previous next

2 VAKORINDE 10

Kuzvidavirira kwaPauro pamusoro poUshumiri hwake

1 Nounyoro nokuzvidzora kwaKristu, ndinokumbira zvikuru kwamuri, ini Pauro, “ndinotya” zvikuru kana ndichitarisana nemi chiso nechiso asi, “handityi” kana ndisipo!2 Ndinokukumbirisai zvikuru kuti kana ndichinge ndasvika kwamuri ndirege kuzova nokushinga kwandinofanira kuva nako kuna vanhu avo vanofunga kuti tinorarama namararamiro enyika ino.3 Nokuti kunyange dai tichigara zvedu munyika, hatirwi hondo sezvinoita nyika ino.4 Nhumbi dzatinorwa nadzo hadzizi nhumbi dzenyika ino. Asi dzine simba raMwari rokuputsa nhare.5 Tinoputsa kukakavara nokunyengera kwose kunozvikudza kuchipikisa kuziva Mwari, uye tinotapa mifungo yose kuti iteerere Kristu.6 Uye tichange takagadzirira kuranga kuita kwose kwokusateerera, kana kuteerera kwenyu kuchinge kwazadziswa.
7 Imi muri kungoonera zvinhu pamusoro bedzi. Kana munhu achivimba kuti iye ndowaKristu, ngaarangarirewo zvakare kuti isu tiri vaKristu sezvaakaitawo iye.8 Nokuti kunyange dai ndichizvirumbidza pachena pamusoro pesimba ratakapiwa naIshe rokukuvakai kwete rokukuputsirai pasi, handinganyadziswi nazvo.9 Handidi kuedza kuita sendinokutyisidzirai netsamba dzangu.10 Nokuti vamwe vanoti, “Tsamba dzake dzina mashoko makukutu uye dzine chisimba, asi iye pachake haatyisi uye kutaura kwake hakuna maturo.”11 Vanhu vakadai vanofanira kuziva kuti zvatiri mumatsamba edu kana tisipo, ndizvo zvatichava pakuita kwedu kana tavapo.
12 Hatidi kuedza kuzvienzanisa kana kuzvifananidza navamwe vanozvirumbidza. Pavanozviera vachizvienzanisa naivo pachavo, havana kuchenjera.13 Zvisinei, isu hatingazvirumbidzi kupfuura mwero wakafanira, asi tinogumisa mwero wokuzvirumbidza kwedu pabasa ratakapiwa naMwari, basa rinosvika kunyange kwamuri.14 Hatizi kupfurikidza mwero pakuzvirumbidza kwedu, sezvazvaizova kana dai takanga tisina kuuya kwamuri, nokuti takasvika kwamuri nevhangeri raKristu.15 Uyezve hatipfuuri miganhu yedu nokuzvirumbidza pamusoro pebasa rakaitwa navamwe. Tariro yedu ndeyokuti, pamunoramba muchikura pakutenda kwenyu, mashandiro edu pakati penyu achakurawo kwazvo,16 kuitira kuti tigoparidza vhangeri kumatunhu ari mberi kwenyu. Nokuti hatidi kuzvirumbidza nebasa rakaitwa kare munzvimbo dzavamwe vanhu.17 Asi, “Anozvirumbidza ngaazvirumbidze muna She.”

18 Nokuti haazi uyo anozvirumbidza achanzi akatendeka, asi uyo anorumbidzwa naShe.

2 Corinthians 10

Paul’s Authority from the Lord

1 Now I, Paul, appeal to yout personallyt by the meekness and gentlenesst of Christ (I who am meekt when present amongt you, but am full of couraget toward you when away!) –2 now I ask that when I am present I may not have to be bold with the confidence that (I expect) I will dare to use against some who consider us to be behavingt according to human standards.t3 For though we livet as human beings,t we do not wage war according to human standards,t4 for the weapons of our warfare are not human weapons,t but are made powerful by Godt for tearing down strongholds.s We tear down argumentst5 and every arrogant obstaclet that is raised up against the knowledge of God, and we take every thought captive to make it obeyt Christ.6 We are also ready to punish every act of disobedience,t whenever your obedience is complete.7 You are looking at outward appearances.t If anyone is confident that he belongs to Christ, he should reflect on this again: Just as he himself belongs to Christ, so too do we.8 For if I boast somewhat more about our authority that the Lord gave ust for building you up and not for tearing you down, I will not be ashamed of doing so.t9 I do not want to seem as though I am trying to terrify you with my letters,10 because some say, “His letters are weighty and forceful, but his physical presence is weakt and his speech is of no account.”t

11 Let such a person consider this: What we sayt by letters when we are absent, we also are in actions when we are present.

Paul’s Mission

12 For we would not dare to classify or compare ourselves with some of those who recommend themselves. But when they measure themselves by themselves and compare themselves with themselves, they are without understanding.t13 But we will not boast beyond certain limits,t but will confine our boastingt according to the limits of the work to which God has appointed us,t that reaches even as far as you.14 For we were not overextending ourselves, as though we did not reach as far as you, because we were the first to reach as far as you with the gospel about Christ.t15 Nor do we boast beyond certain limitst in the workt done by others, but we hopet that as your faith continues to grow, our work may be greatly expandedt among you according to our limits,t16 so that we may preach the gospel in the regions that lie beyond you, and not boast of work already done in another person’s area.17 But the one who boasts must boast in the Lord.ts

18 For it is not the person who commends himself who is approved, but the person the Lord commends.