previous next

1 TIMOTI 6

1 Vose varanda vari pasi pejoko rouranda vanofanira kukudza vatenzi vavo zvizere, kuitira kuti zita raMwari uye nedzidziso yedu zvirege kumhurwa.

2 Avo vana vatenzi vanotenda ngavarege kuvazvidza nokuda kwokuti ihama. Asi kutoti vanofanira kuvashumira zviri nani, nokuti vaya vanobatsirwa nebasa ravo vatendi, uye vadikanwi kwavari. Izvi ndizvo zvinhu zvaunofanira kuvadzidzisa uye nokuvarayira.

Kuda mari
3 Kana munhu achidzidzisa dzidziso dzenhema uye asingabvumi dzidziso yakanaka yaIshe wedu Jesu Kristu uye nedzidziso youmwari,4 anongozvikudza uye haazivi chinhu. Anongofarira nharo nokukakavara pamusoro pamashoko asingabatsiri, anongomutsa godo, gakava, kutukana nokufungidzirana zvakaipa,5 uye nokupesana kusingaperi pakati pavanhu vane murangariro wakaora, vakabirwa zvokwadi uye vanofunga kuti umwari inzira yokuwana nayo mari.
6 Asi umwari nokugutsikana nezvatinazvo zvinopfumisa kwazvo.7 Nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, uye hatigoniwo kubuda nechinhu kubva mairi.8 Asi kana tine zvokudya nezvokupfeka, tichagutsikana nazvo.
9 Vanhu vanotsvaka kupfuma vanowira mukuedzwa nomumusungo uye nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji uye kunokuvadza kunoisa vanhu mukuparadzwa nokuraswa.10 Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose. Vamwe vanhu vanoda mari zvikuru, vakatsauka kubva pakutenda uye vakazvibaya neshungu zhinji.
Pauro anorayira Timoti
11 Asi iwe, munhu waMwari, tiza kubva pane izvi zvose, uye utevere kururama, umwari, kutenda, rudo, kutsungirira nounyoro.12 Irwa kurwa kwakanaka kwokutenda. Ubatisise upenyu husingaperi hwawakadanirwa kwahuri pawakapupura kupupura kwakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji.13 Ndinokurayira, pamberi paMwari, anopa upenyu kuzvinhu zvose, napamberi paKristu Jesu akapupura zvakanaka paakapa uchapupu pamberi paPondio Pirato,14 kuti uchengete murayiro uyu, usina chinongo kana chaungapomerwa kusvikira pakuonekwa kwaIshe wedu Jesu Kristu,15 uyo achazoratidzwa naMwari panguva yake iye Mwari, iye oga Mutongi akaropafadzwa, Mambo wamadzimambo naIshe wamadzishe.16 Iye oga ndiye asingafi uye agere pachiedza chisingaswederwi, uyo asina akambomuona kana angamuona. Kukudzwa nesimba ngazvive kwaari nokusingaperi. Ameni.
17 Rayira vapfumi panyika ino kuti varege kuzvikudza kana kuisa tariro yavo mupfuma, isingagari, asi kuti vaise tariro yavo kuna Mwari, anotipa zvose zvizhinji kuti tifare nazvo.18 Varayire kuti vaite zvakanaka, uye kuti vafarire kupa vamwe uye nokugovana.
19 Vachazviunganidzira pfuma senheyo yakasimba kunguva dzinouya, kuti vagobatisisa upenyu hunova upenyu kwechokwadi.
20 Timoti, chengeta icho chawakapiwa. Furatira unhu husina umwari nepfungwa dzinopikisa, dzezvinonzi pakutaura kwenhema zivo,21 idzo dzakapupurwa navamwe uye nokudaro vakatsauka kubva pakutenda.
Nyasha ngadzive newe.

1 Timothy 6

1 Those who are under the yoke as slavest must regard their own masters as deserving of full respect. This will preventt the name of God and Christian teachingt from being discredited.t

2 But those who have believing masters must not show them less respectt because they are brothers. Instead they are to serve all the more, because those who benefit from their service are believers and dearly loved.t
Teach them and exhort them about these things.t

Summary of Timothy’s Duties

3 If someone spreads false teachingst and does not agree with sound words (that is, those of our Lord Jesus Christ) and with the teaching that accords with godliness,4 he is conceited and understands nothing, but has an unhealthy interest in controversies and verbal disputes. This gives rise to envy, dissension, slanders, evil suspicions,5 and constant bickering by people corrupted in their minds and deprived of the truth, who suppose that godlinesss is a way of making a profit.6 Now godliness combined with contentment brings great profit.7 For we have brought nothing into this world and sos we cannot take a single thing out either.8 But if we have food and shelter, we will be satisfied with that.t9 Those who long to be rich, however, stumble into temptation and a trap and many senseless and harmful desires that plunge people into ruin and destruction.

10 For the love of money is the roott of all evils.t Some people in reaching for it have strayed from the faith and stabbed themselves with many pains.
11 But you, as a person dedicated to God,t keep away from all that.t Instead pursue righteousness, godliness, faithfulness, love, endurance, and gentleness.12 Compete wellt for the faith and lay hold of that eternal life you were called for and made your good confessions fort in the presence of many witnesses.13 I charge youst before God who gives life to all things and Christ Jesus who made his good confessionts before Pontius Pilate,14 to obeyt this commandts without fault or failure until the appearing of our Lord Jesus Christ15 – whose appearingt the blessed and only Sovereign, the King of kings and Lord of lords, will reveal at the right time.

16 He alone possesses immortality and lives in unapproachable light, whom no human has ever seen or is able to see. To him be honor and eternal power! Amen.
17 Command those who are rich in this world’s goodst not to be haughty or to set their hope on riches, which are uncertain,t but on God who richly provides us with all things for our enjoyment.18 Tell them to do good,t to be rich in good deeds, to be generous givers, sharing with others.t

19 In this way they will save upt a treasure for themselves as a firm foundationt for the future and so lay hold oft what is truly life.

Conclusion

20 O Timothy, protect what has been entrusted to you. Avoidt the profane chatter and absurditiest of so-called “knowledge.”t

21 By professing it, some have strayed from the faith.t Grace be with you all.st