previous next

2 PETRO 2

Vadzidzisi veNhema noKuparadzwa Kwavo

1 Asi kwakanga kuna vaprofita venhema pakati pavanhu, sezvavachavapowo vadzidzisi venhema pakati penyu. Vachazivisa pakavanda dzidziso dzinoparadza, vachiramba kunyange naiye Ishe tenzi akavatenga, vachiuyisa pamusoro pavo kuparadzwa kunokurumidza.2 Vazhinji vachatevera nzira dzavo dzinonyadzisa uye nzira yezvokwadi ichazvidzwa.3 Mukukara kwavo, vadzidzisi ava vachakunyengerai namashoko amanomano. Kutongwa kwavo kwakanguva kwavamirira, uye kuparadzwa kwavo hakukotsiri.
4 Nokuti kana Mwari asina kuregerera vatumwa pavakatadza, asi akavatumira kugehena, achivaisa mugomba rerima kuti vachengeterwe kutongwa;5 kana asina kuregerera nyika yakare paakauyisa mafashamu pavanhu vayo vakanga vasingatyi Mwari, asi akadzivirira Noa, muparidzi wokururama, navamwewo vanomwe;6 kana akatonga maguta eSodomu neGomora nokuapisa nomoto kusvikira ava dota, uye akaaita muenzaniso wezvichaitika kuna vasingadi Mwari;7 uye kana akanunura Roti, munhu akarurama, akatambudzika nokuda kwoupenyu hwetsvina hwavanhu vakanga vakatsauka8 (nokuti murume uyu akarurama, agere pakati pavo zuva nezuva, akatambudzwa mumwoyo wake wakarurama nezviito zvavasakurama zvaakaona nezvaakanzwa),9 kana zvakadaro, ipapo Ishe anoziva kuti anonunura sei vanhu vake vanotya Mwari kubva pamiedzo uye nokubata vasakarurama varangwe kusvikira pazuva rokutongwa.10 Izvozvo zvinoitwa navaya vanotevera kuchiva kwakaora kwomunhu wenyama uye vachizvidza vakuru.
Vanhu ava havatyi kutuka zvisikwa zvokudenga, vakashinga uye vanozvikudza;
11 asi kunyange vatumwa, kunyange zvazvo vakasimba kwazvo uye vane simba guru, havauyi pamberi paIshe vachituka nokupomera mhosva zvakadai kuzvisikwa izvi.12 Asi vanhu ava vanongomhura panyaya dzavasinganzwisisi. Vakaita semhuka dzisina murangariro, zvisikwa zvisingashanduki papfungwa, zvakangoberekerwa kubatwa nokuparadzwa, uye semhuka idzodzo naivowo vachaparara.
13 Vacharipirwa nokurwadziswa nokuda kwezvakaipa zvavakaita. Mukufunga kwavo vanoti kutamba masikati ndizvo zvinofadza. Ivo ndivo makwapa namavara, vanofara mune zvinovagutsa pavanenege vachidya nemi.14 Vane meso azere upombwe, havatongoregi kutadza; vanonyengera vasina mano; uye inyanzvi pakukara, rudzi rwakatukwa!15 Vakasiya nzira yakarurama vakatsauka kuti vatevere nzira yaBharamu mwanakomana waBheori, akada mubayiro wokusarurama.16 Asi akatsiurwa nembongoro nokuda kwokuita kwake zvakaipa, mhuka isina mutauro yakataura nenzwi romunhu uye ikadzivisa kupenga kwomuprofita.
17 Ava vanhu matsime asina mvura uye imhute inosundwa nemhepo. Vakachengeterwa rima guru.18 Nokuti vanotaura zvisina maturo, mashoko okuzvikudza, uye nokuchiva kwenyama yavo, vanobata kumeso vanhu vaya vari kutiza kubva kuna vanogara mukutsauka.19 Vanovavimbisa kusununguka, asi ivo pachavo vari varanda vokuora, nokuti munhu anoitwa muranda nechinhu chipi zvacho chinenge chamukunda.20 Kana vakatiza kuora kwenyika ino nokuda kwokuziva Ishe wedu noMuponesi Jesu Kristu uye vakasungwazve mazviri uye vakundwa nazvo, vaipa pakupedzisira kupfuura zvavakanga vari pakutanga.21 Zvaiva nani kwavari kuti dai vasina kumboziva havo nzira yokururama, pano kuti vaizive, ipapo vagozofuratira murayiro mutsvene wakanga wapiwa kwavari.

22 Tsumo iyi ndeyechokwadi kwavari inoti, “Imbwa yakadzokera kumarutsi ayo,” uye “Nguruve yakanga yashambidzwa yadzokerazve kunoumburuka mumatope.”

2 Peter 2

The False Teachers’ Ungodly Lifestyle

1 But false prophets arose among the people, just as there will be false teachers among you.s These false teacherst wills infiltrate your midstt with destructive heresies,t even to the point oft denying the Master who bought them. As a result, they will bringt swift destruction on themselves.2 And many will follow their debauched lifestyles.t Because of these false teachers,t the way of truth will be slandered.t

3 And in their greed they will exploit you with deceptive words. Theirt condemnation pronounced long agot is not sitting idly by;t theirt destruction is not asleep.
4 For if God did not spare the angels who sinned,t but threw them into hellt and locked them upt in chainss in utter darkness,t to be kept until the judgment,5 and if he did not spare the ancient world, but did protect Noah, a herald of righteousness, along with seven others,t when Godt brought a flood on an ungodly world,t6 and if he turned to ashes the cities of Sodom and Gomorrah when he condemned them to destruction,sts having appointedt them to serve as an examplet to future generations of the ungodly,t7 and if he rescued Lot, a righteous man in anguish over the debauched lifestyle of lawlesst men,t8 (for while he lived among them day after day, that righteous man was tormented in his righteous soult by the lawless deeds he saw and heardt)9 – if so,t then the Lord knows how to rescue the godly from their trials,t and to reserve the unrighteous for punishmentt at the day of judgment,

10 especially those who indulge their fleshly desirest and who despise authority.
Brazen and insolent,t they are not afraid to insultt the glorious ones,t
11 yet event angels, who are much more powerful,t do not bring a slanderoust judgment against them before the Lord.s12 Butt these men,t like irrational animals – creatures of instinct, born to be caught and destroyedt – do not understand whomt they are insulting, and consequentlyt in their destruction they will be destroyed,t13 suffering harm as the wages for their harmful ways.t By considering it a pleasure to carouse in broad daylight,t they are stains and blemishes, indulgingt in their deceitful pleasures when they feast together with you.14 Their eyes,t full of adultery,t never stop sinning;t they enticet unstable people.t They have trained their hearts for greed, these cursed children!t15 By forsaking the right path they have gone astray, because they followed the way of Balaam son of Bosor,t who loved the wages of unrighteousness,t

16 yet was rebukedt for his own transgression (a dumb donkey,t speaking with a human voice,t restrained the prophet’s madness).s
17 These ment are waterless springs and mists driven by a storm, for whom the utter depths of darknesst have been reserved.18 For by speaking high-sounding but empty wordst they are able to entice,t with fleshly desires and with debauchery,t peoplet who have just escapedt from those who reside in error.t19 Although these false teachers promiset such peoplet freedom, they themselves are enslaved tot immorality.t For whatever a person succumbs to, to that he is enslaved.t20 For if after they have escaped the filthy thingst of the world through the rich knowledge of our Lord and Savior Jesus Christ,s theyt again get entangled in them and succumb to them,t their last state has become worse for them than their first.21 For it would have been better for them never to have known the way of righteousness than, having known it, to turn back from the holy commandment that had been delivered to them.

22 They are illustrations of this true proverb:t “A dog returns to its own vomit,”t and “A sow, after washing herself,t wallows in the mire.”t