previous next

2 VAKORINDE 12

Chiratidzo chaPauro noMunzwa muMuviri Wake

1 Ndinofanira kuramba ndichizvirumbidza. Kunyange zvisina zvazvinobatsira, ndichapfuurira mberi ndigotaura pamusoro pezviratidzo nezvakazarurwa zvaShe.2 Ndinoziva mumwe munhu ari muna Kristu, uyo makore gumi namana akapfuura akakwidzwa kudenga rechitatu. Kana zvakaitwa mumuviri kana kunze kwomuviri handizivi, Mwari ndiye anoziva.3 Uye ndinoziva kuti munhu uyu, kana akanga ari mumuviri kana kuti akanga asiri mumuviri handizivi, asi Mwari ndiye anoziva,4 akakwidzwa kuparadhiso. Akanzwa zvinhu, zvinhu zvisingatsananguriki namashoko, zvinhu zvisingabvumirwi kuti munhu ataure.5 Ndichazvirumbidza pamusoro pomunhu akadai, asi handingazvirumbidzi pachangu, kunze kwoutera hwangu.6 Kunyange dai ndikasarudza kuzvirumbidza, handingavi benzi nokuti ndinenge ndichitaura chokwadi. Asi ndinorega zvangu, kuitira kuti pashayikwe munhu angafunga kuti ndiri mukuru kupfuura zvandinoita kana kutaura.
7 Kuti ndirege kunyanya kuzvikudza nokuda kwoukuru kwazvo hwezvandakazarurirwa, ndakapiwa munzwa munyama yangu, mutumwa waSatani, kuti anditambudze.8 Katatu ndakakumbira kuna Ishe kuti aubvise pandiri.9 Asi iye akati kwandiri, “Nyasha dzangu dzakakukwanira, nokuti simba rangu rinozadziswa muutera.” Naizvozvo ndichanyanya kuzvirumbidza pamusoro poutera hwangu, kuitira kuti simba raKristu rigova pamusoro pangu.

10 Ndokusaka, nokuda kwaKristu ndichifara muutera, mukutukwa, mumatambudziko, nomunhamo, nomukuomerwa. Nokuti kana ndine utera, ipapo ndipo pandine simba.

Shungu dzaPauro pamusoro pavaKorinde
11 Ndakazviita benzi, asi imi ndimi makandisundira ikoko. Ndaifanira kunge ndichirumbidzwa nemi, nokuti handisi muduku duku pakati pa“vapostori vanopfuura vamwe vose,” kunyange zvangu ndisiri chinhu.12 Zvinhu zvinoratidza upostori, zviratidzo, zvishamiso namabasa esimba, zvakaitwa pakati penyu nokutsungirira kukuru.13 Ko, imi makanga muri vaduku sei kune dzimwe kereke, kunze kwokuti ndakanga ndisiri mutoro pakati penyu? Ndiregererei pakutadza uku!
14 Zvino ndagadzirira kukushanyirai kechitatu, uye handichazovi mutoro kwamuri, nokuti zvandinoda kwamuri haisi pfuma yenyu asi imi. Pamusoro pezvo vana havafaniri kuchengetera vabereki, asi vabereki ndivo vanofanira kuchengetera vana.15 Saka naizvozvo ndichafara zvikuru kuti ndipedze zvose zvandinazvo nokuzvipedzawo ini pachangu nokuda kwenyu. Kana ndichikudai zvakanyanya, mungandida zvishoma here?16 Ngazvive saizvozvo, nokuti ndakanga ndisiri mutoro pakati penyu. Asi zvandakanga ndine njere, ndakakubatai namano!17 Ndakakutorerai chinhu here kubudikidza navarume vandakatuma kwamuri?18 Ndakurudzira Tito kuti auye kwamuri uye ndatumira hama yedu pamwe chete naye. Tito haana kukutorerai chinhu, akakutorerai here? Hatina kufamba nomweya mumwe chete here uye tikatevera nzira imwe chete?
19 Makanga muchizvifunga here nguva yose iyi kuti takanga tichizvidavirira? Takanga tichitaura pamberi paMwari savaya vari muna Kristu; uye zvose, zvatinoita, vadikani, tinozviita kuti musimbiswe.20 Nokuti ndinotya kuti pandichauya kwamuri handingakuwanei muri zvandinoda kuti muve, uye mungandiwana ndisiri zvamunonditarisira kuti ndive. Ndinotya kuti kana ndauya kwamuri zvimwe ndingawana pakati penyu paine gakava, godo, kutsamwa kukuru, kupesana, kucherana, makuhwa, manyawi nenyonganiso.

21 Ndinotya kuti kana ndauya kwamuri zvakare, Mwari wangu achandininipisa pamberi penyu, uye ndicharwadziwa nokuda kwavazhinji vakaita zvivi kare uye vasina kutendeuka kubva pakusachena kwavo, chivi choupombwe noutera hwavakaita.

2 Corinthians 12

Paul’s Thorn in the Flesh

1 It is necessary to go on boasting.t Though it is not profitable, I will go on to visions and revelations from the Lord.2 I know a man in Christ who fourteen years ago (whether in the body or out of the body I do not know, God knows) was caught up to the third heaven.3 And I know that this man (whether in the body or apart from the body I do not know, God knows)4 was caught up into paradises and heard things too sacred to be put into words,t things that a persont is not permitted to speak.5 On behalf of such an individual I will boast, but on my own behalf I will not boast, except about my weaknesses.6 For even if I wish to boast, I will not be a fool, for I would be tellingt the truth, but I refrain from this so that no one may regardt me beyond what he sees in me or what he hears from me,7 even because of the extraordinary character of the revelations. Therefore,s so that I would not become arrogant, a thorn in the flesh was given to me, a messenger of Satan to troublet me – so that I would not become arrogant.t8 I asked the Lord three times about this, that it would depart from me.9 Butt he said to me, “My grace is enought for you, for myst power is made perfectt in weakness.” So then, I will boast most gladlyt about my weaknesses, so that the power of Christ may reside int me.

10 Therefore I am content witht weaknesses, with insults, with troubles, with persecutions and difficultiest for the sake of Christ, for whenever I am weak, then I am strong.

The Signs of an Apostle

11 I have become a fool. You yourselves forced me to do it, for I should have been commended by you. For I lack nothing in comparisont to those “super-apostles,” even though I am nothing.12 Indeed, the signs of an apostle were performed among you with great perseverancet by signs and wonders and powerful deeds.t13 For howt were you treated worse than the other churches, except that I myself was not a burden to you? Forgive me this injustice!14 Look, for the third time I am ready to come to you, and I will not be a burden to you, because I do not want your possessions, but you. For children should not havet to save up for their parents, but parents for their children.15 Now I will most gladly spend and be spent for your lives!t If I love you more, am I to be loved less?16 But be that as it may, I have not burdened you. Yet because I was a crafty person, I took you in by deceit!17 I have not taken advantage of you through anyone I have sent to you, have I?t18 I urged Titus to visit yout and I sent ourt brother along with him. Titus did not take advantage of you, did he?t Did we not conduct ourselves in the same spirit? Did we not behave in the same way?t19 Have you been thinking all this times that we have been defending ourselves to you? We are speaking in Christ before God, and everything we do, dear friends, is to build you up.t20 For I am afraid that somehow when I come I will not find you what I wish, and you will find met not what you wish. I am afraid thatt somehow there may be quarreling, jealousy, intense anger, selfish ambition,t slander, gossip, arrogance, and disorder.

21 I am afraid thatt when I come again, my God may humiliate me before you, and I will grieve fort many of those who previously sinned and have not repented of the impurity, sexual immorality, and licentiousness that they have practiced.