2 TIMOTI 3
Kushaya uMwari paMazuva Okupedzisira
1 Asi uzive chinhu ichi: Kuchava nenguva dzokutambudzika pamazuva okupedzisira.2 Vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingatendi, vasina utsvene,3 vasina rudo, vasingaregereri, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane utsinye, vasingadi zvinhu zvakanaka,4 vanomukira, vanoita manyawi, vanonyengera, vanoda kuzvifadza nezvenyika kupfuura Mwari;5 vane mufananidzo bedzi wokunamata Mwari asi vachiramba simba racho. Siyana navanhu ivavo.
6 Nokuti ndivo vaya vanoverevedza vachipinda mudzimba vachitapa vakadzi vasingazvibati vakaremedzwa nezvivi zvizhinji,7 vanogara vachidzidza asi vasingatongosviki pakuziva chokwadi.8 Sezvakaita Jonasi naJambiresi vakadzivisa Mozisi, varume avawo vanodzivisa zvokwadi, vanhu vane ndangariro dzakaora, kana pari pazvinhu zvokutenda, vakarasika.
9 Asi havangasviki kure, nokuti upenzi hwavo huchaonekwa navanhu vose.
Pauro anorayira Timoti
10 Asi kunyange zvakadaro, iwe unoziva kudzidzisa kwangu kwose, mararamiro angu, chinangwa changu, kutenda kwangu, mwoyo murefu wangu, norudo, nokutsungirira,11 matambudziko, nhamo, zvinhu zvose zvakaitika kwandiri muAndioki, Ikoniamu nomuRistra, kutambudzwa kwose kwandakasangana nako. Asi Ishe akandinunura kubva pazviri zvose.12 Zvirokwazvo munhu wose anoda kurarama upenyu woumwari muna Kristu Jesu achatambudzwa,13 asi vanhu vakaipa navanonyengera vachanyanyisa kuipa, vachinyengera nokunyengerwa.14 Asi iwe, rambira pazvinhu zvawakadzidza uye ukatenda mazviri, nokuti unoziva kuti wakazvidzidza kubva kuna ani,15 uye kuti kubva pauduku wakaziva Magwaro matsvene, anogona kukupa uchenjeri hunosvitsa kukuponeswa kubudikidza nokutenda muna Kristu Jesu.16 Rugwaro rwose rwakafemerwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, kurayira, kutsiura nokurairidza mukururama,
17 kuti munhu waMwari akwaniswe kwazvo agadzirirwa mabasa ose akanaka.
2 Timothy 3
Ministry in the Last Days
1 But understand this, that in the last days difficultt times will come.2 For peoplet will be lovers of themselves,t lovers of money, boastful, arrogant, blasphemers, disobedient to parents, ungrateful, unholy,3 unloving, irreconcilable, slanderers, without self-control, savage, opposed to what is good,4 treacherous, reckless, conceited, loving pleasure rather than loving God.5 They will maintain the outward appearancets of religion but will have repudiated its power. So avoid people like these.t6 For some of these insinuate themselvest into households and captivate weak woment who are overwhelmed with sins and led along by various passions.7 Such women are always seeking instruction,t yet never able to arrive at a knowledge of the truth.8 And just as Jannes and Jambress opposed Moses, so these people – who have warped minds and are disqualified in the faitht – also oppose the truth.
9 But they will not go much further,t for their foolishness will be obvious to everyone, just like it was with Jannes and Jambres.t
Continue in What You Have Learned
10 You, however,s have followed my teaching, myt way of life, my purpose, my faith, my patience, my love, my endurance,11 as well as the persecutions and sufferingst that happened to me in Antioch,s in Iconium, and in Lystra.ss I endured these persecutions and the Lord delivered me from them all.12 Now in fact all who want to live godly lives in Christ Jesus will be persecuted.13 But evil people and charlatans will go from bad to worse,t deceiving others and being deceived themselves.t14 You, however, must continuet in the things you have learned and are confident about. You knowt who taught yout15 and how from infancy you have known the holy writings, which are able to give you wisdom for salvation through faith in Christ Jesus.16 Every scripturets is inspired by Gods and useful for teaching, for reproof,t for correction, and for training in righteousness,
17 that the person dedicated to Godt may be capablet and equipped for every good work.