1 TIMOTI 4
Kurayirwa kwaTimoti
1 Mweya anotaura pachena kuti panguva dzinouya vamwe vachatsauka kubva pakutenda uye vagotevera mweya inonyengera nedzidziso dzamadhimoni.2 Dzidziso dzakadai dzinouya navaya vanoreva nhema, vane hana dzakapiswa sokunge nesimbi inopisa.3 Vanodzivisa vanhu kuwanana uye vachivarayira kuti varege kudya zvimwe zvokudya, izvo zvakasikwa naMwari kuti zvigamuchirwe nokuvonga naavo vanotenda uye vanoziva chokwadi.4 Nokuti chose chakasikwa naMwari chakanaka, uye hapana chinofanira kuraswa kana chichigamuchirwa nokuvonga,5 nokuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nokunyengetera.
6 Kana ukadzidzisa hama zvinhu izvi, uchava mushumiri akanaka waKristu Jesu, akarerwa muzvokwadi yokutenda uye nedzidziso yakanaka yawakatevera.7 Siyana nengano dzisina umwari uye nengano dzechembere; asi uzvirovedzere paumwari.8 Nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma hako asi umwari hunokosha pazvinhu zvose, hune vimbiso kune zvose muupenyu huno uye nomuupenyu hunouya.
9 Iri ishoko rechokwadi rinofanira kutendwa zvizere10 uye nokuda kwaizvozvi tinoshingaira nokurwa, nokuti takaisa tariro yedu muna Mwari mupenyu, anova ndiye muponesi wavanhu vose uye zvikuru sei vaya vanotenda.
11 Rayira uye udzidzise zvinhu izvi.12 Munhu ngaarege kuvapo anokuzvidza nokuda kwouduku hwako, asi uve muenzaniso kuvatendi mukutaura, muupenyu, murudo, mukutenda uye napakuchena kwomwoyo.13 Kusvikira ndauya, shingaira pakuverenga Rugwaro kukereke, kuparidza nokudzidzisa.14 Usarega kushandisa chipo chako, chakapiwa kwauri kubudikidza neshoko rechiprofita pawakaiswa maoko pamusoro navakuru.
15 Shingaira pazvinhu izvi, uzviite nomwoyo wako wose, kuitira kuti munhu wose aone kupfuurira mberi kwako.
16 Uzvichengete kwazvo iwe nedzidziso yako. Utsungirire pazviri, nokuti kana ukazviita, uchazviponesa iwe navanokunzwa.
1 Timothy 4
Timothy’s Ministry in the Later Times
1 Now the Spirit explicitly says that in the later times some will desert the faith and occupy themselvest with deceiving spirits and demonic teachings,t2 influenced by the hypocrisy of liarst whose consciences are seared.ts3 They will prohibit marriage and require abstinence from foods that God created to be received with thanksgiving by those who believe and know the truth.4 For every creation of God is good and no foodt is to be rejected if it is received with thanksgiving.
5 For it is sanctified by God’s word and by prayer.
6 By pointing out such things to the brothers and sisters,t you will be a good servant of Christ Jesus, having nourished yourself on the words of the faith and of the good teaching that you have followed.s7 But reject those mythss fit only for the godless and gullible,t and train yourself for godliness.8 For “physical exerciset has some value, but godliness is valuable in every way. It holds promise for the present life and for the life to come.”9 This sayingts is trustworthy and deserves full acceptance.
10 In fact this is whyt we work hard and struggle,s because we have set our hope on the living God, who is the Savior of all people,t especially of believers.
11 Command and teach these things.12 Let no one look down on you because you are young, but set an example for the believers in your speech, conduct, love, faithfulness,t and purity.13 Until I come, give attention to the public reading of scripture,ts to exhortation, to teaching.14 Do not neglect the spiritual gift you have,t given to you and confirmed by prophetic wordsts when the elders laid hands on you.t15 Take pains with these things; be absorbed in them, so that everyone will see your progress.t
16 Be conscientious about how you live and what you teach.t Persevere in this, because by doing so you will save both yourself and those who listen to you.