previous next

1 PETRO 2

1 Naizvozvo, muzvidzore pane zvakaipa zvose namanomano ose, nokunyengera, negodo, nokureva kwose.2 Savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka wakachena womweya, kuti mugokuriswa nawo muruponeso rwenyu,

3 sezvo makaravira zvino kuti Ishe akanaka.

Ibwe Benyu naVanhu Vakasanangurwa
4 Sezvamunouya kwaari, iye Ibwe Benyu, rakarambwa navanhu asi rakasarudzwa naMwari uye rinokosha kwaari,5 nemiwo, samabwe mapenyu, muri kuvakwa muimba yomweya kuti muve uprista hutsvene muchipa zvibayiro zvomweya zvinogamuchirwa kuna Mwari kubudikidza naJesu Kristu.

6 Nokuti muRugwaro zvinonzi:

“Tarirai, ndakaisa ibwe muZioni,
ibwe rakasanangurwa, rinokosha,
uye munhu anovimba naye
haatongonyadziswi.”

7 Zvino kunemi vanotenda, iri ibwe rinokosha. Asi kuna avo vasingatendi,

“Ibwe rakaraswa navavaki
ndiro rava musoro wekona,”

8 uye,
“Ibwe rinogumbusa vanhu
nedombo rinoita kuti vawe.”

Vanogumburwa nokuti havateereri shoko, zvinova ndizvo zvavakatemerwawo.
9 Asi imi muri vanhu vakasanangurwa, uprista hwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaMwari chaivo, vaakadana kuti muparidze kunaka kwaiye akakudanai kuti mubve murima, muuye muchiedza chake chinoshamisa.10 Kare makanga musiri vanhu, asi zvino mava vanhu vaMwari; kare makanga musinganzwirwi ngoni, asi zvino makagamuchira ngoni.
11 Vadikani, ndinokukurudzirai, savatorwa navaeni munyika, kuti muzvidzore pakuchiva kwenyama, kunorwa nomweya wenyu.

12 Mugare upenyu hwakanaka pakati pavahedheni kuti, kunyange vachikupomerai mhosva, vaone mabasa enyu akanaka vagokudza Mwari pazuva raanotishanyira.

Kuzviisa pasi paVatongi naVanatenzi
13 Muzviise pasi pamasimba ose akagadzwa pakati penyu navanhu nokuda kwaIshe: angava mambo, saiye mutongi mukuru,14 kana vabati, vakatumwa naye kuti vazoranga vaya vanoita zvakaipa uye kuti varumbidze vaya vanoita zvakanaka.15 Nokuti kuda kwaMwari kuti, nokuita zvakanaka, muchanyaradza kusaziva kwamapenzi.16 Garai savanhu vakasununguka, asi musingaiti kuti kusununguka kwenyu kuve chifukidzo chezvakaipa; garai savaranda vaMwari.17 Kudzai vanhu vose norukudzo chairwo: Idai hama dzose, ityai Mwari, kudzai mambo.
18 Varanda, zviisei pasi pavatenzi venyu nokukudza kwose, kwete kuna avo vakanaka navane hanya bedzi, asi nokuna vayawo vane hasha.19 Nokuti zvinorumbidzwa kana munhu achitsungirira ari pasi pokurwadziwa nokutambudzika kusakafanira nokuti anoziva kuti Mwari ariko.20 Asi mungarumbidzwa sei kana muchirohwa nokuda kwokuita zvakaipa uye muchitsunga mazviri? Asi kana muchitambudzika nokuda kwokuti munoita zvakanaka uye muchitsunga mazviri, izvozvo zvinorumbidzwa pamberi paMwari.

21 Makadanirwa izvozvi, nokuti Kristu akatambudzika nokuda kwenyu, akakusiyirai muenzaniso, kuti mutevere makwara ake.

22 “Iye haana kutadza,
uye kunyengera hakuna kuwanikwa mumuromo make.”

23 Pavakamutuka, haana kudzorera; paakatambudzika, haana kutyisidzira. Asi, akazviisa kuna iye anotonga nokururama.24 Iye pachake akatakura zvivi zvedu mumuviri wake pamuti, kuitira kuti isu tife kuzvivi tigorarama zvakarurama; namavanga ake imi makaporeswa.

25 Nokuti imi makanga makaita samakwai akarasika, asi zvino madzokera kuMufudzi noMutariri wemweya yenyu.

1 Peter 2

1 So get rid oft all evil and all deceit and hypocrisy and envy and all slander.2 Andt yearnt like newborn infants for pure, spiritual milk,t so that by it you may grow up tot salvation,s

3 if you have experiencedtthe Lord’s kindness.s

A Living Stone, a Chosen People

4 So as you come to him,t a living stone rejected by men butt chosen and pricelesst in God’s sight,5 you yourselves, as living stones, are built up as a spiritual house to be a holy priesthood and to offert spiritual sacrifices that are acceptable to God through Jesus Christ.6 For it sayst in scripture, “Look, I lay in Zion a stone, a chosen and priceless cornerstone,tand whoever believestin himtwill nevertbe put to shame.”s7 So you who believe seet his value,t but for those who do not believe, the stone that the builders rejected has become thetcornerstone,s8 and a stumbling-stonetand a rock to trip over.s They stumblet because they disobey the word, as they were destined to do.t9 But you are a chosen race, a royal priesthood, a holy nation, a people of his own, so that you may proclaim the virtuess of the one who called you out of darkness into his marvelous light.

10 Yout once were not a people, but now you are God’s people. You were shown no mercy,s but now you have received mercy.
11 Dear friends, I urge you as foreigners and exiles to keep away from fleshly desires that do battle against the soul,

12 and maintain good conductt among the non-Christians,t so that thought they now malign you as wrongdoers, they may see your good deeds and glorify God when he appears.t

Submission to Authorities

13 Be subject to every human institutiont for the Lord’s sake, whether to a king as supreme14 or to governors as those he commissionst to punish wrongdoers and praiset those who do good.15 For God wants yout to silence the ignorance of foolish people by doing good.16 Livet as free people, not using your freedom as a pretext for evil, but as God’s slaves.ts

17 Honor all people, love the family of believers,t fear God, honor the king.
18 Slaves,t be subjectt to your masters with all reverence, not only to those who are good and gentle, but also to those who are perverse.19 For this finds God’s favor,t if because of conscience toward Godst someone endures hardships in suffering unjustly.20 For what credit is it if you sin and are mistreated and endure it? But if you do good and suffer and so endure, this finds favor with God.t21 For to this you were called, since Christ also suffered for you, leaving an example for you to follow in his steps.22 Hetcommitted no sin nor was deceit found in his mouth.s23 When he was maligned, het did not answer back; when he suffered, he threatenedt no retaliation,s but committed himself to Godt who judges justly.24 Hethimself bore our sinss in his body on the tree, that we may cease from sinningt and live for righteousness. By histwoundstyou were healed.s

25 For you were going astray like sheeps but now you have turned back to the shepherd and guardian of your souls.