1 VATESARONIKA 4
Kuraramira Kufadza Mwari
1 Pakupedzisira, hama, takakurayirai kuti munofanira kurarama sei kuitira kuti mugofadza Mwari, sezvamuri kurarama. Zvino tinokukumbirai uye tinokukurudzirai muna She Jesu kuti murambe muchiita izvi uye muchiwedzera.2 Nokuti munoziva zvatakakurayirai nesimba raIshe Jesu.
3 Kuda kwaMwari kuti muitwe vatsvene:4 kuti murege upombwe; kuti mumwe nomumwe wenyu adzidze kudzora muviri wake nenzira tsvene uye inokudzwa,5 asingaiti mukuchiva sezvinoitwa navahedheni, vasingazivi Mwari;6 uye kuti pane izvozvi parege kuva nomunhu anotadzira hama yake kana kumutorera chinhu. Ishe acharanga vanhu nokuda kwezvivi zvakadaro zvose, sezvatakakuudzai kare uye tikakuyambirai.7 Nokuti Mwari haana kutidanira kutsvina, asi kuti tirarame upenyu hutsvene.8 Naizvozvo, uyo anoramba kurayira uku haasi kuramba munhu asi Mwari, iye anokupai Mweya wake Mutsvene.
9 Zvino kana rwuri rudo kuhama, hatitsvaki kukunyorerai, nokuti imi pachenyu makadzidziswa naMwari kuti mudanane.10 Uyezve, munoda hama dzose muMasedhonia yose. Asi tinokukurudzirai, hama, kuti muite izvozvo uye muchiwedzera.
11 Shingirirai kuti mugare upenyu hworunyararo, muchibata basa renyu namaoko enyu, sezvatakakuudzai,12 kuitira kuti upenyu hwamazuva ose huwane kukudzwa navari kunze uye kuitira kuti murege kusendamira kuno mumwe munhu.
Kuuya kwaShe
13 Hama, hatidi kuti muve vasingazivi pamusoro paavo vavete, kana kuchema savamwe vavo, vasina tariro.14 Isu tinotenda kuti Jesu akafa uye akamukazve, nokudaro isu tinotenda kuti Mwari achauyisa pamwe chete naJesu avo vakavata maari.15 Samashoko aShe pachake, tinokuudzai kuti isu vachiri vapenyu, vachasara kusvikira pakuuya kwaShe, zvirokwazvo hatizotangiri avo vakavata.16 Nokuti Ishe pachake achaburuka achibva kudenga, nokurayira kukuru, nenzwi romutumwa mukuru uye nokurira kwehwamanda yaMwari, uye vakafa muna Kristu vachatanga kumuka.17 Shure kwaizvozvo, isu vachiri vapenyu uye vakasara, tichatorwa pamwe chete navo mumakore kuti tisangane naShe mudenga. Nokudaro tichava naShe nokusingaperi.
18 Naizvozvo kurudziranai namashoko aya.
1 Thessalonians 4
A Life Pleasing to God
1 Finally then, brothers and sisters,t we ask you and urge you in the Lord Jesus, that as you received instruction from us about hows you must live and please God (as you are in fact living)s that you do so more and more.2 For you know what commands we gave you through the Lord Jesus.3 For this is God’s will: that you become holy,t that you keep away from sexual immorality,4 that each of you know how to possess his own bodyt in holiness and honor,5 not in lustful passion like the Gentiles who do not know God.6 In this matter no one should violate the rights of his brother or take advantage of him,t because the Lord is the avenger in all these cases,t as we also told you earlier and warned you solemnly.7 For God did not call us to impurity but in holiness.
8 Consequently the one who rejects this is not rejecting human authorityt but God, who gives his Holy Spirit to you.
9 Now on the topic of brotherly lovet you have no need for anyone to write you, for you yourselves are taught by God to love one another.10 And indeed you are practicing it toward all the brothers and sisterst in all of Macedonia. But we urge you, brothers and sisters, to do so more and more,s11 to aspire to lead a quiet life, to attend to your own business, and to work with your hands, as we commanded you.
12 In this way you will livet a decent life before outsiders and not be in need.t
The Lord Returns for Believers
13 Now we do not want you to be uninformed,t brothers and sisters,t about those who are asleep,t so that you will not grieve like the rest who have no hope.14 For if we believe that Jesus died and rose again, so also we believe thatt God will bring with him those who have fallen asleep as Christians.t15 For we tell you this by the word of the Lord,s that we who are alive, who are left until the coming of the Lord, will surely not go ahead of those who have fallen asleep.16 For the Lord himself will come down from heaven with a shout of command, with the voice of the archangel,t and with the trumpet of God, and the dead in Christ will rise first.17 Then we who are alive, who are left,s will be suddenly caught upt togethert with them in the clouds to meet the Lord in the air. And so we will always be with the Lord.
18 Therefore encourage one another with these words.