previous next

MABASA AVAPOSTORI 13

Bhanabhasi naSauro Vanotumwa

1 Mukereke yapaAndioki maiva navaprofita navadzidzisi vaiti: Bhanabhasi, Simeoni ainzi Nigeri, Rusiasi wokuSairini, Manaeni (akanga arerwa naHerodhi mubati) naSauro.2 Pavakanga vachinamata Ishe uye vachitsanya, Mweya Mutsvene akati, “Nditsaurirei Bhanabhasi naSauro kuti vabate basa randakavadanira.”

3 Saka vakati vapedza kutsanya nokunyengetera, vakaisa maoko avo pamusoro pavo vakavatuma.

Vapostori vanoparidza paSaipurasi
4 Ava vaviri vakati vatumwa naMweya Mutsvene parwendo rwavo, vakaburuka vakaenda kuSerusia, vakazobvako vakakwira chikepe ndokuenda kuSaipurasi.5 Vakati vasvika paSaramisi, vakaparidza shoko raMwari musinagoge ravaJudha. Johani akanga achivabatsira.
6 Vakafamba nomuchiwi chose kudzamara vasvika kuPafosi. Vakasangana neimwe n’anga yechiJudha ikoko, uye akanga ari muprofita wenhema ainzi Bhari Jesu,7 akanga ari muchengeti womubati wenyika, ainzi Segio Paurosi. Mubati akanga ari murume akachenjera, akadana Bhanabhasi naSauro nokuti aida kunzwa shoko raMwari.8 Asi Erimasi n’anga (nokuti ndizvo zvaireva zita rake) akavapikisa akaedza kutsausa mubati uyu pakutenda.9 Ipapo Sauro akanga achinziwo Pauro, azere noMweya Mutsvene akatarisisa Erimasi akati,10 “Iwe uri mwana wadhiabhori nomuvengi wezvinhu zvose zvakarurama! Uzere nokunyengera kwose namano akaipa. Hausi kuzorega here kumonyorotsa nzira dzakarurama dzaShe?11 Zvino ruoko rwaShe rwava pamusoro pako. Uchava bofu, uye uchatadza kuona chiedza chezuva kwechinguva.”
Pakarepo mhute nerima zvakauya pamusoro pake, akadzivaira pose pose achitsvaka mumwe munhu angamutungamirira.

12 Mubati akati aona zvakanga zvaitika akatenda nokuti akashamiswa nedzidziso yezvaShe.

Pauro anoparidza paAndioki yePisidhia
13 Vachibva paPafosi, Pauro navanhu vaaifamba navo vakakwira chikepe vakaenda kuPega muPamufiria, uye vava ikoko Johani akavasiya akadzokera kuJerusarema.14 Vachibva kuPega vakapfuurira kuAndioki yePisidhia. Nomusi weSabata vakapinda musinagoge vakasvikogara zvavo pasi.15 Mushure mokuverengwa kwoMurayiro naVaprofita, vabati vomusinagoge vakatuma shoko kwavari vachiti, “Hama, kana mune shoko rokukuridzira vanhu, tapota taurai henyu.”
16 Ipapo Pauro akasimuka, akanininira noruoko rwake akati, “Varume veIsraeri nemi mose vahedheni vanonamata Mwari, nditeererei!17 Mwari wavanhu veIsraeri akasarudza madzibaba edu; akaita kuti vanhu vabudirire panguva yavaigara muIjipiti, akavabudisa munyika iyo nesimba guru,18 akava nomwoyo murefu namaitiro avo kwamakore anenge makumi mana vari mugwenga,19 akakunda ndudzi nomwe muKenani akapa nyika yavo kuvanhu vake kuti ive nhaka yavo.20 Izvi zvakatora makore anenge mazana mana namakumi mashanu. Shure kwaizvozvi, Mwari akavapa vatongi kusvikira panguva yaSamueri muprofita.
21 “Ipapo vanhu vakakumbira mambo, akavapa Sauro mwanakomana waKishi, worudzi rwaBhenjamini, uyo akatonga kwamakore makumi mana.22 Shure kwokunge abvisa Sauro, akagadza Dhavhidhi kuti ave mambo wavo. Iye akapupura pamusoro pake achiti, ‘Ndawana Dhavhidhi mwanakomana waJese murume wapamwoyo pangu; iye achaita zvinhu zvose zvandinoda kuti aite.’
23 “Kubva kuzvizvarwa zvomurume uyu Mwari akavigira vaIsraeri Muponesi Jesu, sezvaakanga avimbiswa.24 Jesu asati auya, Johani akaparidza kutendeuka norubhabhatidzo kuvanhu vose veIsraeri.25 Johani paakanga ava kupedzisa basa rake, akati, ‘Munofunga kuti ndini ani? Handizi iye uya. Kwete, asi iye ari kuuya shure kwangu, ndiye wandisingakodzeri kusunungura shangu dzake.’
26 “Hama dzangu, vana vaAbhurahama nemi vahedheni vanotya Mwari, shoko iri roruponeso rakatumirwa kwatiri.27 Vanhu veJerusarema navatongi vavo havana kuziva Jesu, asi pakumupa mhaka kwavo vakazadzisa mashoko avaprofita anoverengwa Sabata rimwe nerimwe.28 Kunyange vasina kuwana hwaro chaihwo hwokuti atongerwe rufu, vakakumbira Pirato kuti amuuraye.29 Vakati vapedza zvose zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuburutsa pamuti vakamuradzika muguva.30 Asi Mwari akamumutsa kuvakafa,31 uye akaonekwa mazuva mazhinji naavo vakafamba naye kubva kuGarirea kusvikira kuJerusarema. Ndivo zvapupu zvake zvino kuvanhu vokwedu.
32 “Tiri kukuudzai nhau dzakanaka kuti: Zvakavimbiswa madzibaba edu naMwari,33 akazvizadzisa kwatiri isu, vana vavo, nokumutsa Jesu kuvakafa. Sezvazvakanyorwa muPisarema rechipiri zvichinzi:
“‘Ndiwe Mwanakomana wangu;
nhasi ndava baba vako.’

34 Chokwadi chokuti Mwari akamumutsa kuvakafa, akasazomboora, chinotaurwa mumashoko aya anoti:

“‘Ndichakupa maropafadzo matsvene, uye echokwadi
akavimbiswa kuna Dhavhidhi.’

35 Nokudaro zvinotaurwa pamwewo kuti:
“‘Hamungaregi Mutsvene wenyu achiona kuora.’

36 “Nokuti Dhavhidhi akati aita kuda kwaMwari pamazuva ake, akavata; akavigwa namadzibaba ake uye muviri wake wakaora.37 Asi uyo akamutswa naMwari haana kuona kuora.
38 “Naizvozvo, hama dzangu, ndinoda kuti muzive kuti kubudikidza naJesu, kukanganwirwa kwezvivi kunoparidzwa kwamuri.39 Kubudikidza naye munhu wose anotenda anoruramiswa pazvinhu zvose zvamanga musingagoni kururamiswa pazviri nomurayiro waMozisi.

40 Chenjerai kuti zvakataurwa navaprofita zvirege kuitika kwamuri, zvinoti:

41 “‘Tarirai imi vaseki,
mushamiswe uye muparare,
nokuti ndiri kuzoita chimwe chinhu pamazuva enyu
chamusingazombotendi,
kunyange dai mumwe munhu akakuudzai.’”

42 Pauro naBhanabhasi vava kubuda musinagoge, vanhu vakavakoka kuti vazotaurazve pamusoro pezvinhu izvi paSabata raizotevera.43 Ungano yakati yapararira, vazhinji vavaJudha navamwe vakanga vatendeukira kuchiJudha vakatevera Pauro naBhanabhasi, ivo vakataura navo uye vakavakurudzira kuti varambe vari munyasha dzaMwari.
44 PaSabata rakatevera rinenge guta rose rakaungana kuzonzwa shoko raShe.45 VaJudha vakati vaona vanhu vazhinji, vakazadzwa negodo vakataura zvakaipa pamusoro pezvakanga zvichitaurwa naPauro.
46 Ipapo Pauro naBhanabhasi vakavapindura vasingatyi vakati, “Zvanga zvakafanira kuti titaure shoko raMwari kwamuri imi kutanga. Sezvo mariramba uye mukasazviona savanhu vakafanira upenyu husingaperi, tava kuenda zvino kuvaHedheni.

47 Nokuti izvi ndizvo zvakarayirwa kwatiri naShe achiti:

“‘Ndakakuitai chiedza kuvaHedheni,
kuti muvigire migumo yenyika ruponeso.’”

48 VaHedheni vakati vanzwa izvozvo, vakafara uye vakakudza shoko raShe; uye vose vakanga vakatarirwa upenyu husingaperi vakatenda.
49 Shoko raShe rakapararira mudunhu rose.50 Asi vaJudha vakakurudzira vakadzi vaitya Mwari uye vaikudzikana navarume vairemekedzwa veguta, vakamutsira Pauro naBhanabhasi kutambudzwa, uye vakavadzinga mudunhu ravo.51 Saka vakazunza guruva patsoka dzavo vachiratidza kusafara pamusoro pavo ndokubva vaenda kuIkoniamu.

52 Uye vadzidzi vakazadzwa nomufaro uye noMweya Mutsvene.

Acts 13

The Church at Antioch Commissions Barnabas and Saul

1 Now there were these prophets and teachers in the church at Antioch:ss Barnabas, Simeon called Niger,s Lucius the Cyrenian,s Manaen (a close friend of Herods the tetrarchts from childhoodt) and Saul.2 While they were servingt the Lord and fasting, the Holy Spirit said, “Set apartt for me Barnabas and Saul for the work to which I have called them.”

3 Then, after they had fastedt andt prayed and placed their handss on them, they sent them off.

Paul and Barnabas Preach in Cyprus

4 So Barnabas and Saul,t sent out by the Holy Spirit, went down to Seleucia,s and from there they sailed to Cyprus.s5 Whent they arrivedt in Salamis,s they began to proclaimt the word of God in the Jewish synagogues.s (Now they also had Johns as their assistant.)ts6 When they had crossed overt the whole island as far as Paphos,s they found a magician, a Jewish false prophet named Bar-Jesus,s7 who was with the proconsuls Sergius Paulus, an intelligent man. The proconsult summonedt Barnabas and Saul and wanted to hears the word of God.8 But the magician Elymast (for that is the way his name is translated)s opposed them, trying to turn the proconsuls away from the faith.9 But Saul (also known as Paul),s filled with the Holy Spirit,s stared straightt at him10 and said, “You who are full of all deceit and all wrongdoing,t you son of the devil, you enemy of all righteousness – will you not stop making crooked the straight paths of the Lord?s11 Nowt look, the hand of the Lord is againstt you, and you will be blind, unable to see the sun for a time!” Immediately mistinesss and darkness came overt him, and he went around seeking peoplet to lead him by the hand.

12 Then when the proconsuls saw what had happened, he believed,s because he was greatly astoundedt at the teaching aboutt the Lord.

Paul and Barnabas at Pisidian Antioch

13 Then Paul and his companions put out to seat from Paphoss and came to Pergas in Pamphylia,s but Johns left them and returned to Jerusalem.ss14 Moving on fromt Perga,s they arrived at Pisidian Antioch,tss and on the Sabbath day they went intot the synagogues and sat down.15 After the reading from the law and the prophets,s the leaders of the synagoguet sent them a message,t saying, “Brothers,t if you have any messaget of exhortationt for the people, speak it.”t

16 So Paul stood up,t gesturedt with his hand and said,
“Men of Israel,t and you Gentiles who fear God,t listen:
17 The God of this people Israelt chose our ancestorsts and made the people greatt during their stay as foreignerst in the countryt of Egypt, and with uplifted arms he led them out of it.18 Fort a period of about forty years he put up witht them in the wilderness.t19 Aftert he had destroyedt seven nationss in the land of Canaan, he gave his people their land as an inheritance.t20 All this tookt about four hundred fifty years. After thist he gave them judges until the time oft Samuel the prophet.21 Then they asked for a king, and God gave them Saul son of Kish, a man from the tribe of Benjamin, who ruledt forty years.22 After removing him, Godt raised ups David their king. He testified about him:t ‘I have found Davids the son of Jesse to be a man after my heart,s who will accomplish everything I want him to do.’t23 From the descendantsts of this mans God brought to Israel a Savior, Jesus, just as he promised.ts24 Beforet Jesust arrived, Johns had proclaimed a baptism for repentancet to all the people of Israel.25 But while John was completing his mission,t he said repeatedly,t ‘What do you think I am? I am not he. But look, one is coming after me. I am not worthy to untie the sandals on his feet!’t26 Brothers,t descendantst of Abraham’s family,t and those Gentiles among you who fear God,t the messaget of this salvation has been sent to us.27 For the people who live in Jerusalem and their rulers did not recognizet him,t and they fulfilled the sayingsts of the prophets that are read every Sabbath by condemningt him.t28 Thought they foundt no basiss for a death sentence,t they asked Pilate to have him executed.29 When they had accomplishedt everything that was writtens about him, they took him downt from the crosst and placed himt in a tomb.30 But God raiseds him from the dead,31 andt for many days he appeared to those who had accompanieds him from Galilee to Jerusalem. Theset are now his witnesses to the people.32 And we proclaim to you the good news about the promise to our ancestors,t33 that this promisets God has fulfilled to us, their children, by raisingts Jesus, as also it is written in the second psalm, ‘You are my Son;stoday I have fathered you.’ts34 But regarding the fact that he has raised Jesust from the dead, nevert again to bet in a state of decay, Godt has spoken in this way: ‘I will give youtthe holy and trustworthy promisestmade to David.’s35 Therefore he also says in another psalm,t ‘You will not permit your Holy Onetto experiencetdecay.’s36 For David, after he had servedt God’s purpose in his own generation, died,t was buried with his ancestors,t and experiencedt decay,37 but the ones whom God raised up did not experiencet decay.38 Therefore let it be known to you, brothers, that through this onet forgiveness of sins is proclaimed to you,39 and by this ones everyone who believes is justifiedt from everything from which the law of Moses could not justifyt you.t

40 Watch out,s then, that what is spoken about byt the prophets does not happen to you:

41 ‘Look, you scoffers; be amazed and perish!t
For I am doing a work in your days,
a work you would never believe, even if someone tells you.’”s
42 As Paul and Barnabast were going out,t the peoplet were urgingt them to speak about these thingst on the next Sabbath.

43 When the meeting of the synagogues had broken up,t many of the Jews and God-fearing proselytest followed Paul and Barnabas, who were speaking with them and were persuadingt themt to continuet in the grace of God.
44 On the next Sabbath almost the whole city assembled together to hear the word of the Lord.ss45 But when the Jews saw the crowds, they were filled with jealousy,s and they began to contradictt what Paul was sayingt by reviling him.t46 Both Paul and Barnabas replied courageously,t “It was necessary to speak the word of Godt to you first. Since you reject it and do not consider yourselves worthyt of eternal life, wet are turning to the Gentiles.s47 For thist is what the Lord has commanded us: ‘I have appointedtyou to be a lightsfor the Gentiles, to bring salvationtto the ends of the earth.’”s48 When the Gentiles heard this, they began to rejoicet and praiset the word of the Lord, and all who had been appointed for eternal lifes believed.49 So the word of the Lord was spreadingt through the entire region.50 But the Jews incitedt the God-fearing women of high social standing and the prominent men of the city, stirred up persecution against Paul and Barnabas, and threw them outt of their region.51 So after they shookt the dust off their feets in protest against them, they went to Iconium.s

52 And the disciples were filled with joys and with the Holy Spirit.