previous next

3 JOHANI 1

1  Mukuru,

Kushamwari yangu inodikanwa Gayo, wandinoda muchokwadi.

2 Mudikani shamwari, ndinonyengetera kuti uve noutano hwakanaka uye kuti zvose zvikunakire kunyange sokufara kwomweya wako.
3 Ndakafara kwazvo dzimwe hama padzakauya dzikandiudza nezvokutendeka kwako pachokwadi uye kuti unoramba uchifamba sei muchokwadi.4 Hapana chimwe chinhu chinondifadza kupfuura kunzwa kuti vana vangu vari kufamba muchokwadi.
5 Mudikani shamwari, wakatendeka pane zvaunoita kuhama, kunyange vasiri vanhu vaunoziva.6 Vakataurira kereke nezvorudo rwako. Uchaita zvakanaka kana ukavadzosazve nenzira yakafanira pamberi paMwari.7 Nokuda kweZita iri vakabuda, vasingagamuchiri rubatsiro kubva kuvahedheni.8 Naizvozvo tinofanira kugamuchira vanhu vakadai kuti tishande pamwe chete muchokwadi.
9 Ndakanyorera kukereke, asi Dhiotirefesi, iye anoda kuva mukuru, akati haagamuchiri zvatinotaura.10 Saka kana ndauya, ndichamuyeuchidza mabasa ake aanoita, okunyeya, nokuitira godo. Kwete izvozvo zvoga, anorambawo kugamuchira hama. Anodzivisawo vaya vanoda havo kuita izvozvo uye achivabudisa mukereke.
11 Shamwari inodikanwa, usatevedzera zvakaipa asi zvakanaka. Ani naani anoita zvakanaka ndiye anobva kuna Mwari. Ani naani anoita zvakaipa haana kuona Mwari.12 Dhemetriasi anopupurirwa zvakanaka navose, uye kunyange nechokwadi chaicho. Nesuwo tinotaura zvakanaka nezvake, uye munoziva kuti uchapupu hwedu ndohwechokwadi.
13 Ndine zvizhinji zvokukunyorera, asi handidi kuita izvozvi nechinyoreso neingi.

14 Ndinovimba kuti ndichakuonai nokukurumidza, uye tichazotaurirana chiso nechiso.

Rugare kwamuri. Shamwari dziri kuno dzinokukwazisai. Kwazisai shamwari dziri ikoko namazita avo.

3 John 1

Introduction and Thanksgiving

1 Fromt the elder,ts to Gaiuss my dear brother, whom I love in truth.t2 Dear friend, I pray that all may go well with you and that you may be in good health, just as it is well with your soul.ts

3 For I rejoiced greatly when the brothers came and testified to your truth, just as you are living according to the truth.s

4 I have no greater joy than this: to heart that my children are living according to the truth.t

The Charge to Gaius

5 Dear friend,t you demonstrate faithfulnessts by whatever you do for the brothers (even though they are strangers).6 Theyt have testified to your love before the church.s You will do well to send them on their way in a manner worthy of God.s7 For they have gone forths on behalf of “The Name,”s accepting nothing from the pagans.ts

8 Therefore wes ought to support such people, so that we become coworkers in cooperation with the truth.t

Diotrephes the Troublemaker

9 I wrote something to the church,s but Diotrephes,s who loves to be first among them, does not acknowledge us.t10 Therefore, if I come,t I will call attention to the deeds he is doings – the bringing of unjustified charges against us with evil words! And not being content with that, he not only refuses to welcome the brothers himself, but hinders the people who want to do so and throws them out of the church!

11 Dear friend, do not imitate what is bad but what is good.s The one who does good is of God; the one who does what is bad has not seen God.s

Worthy Demetrius

12 Demetriuss has been testified to by all, even by the truth itself. We also testify to him,t and you know that our testimony is true.

Conclusion

13 I have many things to write to you, but I do not wish to write to you witht pen and ink.ts14 But I hope to see you right away, and we will speak face to face.t

15 Peace be with you.t The friends heret greet you. Greet the friendss theret by name.