1 PETRO 3
Vakadzi naVarume
1 Saizvozvo nemiwo vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu kuiitira kuti, kana mumwe wavo asingatendi shoko, angadzorwa namafambiro avakadzi vavo pasina shoko rarehwa,2 pavanoona kuchena nokuremekedzwa kwoupenyu hwenyu.3 Runako rwenyu ngarurege kubva pakushonga kwokunze, kwakadai sebvudzi rakarukwa uye nokushonga zvishongo zvegoridhe nenguo dzakaisvonaka.4 Asi, runofanira kuva rwomunhu womukati, iko kunaka kusingaori kwounyoro nokwomweya wakapfava, kunova ndiko kunokosha pamberi paMwari.5 Nokuti vaizvishongedza saizvozvi vakadzi vatsvene vakare avo vaiisa tariro yavo muna Mwari. Vakanga vachizviisa pasi pavarume vavo chaivo,6 saSara, akateerera Abhurahama akamuti ishe wake. Muri vanasikana vake kana muchiita zvakanaka uye musingapi kutya nzvimbo.
7 Saizvozvo, varume, garai zvakanaka navakadzi venyu, uye muvabate norukudzo somudziyo usina simba uye savadyi venhaka pamwe chete nemi, yechipo chinokosha choupenyu, kuti parege kuva nechinodzivisa minyengetero yenyu.
Kutambudzika nokuda kwoKuita Zvakanaka
8 Pakupedzisira, imi mose, mugare norugare mumwe nomumwe wenyu; munzwirane ngoni, mudanane sehama, munzwirane tsitsi uye muzvininipise.
9 Regai kudzorera chakaipa nechakaipa kana kutuka nokutuka, asi namaropafadzo, nokuti ndizvo zvamakadanirwa izvozvo kuitira kuti mugare nhaka yokuropafadzwa.
10 Nokuti,
“Uyo anoda upenyu
nokuona mazuva akanaka
anofanira kudzora rurimi rwake pane zvakaipa,
nemiromo yake pakutaura zvinonyengera.
11 Anofanira kudzoka pane zvakaipa agoita zvakanaka;
anofanira kutsvaka rugare agorutevera.
12 Nokuti meso aShe ari pamusoro pavakarurama,
uye nzeve dzake dzakateerera kumunyengetero wavo,
asi chiso chaShe chakanangana navaya vanoita zvakaipa.”
13 Ndianiko achakuitirai zvakaipa kana muchishingairira kuita zvakanaka?14 Asi kunyange dai mungatambudzika nokuda kwezvakanaka, makaropafadzwa imi. “Murege kutya zvavanotya ivo; musavhundutswa.”15 Asi mumwoyo menyu tsaurai Kristu saIshe. Mugare makazvigadzirira nguva dzose kupindura vose vanokubvunzai pamusoro petariro yamunayo. Asi muite izvozvo nounyoro uye nokukudza,16 muchichengeta hana yakachena, kuitira kuti vaya vanotaura zvakaipa pamusoro pamafambiro enyu akanaka muna Kristu vanyadziswe pakureva kwavo.17 Zviri nani, kana kuri kuda kwaMwari, kuti mutambudzike nokuda kwokuita zvakanaka pano kuti mutambudzike nokuda kwokuita zvakaipa.18 Nokuti Kristu akafira zvivi zvavose kamwe chete; akarurama nokuda kwavasakarurama, kuti akuuyisei kuna Mwari. Akaurayiwa mumuviri asi akararamiswa noMweya,19 nawo akaendawo akandoparidza kumweya yakanga iri mutorongo20 yakaramba kuteerera kare Mwari paakanga akamirira nomwoyo murefu mumazuva aNoa, areka payakanga ichiri kuvakwa. Mairi, vanhu vashoma bedzi, ivo vasere, vakaponeswa nemvura,21 uye mvura iyi inofananidzira rubhabhatidzo runokuponesaiwo zvino, rusingarevi kubviswa kwetsvina yomuviri asi rubatso rwehana yakanaka kuna Mwari. Inokuponesai nokumuka kwaJesu Kristu,
22 iye akapinda mudenga uye ari kuruoko rworudyi rwaMwari, vatumwa namasimba noushe zviri pasi pake.
1 Peter 3
Wives and Husbands
1 In the same way, wives, be subject to your own husbands. Then,t even if some are disobedient to the word, they will be won over without a word by the way you live,t2 when they see your pure and reverent conduct.t3 Let yourt beautyt not be external – the braiding of hair and wearing of gold jewelryt or fine clothes –4 but the inner persont of the heart, the lasting beauty of a gentle and tranquil spirit, which is precious in God’s sight.5 For in the same way the holy women who hoped in God long ago adorned themselves by being subject to their husbands,6 like Sarah who obeyedt Abraham, calling him lord. You become her childrent when you do what is good and have no fear in doing so.t
7 Husbands, in the same way, treat your wives with consideration as the weaker partnerst and show them honor as fellow heirs of the grace of life. In this way nothing will hinder your prayers.t
Suffering for Doing Good
8 Finally, all of you be harmonious,t sympathetic, affectionate, compassionate, and humble.9 Do not return evil for evil or insult for insult, but instead blesst otherst because you were called to inherit a blessing.
10 For
the one who wants to love life and see good days must keepthis tongue from evil and his lips from uttering deceit.
11 And he must turn away from evil and do good;
he must seek peace and pursue it.
12 For the eyes of the Lord aretupon the righteous and his ears are open to their prayer.
But the Lord’s face is against those who do evil.s
13 Fort who is going to harm you if you are devoted to what is good?14 But in fact, if you happen to suffers for doing what is right,t you are blessed. But do not be terrified of themtor be shaken.s15 But set Christs apartt as Lord in your hearts and always be ready to give an answer to anyone who asks about the hope you possess.t16 Yet do it with courtesy and respect,t keeping a good conscience, so that those who slander your good conduct in Christ may be put to shame when they accuse you.t
17 For it is better to suffer for doing good, if God wills it,t than for doing evil.
18 s Because Christ also suffereds once for sins,
the just for the unjust,s
to bring you to God,
by being put to death in the flesh
butt by being made alive in the spirit.s
19 In itt he went and preached to the spirits in prison,s
20 after they were disobedient long agot when God patiently waitedt in the days of Noah as an ark was being constructed. In the arkt a few, that is eight souls, were delivered through water.21 And this prefigured baptism, which now saves yout – not the washing off of physical dirtt but the pledget of a good conscience to God – through the resurrection of Jesus Christ,
22 who went into heaven and is at the right hand of Godt with angels and authorities and powers subject to him.t