previous next

2 VAKORINDE 5

Ugaro Hwedu hwoKudenga

1 Zvino tinoziva kuti kana imba yedu yapanyika yatinogara mairi iyi yaparadzwa, tine imba inobva kuna Mwari, imba isina kuvakwa namaoko avanhu, inogara nokusingaperi kudenga.2 Pari zvino tinogomera, tichishuva kupfekedzwa muviri wedu wokudenga,3 nokuti kana tichinge tapfekedzwa, hatizowanikwi takashama.4 Nokuti kana tiri mutende ino, tinogomera uye tichiremerwa, nokuti hatishuvi kugara tisina kupfekedzwa muviri wedu wokudenga, kuti icho chinofa chimedzwe noupenyu.5 Zvino Mwari ndiye akatigadzirira chinhu ichi, uye akatipawo Mweya sorubatso, achisimbisa zvinouya.
6 Naizvozvo tinotsunga mwoyo nguva dzose uye tinoziva kuti kana tichigara mumuviri, tiri kure naIshe.7 Tinorarama nokutenda, kwete nokuona.8 Ndinoti tinotsunga mwoyo, kuti, zviri nani kubva mumuviri uye ndive kumusha naShe.9 Saka chinangwa chedu ndechokuti timufadze, kunyange tiri mumuviri kana kunyange tisingagarimo.

10 Nokuti tose tinofanira kumira pamberi pechigaro chokutonga chaKristu, kuti mumwe nomumwe apiwe zvakamufanira pazvinhu zvaakaita nomuviri wake, zvingava zvakanaka kana zvakaipa.

Ushumiri hwoKuyananisa
11 Zvino, sezvo tichiziva kuti kutya Ishe chii, tinoedza kugombedzera vanhu. Zvatiri zviri pachena kuna Mwari, uye ndinovimbawo kuti zviri pachena kuhana dzenyu.12 Hatisi kuedza kuzvirumbidza kwamuri zvakare, asi tiri kukupai mukana wokuti muzvirumbidze nokuda kwedu, kuti mugone kupindura vaya vanozvirumbidza nokuda kwezvinhu zvinoonekwa panzvimbo yezvinhu zviri mumwoyo.13 Kana tichipenga, tinodaro nokuda kwaMwari; kana tiri vanhu kwavo, tinodaro nokuda kwenyu.14 Nokuti rudo rwaKristu runotimanikidza, nokuti tinoziva mumwe chete akafira vose, uye naizvozvo vose vakafa.15 Uye iye akafira vose, uye naizvozvo vose havachafaniri kuzviraramira pachavo asi iye akavafira uye akamutswazve kubva kuvakafa.
16 Saka kubva zvino hatitongozivi munhu namaziviro enyika. Kunyange zvedu takaziva Kristu kare nenzira iyi, hatichamuzivi saizvozvo.17 Naizvozvo kana munhu ava muna Kristu, ava chisikwa chitsva; zvakare zvapfuura, zvinhu zvose zvava zvitsva!18 Zvose izvi zvakabva kuna Mwari, akatiyananisa naye kubudikidza naKristu uye akatipa ushumiri hwokuyananisa:19 ndiko kuti Mwari akanga achiyananisa nyika kwaari muna Kristu, asingaverengeri vanhu zvivi zvavo. Uye akatipa shoko rokuyananisa.20 Naizvozvo tiri vamiririri vaKristu, sokunge Mwari ari kusvitsa chikumbiro chake kubudikidza nesu. Tinokukumbirai nokuda kwaKristu tichiti: Yananiswai naMwari.

21 Mwari akaita kuti uyo akanga asina chivi ave chivi nokuda kwedu, kuitira kuti maari tive kururama kwaMwari.

2 Corinthians 5

Living by Faith, Not by Sight

1 For we know that if our earthly house, the tent we live in,s is dismantled,t we have a building from God, a house not built by human hands, that is eternal in the heavens.2 For in this earthly houset we groan, because we desire to put ont our heavenly dwelling,3 if indeed, after we have put ons our heavenly house,t we will not be found naked.4 For we groan while we are in this tent,s since we are weighed down,t because we do not want to be unclothed, but clothed, so that what is mortal may be swallowed up by life.5 Now the one who prepared us for this very purposet is God, who gave us the Spirit as a down payment.t6 Therefore we are always full of courage, and we know that as long as we are alive here on eartht we are absent from the Lord –7 for we livet by faith, not by sight.8 Thus we are full of courage and would prefer to be awayt from the body and at home with the Lord.9 So then whether we are alivet or away, we make it our ambition to please him.t

10 For we must all appear before the judgment seat of Christ,s so that each one may be paid back according to what he has done while in the body, whether good or evil.t

The Message of Reconciliation

11 Therefore, because we know the fear of the Lord,t we try to persuadet people,t but we are well knownt to God, and I hope we are well known to your consciences too.12 We are not trying to commendt ourselves to you again, but are giving you an opportunity to be proud of us,t so that you may be able to answer those who take pridet in outward appearancet and not in what is in the heart.13 For if we are out of our minds, it is for God; if we are of sound mind, it is for you.14 For the love of Christt controls us, since we have concluded this, that Christt died for all; therefore all have died.15 And he died for all so that those who live should no longer live for themselves but for him who died for them and was raised.t16 So then from now on we acknowledget no one from an outward human point of view.t Even though we have known Christ from such a human point of view,t now we do not know him in that way any longer.17 So then, if anyone is in Christ, he is a new creation; what is old has passed awayt – look, what is news has come!t18 And all these things are from God who reconciled us to himself through Christ, and who has given us the ministry of reconciliation.19 In other words, in Christ God was reconciling the world to himself, not counting people’s trespasses against them, and he has given ust the message of reconciliation.20 Therefore we are ambassadors for Christ, as though God were making His pleat through us. We plead with yout on Christ’s behalf, “Be reconciled to God!”

21 Godt made the one who did not know sins to be sin for us, so that in hims we would become the righteousness of God.