previous next

1 VATESARONIKA 5

1 Zvino, hama, kana dziri nguva kana misi hatifaniri kuti tikunyorerei,2 nokuti imi munoziva kwazvo kuti zuva raShe richauya sembavha usiku.3 Vanhu pavanenge vachiti, “Rugare norunyararo,” kuparadzwa kuchasvika pamusoro pavo nokukurumidza, somukadzi ane mimba worwadziwa, uye havangapunyuki.
4 Asi imi, hama, hamusi murima zvokuti zuva iri rikusvikirei sembavha.5 Imi mose muri vanakomana vechiedza navanakomana vamasikati. Hatizi vousiku kana verima.6 Saka zvino, ngatiregei kuita savamwe vavete, asi ngatisvinurei uye tive vanozvidzora.7 Nokuti avo vanovata, vanovata usiku, uye avo vanodhakwa, vanodhakwa usiku.8 Asi sezvo tiri vamasikati, ngatizvidzorei, takapfeka kutenda norudo sechidzitiro chechipfuva, netariro yoruponeso senguwani.9 Nokuti Mwari haana kutisarudza kuti tive vokutsamwirwa asi kuti tigamuchire ruponeso kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu.10 Akatifira isu kuitira kuti, kunyange takasvinura kana tivete, tigare pamwe chete naye.

11 Naizvozvo kurudziranai uye muvakane, sezvamunoita zvino.

Kurayira Kwokupedzisira
12 Zvino tinokukumbirai, hama, kuti muremekedze avo vanoshanda nesimba pakati penyu, vari pamusoro penyu muna She uye vanokurayirai.13 Muvakudze zvikuru murudo nokuda kwebasa ravo. Garai murunyararo nomumwe nomumwe wenyu.14 Uye tinokukurudzirai, hama, kuti muyambire avo vano usimbe, mukurudzire vanotya, batsirai vasina simba, muite mwoyo murefu kuvanhu vose.15 Muve nechokwadi kuti kurege kuva nomunhu anodzorera chakaipa nechakaipa, asi edzai kuva nomwoyo munyoro kuno mumwe nomumwe wenyu uye nokuna vose.
16 Farai nguva dzose;17 rambai muchinyengetera;18 vongai pazvinhu zvose, nokuti ndiko kuda kwaMwari kwamuri muna Kristu Jesu.
19 Musadzima moto woMweya;20 musazvidza zviprofita.21 Edzai zvinhu zvose. Batirirai kune zvakanaka.22 Regai zvakaipa zvose.
23 Mwari pachake, iye Mwari worugare, ngaakuitei vatsvene kwazvo kwazvo. Mweya wenyu wose, nomwoyo uye nomuviri zvichengetwe zvisina mhosva pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu.24 Iye anokudanai akatendeka uye achazviita.
25 Hama, tinyengeterereiwo.
26 Kwazisai hama dzose nokutsvoda kutsvene.27 Ndinokurayirai pamberi paIshe kuti tsamba iyi iverengerwe hama dzose.
28 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi.

1 Thessalonians 5

The Day of the Lord

1 Now on the topic of times and seasons,t brothers and sisters,t you have no need for anything to be written to you.2 For you know quite well that the day of the Lords will come in the same way as a thief in the night.s3 Now whens they are saying, “There is peace and security,”t then sudden destruction comes on them, like labor painst on a pregnant woman, and they will surely not escape.4 But you, brothers and sisters,t are not in the darkness for the day to overtake you like a thief would.5 For you all are sons of the light and sons of the day. We are not of the night nor of the darkness.6 So then we must not sleep as the rest, but must stay alert and sober.7 For those who sleep, sleep at night and those who get drunk are drunk at night.8 But since we are of the day, we must stay sober by putting on the breastplates of faith and love and as a helmet our hope for salvation.t9 For God did not destine us for wraths but for gaining salvation through our Lord Jesus Christ.10 He diedt for us so that whether we are alert or asleeps we will come to life together with him.

11 Therefore encourage one another and build up each other, just as you are in fact doing.

Final Instructions

12 Now we ask you, brothers and sisters,t to acknowledge those who labor among you and preside over you in the Lord and admonish you,13 and to esteem them most highly in love because of their work. Be at peace among yourselves.14 And we urge you, brothers and sisters,t admonish the undisciplined, comfort the discouraged, help the weak, be patient toward all.15 See that no one pays back evil for evil to anyone, but always pursue what is good for one another and for all.16 Always rejoice,17 constantly pray,18 in everything give thanks. For this is God’s will for you in Christ Jesus.19 Do not extinguish the Spirit.20 Do not treat prophecies with contempt.21 But examine all things; hold fast to what is good.

22 Stay away from every form of evil.

Conclusion

23 Now may the God of peace himself make you completely holy and may your spirit and soul and body be kept entirely blameless at the coming of our Lord Jesus Christ.24 He who calls you is trustworthy, and he will in fact do this.t25 Brothers and sisters,t pray for us too.26 Greet all the brothers and sisterst with a holy kiss.27 I call on you solemnly in the Lordt to have this letter read to all the brothers and sisters.st

28 The grace of our Lord Jesus Christ be with you.s