previous next

MABASA AVAPOSTORI 1

Kukwira kwaJesu kuDenga

1 Mubhuku rangu rokutanga, Teofiro, ndakanyora pamusoro pezvose zvakatanga kuitwa nokudzidziswa naJesu2 kusvikira pazuva raakakwidzwa kudenga, shure kwokunge arayira, kubudikidza noMweya Mutsvene, vapostori vaakanga asarudza.3 Shure kwokutambudzika kwake, akazviratidza kuvanhu ava akaratidza zviratidzo zvizhinji zvokuti iye akanga ari mupenyu. Akaonekwa navo mazuva anopfuura makumi mana uye akataura nezvoumambo hwaMwari.4 Pane imwe nguva, paakanga achidya navo, akavapa kurayira uku akati, “Musabva muJerusarema, asi mumirire chipo chakavimbiswa naBaba vangu, icho chamakandinzwa ndichitaura pamusoro pacho.5 Nokuti Johani akabhabhatidza nemvura, asi mushure mamazuva mashoma muchabhabhatidzwa noMweya Mutsvene.”
6 Saka vakati vaungana pamwe chete, vakamubvunza vakati, “Ishe, mava kuzodzosera ushe kuvaIsraeri panguva ino here?”
7 Akati kwavari, “Hazvizi kwamuri kuti muzive nguva kana musi wakatarwa naBaba nesimba ravo pachavo.8 Asi muchagamuchira simba kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu; uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema, nomuJudhea mose, nomuSamaria, uye kusvikira kumigumo yenyika.”
9 Shure kwokunge ataura izvi, akakwidzwa kudenga pamberi pameso avo chaipo, uye gore rikamufukidza vakasazomuona.
10 Vakanga vakatarisisa paakanga achikwira kudenga, pakarepo varume vaviri vakanga vakapfeka nguo chena vakamira pavari.11 Vakati kwavari, “Varume veGarirea, makamirireiko pano makatarisa kudenga? Iyeyu Jesu abviswa kwamuri achienda kudenga, achadzokazve sezvamamuona achienda kudenga.”
Matiasi anosarudzwa kuti atore nzvimbo yaJudhasi
12 Ipapo vakadzokera kuJerusarema vachibva kugomo rinonzi reMiorivhi, rwendo rwezuva reSabata uchibva kuguta.13 Vakati vasvika, vakakwira kuimba yapamusoro kukamuri ravaigara. Vakanga varipo vaiti, Petro, Johani, Jakobho naAndirea; Firipi naTomasi, Bhatoromeo naMateo; Jakobho mwanakomana waArifiasi naSimoni muZeroti, uye naJudhasi mwanakomana waJakobho.14 Vakabatana vose pakuramba vachinyengetera, pamwe chete navakadzi uye naMaria mai vaJesu, navanun’una vake.
15 Mumazuva iwayo, Petro akasimuka pakati pavatendi (ungano yaida kusvika zana namakumi maviri)16 uye akati, “Hama, Rugwaro rwaifanira kuzadziswa rwakataurwa noMweya Mutsvene nomuromo waDhavhidhi pamusoro paJudhasi, uyo akabatsira kutungamirira vaya vakasunga Jesu,17 akanga ari mumwe wedu uye akanga ano mugove muushumiri uhu.”
18 (Nomubayiro waakawana nokuda kwokuipa kwake, Judhasi akatenga munda; imomo ndimo maakawira pasi nomusoro, muviri wake ukaputika uye ura hwake hukabuda.19 Munhu wose akanzwa nezvazvo muJerusarema, saka vakatumidza munda uya nomutauro wavo kuti Akeridhama, ndiko kuti, Munda weRopa.)

20 Petro akati, “Nokuti kwakanyorwa mubhuku raMapisarema kuti,

“‘Musha wake ngauve dongo;
ngakurege kuva nomunhu anogaramo,’ uye kuti,
“‘Mumwe ngaatore nzvimbo yake youtungamiriri.’

21 “Naizvozvo zvakafanira kuti kusarudzwe mumwe murume akanga anesu nguva yose Ishe Jesu yaaipinda nokubuda pakati pedu,22 kutanga parubhabhatidzo rwaJohani kusvikira panguva yakabviswa Jesu kwatiri. Nokuti mumwe waava anofanira kuva chapupu chokumuka kwake, pamwe chete nesu.”
23 Saka vakasarudza varume vaviri vaiti: Josefa ainzi Bhanabhasi (aizivikanwawo nokunzi Jasitasi) naMatiasi.24 Ipapo vakanyengetera vachiti, “Ishe, munoziva mwoyo yavanhu vose. Tiratidzei pakati pavaviri ava wamasarudza25 kuti atore basa iri roupostori, rakasiyiwa naJudhasi achienda kunzvimbo yake.”

26 Ipapo vakakanda mijenya, uye mujenya ukawira kuna Matiasi; saka akawedzerwa kuvapostori vane gumi nomumwe.

Acts 1

Jesus Ascends to Heaven

1 I wrotet the formert account,ts Theophilus,t about all that Jesus began to do and teach2 until the day he was taken up to heaven,t after he had given orderst byt the Holy Spirit to the apostles he had chosen.3 To the same apostlest also, after his suffering,s he presented himself alive with many convincing proofs. He was seen by them over a forty-day periodt and spoke about matters concerning the kingdom of God.4 While he was with them,t he declared,t “Do not leave Jerusalem,s but wait theret for what myt Father promised,t which you heard about from me.t

5 Fort John baptized with water, but yout will be baptized with the Holy Spirit not many days from now.”
6 So when they had gathered together, they began to ask him,t “Lord, is this the time when you are restoring the kingdom to Israel?”7 He told them, “You are not permitted to knowt the times or periods that the Father has set by his own authority.8 But you will receive power when the Holy Spirit has come upon you, and you will be my witnesses in Jerusalem, and in all Judea and Samaria, and to the farthest partst of the earth.”9 Aftert he had said this, while they were watching, he was lifted up and a cloud hid him from their sight.10 Ast they were still staring into the sky while he was going, suddenlyt two men in white clothing stood near them

11 and said, “Men of Galilee, why do you stand heret looking up into the sky? This same Jesus who has been taken up from you into heavenst will come back in the same way you saw him go into heaven.”

A Replacement for Judas is Chosen

12 Then they returned to Jerusalems from the mountaint called the Mount of Olivess (which is near Jerusalem, a Sabbath day’s journeys away).13 Whent they had entered Jerusalem,t they went to the upstairs room where they were staying. Peters and John, and James, and Andrew, Philip and Thomas, Bartholomew and Matthew, James son of Alphaeus and Simon the Zealot, and Judas son of James were there.t14 All these continued together in prayer with one mind, together with the women, along with Mary the mother of Jesus, and his brothers.s15 In those dayst Peter stood up among the believerst (a gathering of about one hundred and twenty people) and said,16 “Brothers,t the scripture had to be fulfilled that the Holy Spirit foretold throught David concerning Judas – who became the guide for those who arrested Jesus –17 for he was counted as one of us and received a share in this ministry.”t18 (Now this man Judast acquired a field with the reward of his unjust deed,t and falling headfirstt he burst open in the middle and all his intestinest gushed out.19 Thist became known to all who lived in Jerusalem, so that in their own languages they called that fieldtHakeldama, that is, “Field of Blood.”)20 “For it is written in the book of Psalms, ‘Let his house become deserted,tand let there be no one to live in it,’s and ‘Let another take his position of responsibility.’ts21 Thus one of the ment who have accompanied us during all the time the Lord Jesus associated witht us,22 beginning from his baptism by John until the day het was taken up from us – one of these must become a witness of his resurrection together with us.”23 So theys proposed two candidates:t Joseph called Barsabbas (also called Justus) and Matthias.24 Then they prayed,t “Lord, you know the hearts of all. Show us which one of these two you have chosen25 to assume the taskt of this servicet and apostleship from which Judas turned asidet to go to his own place.”s

26 Thent they cast lots for them, and the one chosen was Matthias;t so he was counted with the eleven apostles.t