1 PETRO 4
Kuraramira Mwari
1 Naizvozvo, sezvo Kristu akatambudzika mumuviri wake, nemiwo muzvishongedze nomurangariro iwoyo, nokuti uyo akatambudzika mumuviri wake akarega chivi.2 Nokuda kwaizvozvo, haagari upenyu hwake hwose hwapanyika pakuchiva kwavanhu kwakaipa, asi mukuda kwaMwari.3 Nokuti nguva yakapfuura yakaringana kare yamakapedza muchiita kuda kwavahedheni yamairarama muutere, kuchiva, kudhakwa, kutamba kwakaipa, kuraradza nokunamata zvifananidzo zvinonyangadza.4 Vanofunga kuti zvinoshamisa kuti imi hamuchapindi pamwe chete navo mukurarama kwokusazvidzora kwavo kuzhinji, uye vanokutukai kwazvo.5 Asi vachazvidavirira kuna iye akazvigadzirira kutonga vapenyu navakafa.6 Nokuti nokuda kwaizvozvi vhangeri rakaparidzwa kunyange nokuna vakafa, kuitira kuti vagotongwa nomutowo wavanhu nokuda kwenyama, asi vagorarama nomutowo waMwari nokuda kwomweya.
7 Kuguma kwezvinhu zvose kwava pedyo. Naizvozvo ndangariro dzenyu ngadzichene uye muzvidzore kuti mugogona kunyengetera.8 Pamusoro paizvozvo zvose dananai norudo rukuru, nokuti rudo runofukidza zvivi zvizhinji.9 Muitirane rudo kuno mumwe nomumwe wenyu musinganyunyuti.10 Mumwe nomumwe ngaashandise chipo chaanacho kuti ashandire vamwe, akatendeka muutariri hwenyasha dzaMwari mukuwanda kwadzo.
11 Kana munhu achitaura, ngaadaro somunhu anotaura mashoko chaiwo aMwari. Kana munhu achishumira, ngaazviite nesimba raanopiwa naMwari, kuitira kuti muzvinhu zvose Mwari arumbidzwe kubudikidza naJesu Kristu. Iye ngaave nokubwinya nesimba nokusingaperi-peri. Ameni.
Kutambudzika nokuda kwokuva muKristu
12 Vadikani, musashamiswa nokurwadza kwokutambudzika nemiedzo, sokunge chinhu chisingazikanwi chaitika kwamuri.13 Asi farai kuti munogovana naKristu mumatambudziko, kuitira kuti mufare kwazvo pakuonekwa kwokubwinya kwake.14 Kana muchitukwa nokuda kwezita raKristu, makaropafadzwa, nokuti mweya wokubwinya nowaMwari unogara pamuri.15 Ngakurege kuva nomumwe wenyu achatambudzika, nemhaka yokuti imhondi, kana mbavha, kana kuti anoita zvimwe zvakaipa zvemhando ipi zvayo, kana kusarega zvavamwe.16 Kunyange zvakadaro, kana muchitambudzika somuKristu, musanyadziswa, asi rumbidzai Mwari nokuti mune zita iroro.17 Nokuti inguva yokuti kutonga kutange mumba maMwari; uye kana kuchitanga nesu, zvichazoveiko kuna vaya vasingateereri vhangeri raMwari?
18 Uye,
“Kana zvichiremera akarurama kuti aponeswe,
ko, asingazivi Mwari nomutadzi vachazovei?”
19 Saka zvino, vaya vanotambudzika nokuda kwaMwari vanofanira kuzviisa kuMusiki wavo akatendeka uye vagoramba vachiita zvakanaka.
1 Peter 4
1 So, since Christ suffereds in the flesh, you also arm yourselves with the same attitude, because the one who has suffered in the flesh has finished with sin,s2 in that he spends the rest of his timet on earth concerned about the will of God and not human desires.3 For the time that has passed was sufficient for you to do what the non-Christianst desire.t You lived thent in debauchery, evil desires, drunkenness, carousing, drinking bouts,t and wanton idolatries.t4 Sot they are astonishedt when you do not rush with them into the same flood of wickedness, and they vilify you.t5 They will face a reckoning beforet Jesus Christt who stands ready to judge the living and the dead.
6 Now it was for this very purposet that the gospel was preached to those who are now dead,s so that thought they were judged in the flesht by human standardst they may live spirituallyt by God’s standards.t
Service, Suffering, and Judgment
7 For the culmination of all things is near. So be self-controlled and sober-minded for the sake of prayer.t8 Above all keept your love for one another fervent,t because love covers a multitude of sins.s9 Show hospitalityt to one another without complaining.10 Just as each one has received a gift, use it to serve one anothert as good stewards of the varied grace of God.
11 Whoever speaks, let it be witht God’s words.t Whoever serves, do so with the strengtht that God supplies, so that in everything God will be glorified through Jesus Christ. To him belongt the glory and the power forever and ever. Amen.
12 Dear friends, do not be astonishedt that a trial by fire is occurring among you,t as though something strange were happening to you.13 But rejoice in the degree that you have shared in the sufferings of Christ, so that when his glory is revealedt you may also rejoice and be glad.t14 If you are insulted for the name of Christ, you are blessed, because the Spirit of glory,s who is the Spirit of God,trestss on you.15 But let none of you suffer as a murderer or thief or criminal or as a troublemaker.t16 But if you suffer as a Christian,t do not be ashamed, but glorifyt God that you bear such a name.t17 For it is time for judgment to begin, starting with the houset of God. And if it starts with us, what will be the fatet of those who are disobedient to the gospel of God?18 And if the righteous are barely saved, what will become oftthe ungodly and sinners?ts
19 So then let those who suffer according to the will of God entrust their souls to a faithful Creator as they do good.t