previous next

2 VAKORINDE 1

1 Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti hama yedu,

kukereke yaMwari iri muKorinde, pamwe chete navatsvene vose vari muAkaya yose:

2 Nyasha norugare ngazvive kwamuri zvichiva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.

Mwari woKunyaradza Kwose
3 Ngaarumbidzwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, ivo Baba vengoni naMwari wokunyaradza kwose,4 ivo vanotinyaradza pamatambudziko edu ose, kuti tigone kunyaradza avo vari mumatambudziko nokunyaradza kwatakawana isu kubva kuna Mwari.5 Nokuti sokuwanda kunoita matambudziko aKristu paupenyu hwedu, ndiko kuwandawo kunoita kunyaradzwa kwedu naKristu.6 Kana tichitambudzika, zvinoitirwa kunyaradzwa kwenyu noruponeso rwenyu, kana tichinyaradzwa, zvinoitirwa kunyaradzwa kwenyu, kunobereka mamuri kutsungirira pamatambudziko iwayo atinotambudzika nawo.7 Uye tariro yedu kwamuri yakasimba, nokuti tinoziva kuti sezvamunogoverana nesu mumatambudziko edu, saizvozvowo muchagoverana nesu mukunyaradzwa kwedu.
8 Hatidi kuti murege kuziva, hama, pamusoro pamatambudziko akatiwira tiri mudunhu reEzhia. Takaremerwa kwazvo, kupfuura zvatagona kutsunga, zvokuti takademba kufa.9 Zvirokwazvo mumwoyo medu takanzwa kuti takanga tatongerwa rufu. Asi izvi zvakaitika kuti tirege kuvimba nesimba redu asi naMwari, anomutsa vakafa.10 Akatidzikinura padambudziko guru rorufu rakadai, uye achatidzikinura. Paari ndipo pane tariro yedu kuti acharamba achitidzikinura,11 imi muchitibatsirawo neminyengetero yenyu. Ipapo vazhinji vachavonga pamusoro pedu nokuda kwenyasha zhinji dzatichapiwa pakupindurwa kweminyengetero yavazhinji.
Pauro anoshandura urongwa hwake
12 Zvino uku ndiko kuzvirumbidza kwedu: Hana dzedu dzinotipupurira: kuti takazvibata nokutendeka kunobva kuna Mwari, munyika uye kunyanya paukama hwedu nemi. Hatina kuita izvi nouchenjeri hwenyama, asi maererano nenyasha dzaMwari.13 Nokuti hatikunyorerei zvinhu zvamusingagoni kuverenga kana kunzwisisa. Uye ndinovimba kuti,14 sezvamakatinzwisisa pane zvimwe, muchazosvika pakunyatsotinzwisisa zvakazara zvokuti muchazvirumbidza matiri sezvatichazvirumbidza mamuri, pazuva raIshe Jesu.
15 Nokuti ndaiziva chinhu ichi, ndakaronga kuti nditange kuuya kwamuri kuti mugoropafadzwa kaviri.16 Ndakaronga kukushanyirai ndiri parwendo rwangu rwokuenda kuMasedhonia, uye ndaizodzokazve nokwamuri kana ndobva kuMasedhonia, uye kuti muzondiendesa parwendo rwangu kuJudhea.17 Pandakaronga izvi, ndakazviita ndisingarevesi here? Kana kuti ndinoita urongwa hwangu nenzira yenyama here, zvokuti ndingati nenzira imwe cheteyo, “Hongu, hongu” uye “Kwete, kwete.”
18 Asi zvirokwazvo naMwari akatendeka, shoko redu kwamuri harizi “Hongu” kana “Kwete.”19 Nokuti Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, uyo akaparidzwa pakati penyu neni naSirasi uye naTimoti, akanga asiri, “Hongu” kana “Kwete”, asi maari zvakagara zviri “Hongu.”20 Nokuti hazvinei kuti Mwari akativimbisa zvinhu zvizhinji zvakadii, zvose i“Hongu” muna Kristu. Uye kubudikidza naiye tinoti “Ameni” kuti Mwari akudzwe.21 Zvino ndiMwari anoita kuti tose imi nesu timire takasimba muna Kristu. Akatizodza,22 akaisawo chisimbiso patiri chokuti tava vake, uye akaisa Mweya wake mumwoyo medu kuti ave rubatso, achipa chisimbiso chezvichauya.
23 Ndinodana Mwari kuti ave chapupu changu kuti handina kuzouya kuKorinde nokuti ndakakunzwirai tsitsi.

24 Kwete nokuti tinoda kuremedza kutenda kwenyu, asi kuti tinobatsirana nemi kuti muve nomufaro, nokuti makamira zvakasimba nokuda kwokutenda.

2 Corinthians 1

Salutation

1 From Paul,t an apostle of Christ Jesus by the will of God, and Timothy our brother, to the church of God that is in Corinth,s with all the saints who are in all Achaia.t

2 Grace and peace to yout from God our Father and the Lord Jesus Christ!

Thanksgiving for God’s Comfort

3 Blessed ist the God and Father of our Lord Jesus Christ, the Father of mercies and God of all comfort,4 who comforts us in all our troublest so that we may be able to comfort those experiencing any troublet with the comfort with which we ourselves are comforted by God.5 For just as the sufferingst of Christt overflowt toward us, so also our comfort through Christ overflows to you.t6 But if we are afflicted,t it is for your comfort and salvation; if we are comforted, it is for your comfort that you experience in your patient endurance of the same sufferings that we also suffer.7 And our hope for you is steadfast because we know that as you share int our sufferings, so also you will share int our comfort.8 For we do not want you to be unaware, brothers and sisters,t regarding the affliction that happened to us in the province of Asia,t that we were burdened excessively, beyond our strength, so that we despaired even of living.9 Indeed we felt as if the sentence of death had been passed against us,t so that we would not trust in ourselvest but in God who raises the dead.10 Het delivered us from so great a risk of death, and he will deliver us. We have set our hope on himt thats he will deliver us yet again,

11 as you also join in helping us by prayer, so that many people may give thanks to Godt on our behalf for the gracious gift given to us through the help of many.

Paul Defends His Changed Plans

12 For our reason for confidencet is this: the testimony of our conscience, that with pure motivesst and sincerity which are from Godt – not by human wisdomt but by the grace of God – we conducted ourselves in the world, and all the moret toward you.13 For we do not write you anything other than whatt you can read and also understand. But I hope that you will understand completelyt14 just as also you have partly understood us, that we are your source of pride just as you also are ourst in the day of the Lord Jesus.s15 And with this confidence I intended to come to you first so that you would get a second opportunity to see us,t16 and through your help to go on into Macedonia and then from Macedonia to come backt to you and be helped on our way into Judea by you.17 Therefore when I was planning to do this, I did not do so without thinking about what I was doing, did I?t Or do I make my planst according to mere human standardst so that I would be sayingt both “Yes, yes” and “No, no” at the same time?18 But as God is faithful, our message to you is not “Yes” and “No.”19 For the Son of God, Jesus Christ, the one who was proclaimed among you by us – by me and Silvanuss and Timothy – was not “Yes” and “No,” but it has always been “Yes” in him.20 For every one of God’s promises are “Yes” in him; therefore also through him the “Amen” is spoken, to the glory we give to God.21 But it is God who establishest us together with you in Christ and who anointed us,t

22 who also sealed us and gave us the Spirit in our hearts as a down payment.ts
23 Now I appeal to God as my witness,t that to sparet you I did not come again to Corinth.ss24 I do not mean that we rule over your faith, but we are workers with you for your joy, because by faith you stand firm.t