2 TIMOTI 2
1 Zvino iwe mwanakomana wangu, iva nesimba munyasha dziri muna Kristu Jesu.2 Uye zvinhu zvawakanzwa ndichitaura pamberi pezvapupu zvizhinji zvipe kuvanhu vakatendeka avo vachazozvidzidzisawo vamwe.3 Tsungirira pamwe chete nesu somurwi akanaka waKristu Jesu.4 Hakuna munhu anoshanda somurwi anozviisa pazvinhu zvoupenyu hwavasiri varwi, anoda kufadza mukuru wake wehondo.5 Zvimwe chetezvo, kana munhu achikwikwidza somumhanyi, haagoni kuwana korona yokukunda kunze kwokunge apedza nhangemutange sezvakarayirwa.6 Murimi anoshanda nesimba ndiye anofanira kutanga kudya zvibereko.7 Funga pamusoro pezvandinoreva, nokuti Ishe achakupa kunzwisisa pane izvi zvose.
8 Rangarirai Jesu Kristu, akamuka kubva kuvakafa, worudzi rwaDhavhidhi. Iri ndiro vhangeri rangu,9 randinotambudzikira kunyange kusvikira pakusungwa segororo. Asi shoko raMwari harina kusungwa.10 Naizvozvo ndinotsungirira pazvinhu zvose nokuda kwavasanangurwa, kuti naivowo vawane ruponeso rwuri muna Kristu Jesu, nokubwinya kusingaperi.
11 Herino shoko rechokwadi:
Kana takafa pamwe chete naye,
tichararamawo pamwe chete naye;
12 kana tikatsungirira,
tichabata ushe pamwe chete naye.
Kana tikamuramba,
iye achatirambawo;
13 kana tikasava nokutenda,
iye anoramba akatendeka,
nokuti haangazvirambi.
Mushandi anogamuchirwa naMwari
14 Ramba uchivayeuchidza zvinhu izvi. Uvayambire pamberi paMwari kuti varege kuita nharo pamusoro pamashoko; hazvina maturo, zvinongoparadza chete vaya vanoteerera.15 Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari, somunhu akatendeka, mushandi asingafaniri kunyadziswa uye anonyatsoruramisa shoko rechokwadi.16 Nzvenga kutaura kusinei naMwari, nokuti vaya vanhu vanodaro vacharamba vachirasikirwa noumwari.17 Dzidziso yavo ichanyenga seronda. Pakati pavo pana Himenayo naFireto,18 vakatsauka kubva pazvokwadi. Vanoti kumuka kwavakafa kwakatopfuura, uye vanoparadza kutenda kwavamwe.19 Kunyange zvakadaro, nheyo dzakasimba dzaMwari dzinomira, dzine chisimbiso ichi chinoti: “Ishe anoziva vanhu vake,” uye, “Ani naani anopupura zita raShe anofanira kubva pane zvakaipa.”
20 Muimba huru mune midziyo kwete yegoridhe kana yesirivha chete, asiwo yamatanda, neyevhu; mimwe inokudzwa, mimwe isingakudzwi.21 Kana munhu achizvinatsa kwazvo pazvinhu izvi, achava mudziyo unokudzwa, wakaitwa mutsvene, wakawanirwa basa naTenzi uye wakagadzirirwa basa rose rakanaka.
22 Tiza kuchiva kwose kwoujaya, uye utevere kururama, kutenda, rudo norugare navose vanodana kuna Ishe nomwoyo wakachena.23 Usava nechokuita nemibvunzo youpenzi isina maturo, nokuti unoziva kuti inongomutsa kukakavara.24 Zvino muranda waIshe haafaniri kukakavara; asi anofanira kuva munyoro kumunhu wose, achigona kudzidzisa, asingatsamwi.25 Vaya vanomupikisa anofanira kuvadzidzisa nounyoro, aine tariro yokuti Mwari achavapa kutendeuka vagoziva chokwadi,
26 uye kuti vachapengenuka vagopunyuka kubva mumusungo wadhiabhori, akavaita nhapwa kuti vaite kuda kwake.
2 Timothy 2
Serving Faithfully Despite Hardship
1 So you, my child, be strong in the grace that is in Christ Jesus.2 And entrust what you heard me sayt in the presence of many others as witnessest to faithful peoplet who will be competentt to teach others as well.3 Take your share of sufferingt as a good soldier of Christ Jesus.4 No one in military service gets entangled in matters of everyday life; otherwise he will not pleaset the one who recruited him.5 Also, if anyone competes as an athlete, he will not be crowned as the winnert unless he competes according to the rules.s6 The farmer who works hard ought to have the first share of the crops.
7 Think about what I am saying andt the Lord will give you understanding of all this.t
8 Remember Jesus Christ, raised from the dead, a descendant of David;t such is my gospel,t9 for which I suffer hardship to the point of imprisonmentt as a criminal, but God’s messaget is not imprisoned!t10 So I endure all things for the sake of those chosen by God,t that they too may obtain salvation in Christ Jesus and its eternal glory.t
11 This sayings is trustworthy:s
If we died with him, we will also live with him.
12 If we endure, we will also reign with him.t
If we denyt him,t he will also deny us.
13 If we are unfaithful, he remains faithful, since he cannot deny himself.s
Dealing with False Teachers
14 Remind peoplet of these things and solemnly charge themt before the Lords not to wrangle over words. This is of no benefit; it just brings ruin on those who listen.t15 Make every effort to present yourself before God as a proven worker who does not need to be ashamed, teaching the message of truth accurately.s16 But avoid profane chatter,s because those occupied with it will stray further and further into ungodliness,t17 and their message will spread its infectiont like gangrene. Hymenaeus and Philetus are in this group.t18 They have strayed from the trutht by saying that the resurrection has already occurred, and they are undermining some people’s faith.
19 However, God’s solid foundation remains standing, bearing this seal: “The Lord knows those who are his,”s and “Everyone who confesses the name of the Lordt must turn away from evil.”
20 Now in a wealthy homet there are not only gold and silver vessels, but also ones made of wood and of clay, and some are for honorable use, but others for ignoble use.t21 So if someone cleanses himself of such behavior,t he will be a vessel for honorable use, set apart, useful for the Master, prepared for every good work.22 But keep away from youthful passions, and pursue righteousness, faithfulness, love, and peace, in company with otherst who call on the Lord from a pure heart.s23 But reject foolish and ignorantt controversies, because you know they breed infighting.t24 And the Lord’s slavets must not engage in heated disputest but be kind toward all, an apt teacher, patient,25 correctings opponents with gentleness. Perhaps God will grant them repentance and then knowledge of the trutht
26 and they will come to their senses and escape the devil’s trap where they are held captivet to do his will.t