previous next

2 TIMOTI 1

1 Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, maererano nechipikirwa choupenyu huri muna Kristu Jesu,

2 Kuna Timoti mwanakomana wangu anodikanwa:

Nyasha, ngoni norugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu, Ishe wedu.

Anokurudzirwa kuti ave akatendeka
3 Ndinovonga Mwari, wandinoshumira sezvakaitwa namadzitateguru angu, nehana yakachena, sezvo ndichikurangarira muminyengetero yangu usiku namasikati.4 Ndichirangarira misodzi yako, ndinoshuva kukuona, kuti ndigozadzwa nomufaro.5 Ndinoyeuchidzwa kutenda kwako kusinganyengeri, kwakanga kuri muna mbuya vako Roisi uye nomuna mai vako Yunisi pakutanga, uye zvino ndinoziva kuti kunogarawo mauri.6 Nokudaro ndinokuyeuchidza kuti ukuchidzire chipo chaMwari chiri mauri nokuiswa kwamaoko angu pamusoro wako.7 Nokuti Mwari haana kutipa mweya wokutya, asi mweya wesimba, noworudo nowokuzvidzora.
8 Saka usanyadziswa nokupupura Ishe wedu, kana kunyadziswa neni musungwa wake. Asi utambudzike pamwe chete neni nokuda kwevhangeri, nesimba raMwari,9 akatiponesa uye akatidanira kuupenyu hutsvene, kwete nokuda kwechinhu chatakaita asi kuti nokuda kwake iye, uye nenyasha. Nyasha idzi takadzipiwa muna Kristu Jesu nguva dzisati dzavapo,10 asi zvino dzakaratidzwa nokuonekwa kwoMuponesi wedu Kristu Jesu, akaparadza rufu uye akabudisa pachena upenyu nokusafa kubudikidza nevhangeri.11 Uye ndakaitwa muparidzi, mupostori nomudzidzisi wevhangeri iri.12 Ndokusaka ndichitambudzika sezvandiri kuita. Asi handinyadziswi, nokuti ndinoziva wandakatenda, uye ndinoziva kwazvo kuti anogona kuchengeta chandakamupa kusvikira zuva iroro.
13 Zvawakanzwa kubva kwandiri, zvichengete sedzidziso yechokwadi, nokutenda norudo muna Kristu Jesu.
14 Chengetedza chakanaka chiri mauri chawakapiwa, chichengetedze uchibatsirwa naMweya Mutsvene anogara matiri.
15 Unoziva kuti vose vari mudunhu reEzhia vakandisiya, kusanganisirawo naFigero naHerimogene.
16 Ishe ngaaitire imba yaOnisifero ngoni, nokuti kazhinji anondisimbisa uye haana kunyadziswa nengetani dzangu.17 Asi kutoti, paakanga ari muRoma, akanditsvaga kwazvo kusvikira andiwana.

18 Ishe ngaamuitire chinhu ichi kuti awane ngoni kubva kuna Ishe pazuva iro! Iwe unoziva kwazvo kuti akandibatsira zvikuru sei muEfeso.

2 Timothy 1

Salutation

1 From Paul,t an apostle of Christ Jesus by the will of God, to further the promiset of life in Christ Jesus,

2 to Timothy, my dear child. Grace, mercy, and peace from God the Father and Christ Jesus our Lord!

Thanksgiving and Charge to Timothy

3 I am thankful to God, whom I have served with a clear conscience as my ancestors did,t when I remember you in my prayers as I do constantly night and day.t4 As I remember your tears, I long to see you,t so that I may be filled with joy.

5 I recallt your sincere faitht that was alive first in your grandmother Lois and in your mother Eunice, and I am suret is in you.
6 Because of this I remind you to rekindle God’s gift that you possesst through the laying on of my hands.7 For God did not give us a Spiritt of fear but of power and love and self-control.8 So do not be ashamed of the testimony about our Lordt or of me, a prisoner for his sake, but byt God’s power accept your share of sufferingt for the gospel.9 He is the one who saved ust and called us with a holy calling, not based ont our works but on his own purpose and grace, granted to us in Christ Jesus before time began,t10 but now made visible through the appearing of our Savior Christ Jesus. Het has broken the power of death and brought life and immortality to light through the gospel!11 For this gospelt I was appointed a preacher and apostle and teacher.s12 Because of this, in fact, I suffer as I do.t But I am not ashamed, because I know the one in whom my faith is sett and I am convinced that he is able to protect what has been entrusted to mes until that day.s13 Hold to the standardt of sound words that you heard from me and do so with the faith and love that are in Christ Jesus.ts

14 Protect that good things entrusted to you, through the Holy Spirit who lives within us.
15 You know that everyone in the province of Asiat deserted me, including Phygelus and Hermogenes.16 May the Lord grant mercy to the family of Onesiphorus, because he often refreshed me and was not ashamed of my imprisonment.t17 But when he arrived in Rome,s he eagerly searched for me and found me.

18 May the Lord grant him to find mercy from the Lord on that day!s And you know very well all the ways he served me in Ephesus.ts