2 VATESARONIKA 1
1 Pauro, Sirasi naTimoti,
Kukereke yavaTesaronika muna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu:
2 Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari ivo Baba nokuna Ishe wedu Jesu Kristu.
Kuvonga noKunyengetera
3 Tinofanira kuramba tichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu, hama, uye zvakanaka izvozvo, nokuti kutenda kwenyu kuri kukura zvakanyanya, uye rudo rwamunarwo kuno mumwe nomumwe wenyu rwuri kukura.4 Naizvozvo, pakati pekereke dzaMwari tinozvirumbidza pamusoro pokutsungirira kwenyu uye nokutenda kwenyu nomukutambudzika kwose nokuedzwa kwamunotsunga makuri.
5 Zvose izvi ndizvo zvinoratidza kuti kutonga kwaMwari kwakarurama, uye nokuda kwaizvozvi muchanzi makafanirwa noumambo hwaMwari, ihwo hwamunotamburira.6 Mwari akarurama: Achatsiva nokutambudzika kuna avo vanokutambudzai,7 uye agozorodza imi vari kutambudzika, uye nesuwo. Izvi zvichaitika Ishe Jesu paacharatidzwa kubva kudenga mumurazvo womoto unopfuta ane vatumwa vake vane simba.8 Acharanga vaya vasingazivi Mwari uye vasingateereri vhangeri raIshe wedu Jesu.9 Vacharangwa nokuparadzwa kusingaperi, uye vachapfigirwa kunze pamberi paIshe, uye napaukuru hwesimba rake,10 pazuva raanouya kuzokudzwa muvanhu vake vatsvene uye sechishamiso pakati paavo vose vakatenda. Izvi zvinosanganisira imi, nokuti makatenda uchapupu hwedu kwamuri.
11 Nomurangariro uyu, isu tinoramba tichikunyengetererai, kuti Mwari wedu ati makafanira kudana kwake, uye kuti nesimba rake azadzise zvinangwa zvenyu zvose zvakanaka uye basa rose rakamutswa nokutenda kwenyu.
12 Tinonyengeterera izvi kuitira kuti zita raIshe wedu Jesu rikudzwe mamuri, uye imi maari, maererano nenyasha dzaMwari wedu naIshe Jesu Kristu.
2 Thessalonians 1
Salutation
1 From Pault and Silvanus and Timothy, to the church of the Thessalonianss in God our Father and the Lord Jesus Christ.
2 Grace and peace to yout from God thes Father and the Lord Jesus Christ!
Thanksgiving
3 We ought to thank God always for you, brothers and sisters,t and rightly so,t because your faith flourishes more and more and the love of each one of you all for one another is ever greater.
4 As a result we ourselves boast about you in the churches of God for your perseverance and faith in all the persecutions and afflictions you are enduring.
Encouragement in Persecution
5 This is evidence of God’s righteous judgment, to make you worthyt of the kingdom of God, for which in fact you are suffering.6 For it is rightt for God to repay with affliction those who afflict you,7 and to you who are being afflicted to give rest together with us when the Lord Jesus is revealedt from heaven with his mighty angels.t8 With flaming fire he will mete outtpunishment on those who do not know Gods and do not obey the gospel of our Lord Jesus.9 Theyt will undergo the penalty of eternal destruction, away from the presence of the Lord and from the glory of his strength,ts10 when he comes to be glorified among his saints and admiredt on that day among all who have believed – and you did in fact believe our testimony.t11 And in this regard we pray for you always, that our God will make you worthy of his callingt and fulfill by his power your every desire for goodness and every work of faith,
12 that the name of our Lord Jesus may be glorified in you, and you in him, according tot the grace of our God and the Lord Jesus Christ.