ from the dead,4 that is,t intot an inheritance imperishable, undefiled, and unfading. It is reserved in heaven for you,5 who by God’s power are protected through faith for a salvation ready to be revealed in the last time.6 This brings you great joy,t although you may have to sufferst for a short time in various trials.7 Such trials show the proven character of your faith,ts which is much more valuable than gold – gold that is tested by fire, even though it is passing awayt – and will bring praiset and glory and honor when Jesus Christ is revealed.t8 Yout have not seen him, but you love him. Yout do not see him now but you believe in him, and so you rejoicet with an indescribable and glorioust joy,

9 because you are attaining the goal of your faith – the salvation of your souls.
10 Concerning this salvation,t the prophetss who predicted the grace that would come to yout searched and investigated carefully.11 They probedt into what person or timets the Spirit of Christ within them was indicating when he testified beforehand about the sufferings appointed for Christt and his subsequent glory.t

12 They were shownt that they were serving not themselves but you, in regard to the things now announced to you through those who proclaimed the gospel to you by the Holy Spirit sent from heaven – things angels long to catch a glimpse of.
13 Therefore, get your minds ready for actiont by being fully sober, and set your hopet completely on the grace that will be brought to you when Jesus Christ is revealed.t14 Like obedient children, do not comply witht the evil urges you used to follow in your ignorance,t15 but, like the Holy One who called you, become holy yourselves in all of your conduct,16 for it is written, “You shall be holy, because I am holy.”s17 And if you address as Father the one who impartially judges according to each one’s work, live out the time of your temporary residence heret in reverence.18 You know that from your empty way of life inherited from your ancestors you were ransomed – not by perishable things like silver or gold,19 but by precious blood like that of an unblemished and spotless lamb, namely Christ.20 He was foreknownt before the foundation of the world butt was manifested in these last timest for your sake.

21 Through him you now trustst in God, who raised him from the dead and gave him glory, so that your faith and hope are in God.
22 You have purifiedt your souls by obeying the truths in order to show sincere mutual love.t Sot love one another earnestly from a pure heart.s23 You have been born anew, not from perishable but from imperishable seed, through the living and enduring word of God.

24 For
all fleshsis like grass
and all its glory like the flower of the grass;t
the grass withers and the flower falls off,

25 but the word of the Lordsendures forever.s
And this is the word that was proclaimed to you.