previous next

MABASA AVAPOSTORI 18

Pauro paKorinde

1 Shure kwaizvozvo, Pauro akabva paAtene akaenda kuKorinde.2 Ikoko akandosangana nomuJudha ainzi Akwira chizvarwa chePondasi, akanga achangobva kuItari nomukadzi wake Pirisira, nokuti Kiraudhio akanga arayira kuti vaJudha vose vabve muRoma. Pauro akaenda kundomuona,3 uye sezvo akanga ari mugadziri wamatende saivo, akagara navo achishanda pamwe chete navo.4 Sabata rimwe nerimwe akanga achitaurirana navo musinagoge, achiedza kugombedzera vaJudha navaGiriki.
5 Sirasi naTimoti vakati vasvika vachibva kuMasedhonia, Pauro akazvipira kuti aparidze chete, achipupura kuvaJudha kuti Jesu ndiye Kristu.6 Asi vaJudha vakati vapikisana naPauro uye vachimutuka, akazunza nguo dzake asingafari akati kwavari, “Ropa renyu ngarive pamisoro yenyu! Ini ndakachena pabasa rangu. Kubva zvino ndichaenda kuvaHedheni.”
7 Ipapo Pauro akabuda musinagoge akaenda kumba kwaTitiasi Jastasi munhu ainamata Mwari.8 Krispasi mukuru wesinagoge, neimba yake yose vakatenda kuna She; uye vazhinji vavaKorinde vakamunzwa vakatenda uye vakabhabhatidzwa.
9 Humwe usiku Ishe akataura naPauro muchiratidzo akati, “Usatya; ramba uchingotaura, usanyarara.10 Nokuti ndinewe, uye hakuna munhu achakurwisa akakukuvadza, nokuti ndina vanhu vazhinji muguta rino.”11 Saka Pauro akagaramo kwegore nemwedzi mitanhatu, achivadzidzisa shoko raMwari.
12 Panguva iyo Gario akanga ari mubati weAkaya, vaJudha vakabatana mukurwisa Pauro uye vakauya naye kudare redzimhosva.13 Vakati, “Munhu uyu, ari kugombedzera vanhu kuti vanamate Mwari nenzira inopesana nomurayiro.”
14 Pauro akati oda kutaura, Gario akati kuva-Judha, “Kana imi vaJudha manga muchinyunyuta pamusoro pemhosva yezvisakarurama kana kutadza kwakaipisisa, zvainge zviri nyore kwandiri kuti ndikuteererei.15 Asi sezvo ichingova mibvunzo pamusoro pamashoko namazita uye nezvomurayiro wenyu, gadzirisanai pachenyu. Ini handidi kutonga nyaya dzakadai.”16 Saka akaita kuti vadzingwe kubva mudare remhosva.

17 Ipapo vose vakatendeukira kuna Sosteni mukuru wesinagoge vakamurova pamberi pedare. Asi Gario haana kumbova nehanya nazvo.

Pirisira, Akwira naAporosi
18 Pauro akaramba ari muKorinde kwamazuva mazhinji. Ipapo akabva pahama ndokuenda nechikepe kuSiria, achiperekedzwa naPirisira naAkwira. Asati akwira chikepe, akaveura bvudzi rake paKenikireya nokuda kwemhiko yaakanga aita.19 Vakasvika paEfeso, Pauro akasiya Pirisira naAkwira ipapo. Iye pachake akapinda musinagoge akataurirana navaJudha.20 Vakati vamukumbira kuti agare navo nguva refu, iye akaramba.21 Asi paakabva, akavimbisa achiti, “Ndichadzokazve kana Mwari achida.” Ipapo akakwira chikepe kubva kuEfeso.22 Akati aburuka paKesarea, akakwira akandokwazisa kereke ipapo ndokubva aburuka oenda kuAndioki.
23 Shure kwokunge ambogara muAndioki kwechinguva, Pauro akabvapo akaenda achishanya munzvimbo nenzvimbo, akapinda nomumatunhu eGaratia neFirigia, achisimbisa vadzidzi vose.
24 Zvichakadaro, mumwe muJudha ainzi Aporosi, chizvarwa cheArekizandiria, akasvika kuEfeso. Akanga ari murume akadzidza, aino ruzivo rwaMagwaro chaizvo.25 Akanga akadzidziswa nzira yaShe, uye aitaura nesimba guru uye achinyatsodzidzisa nezvaJesu, kunyange zvake aingoziva nezvorubhabhatidzo rwaJohani.26 Akatanga kutaura musinagoge asingatyi. Pirisira naAkwira vakati vamunzwa, vakamukoka kumba kwavo vakamutsanangurira nzira yaMwari zvizere.
27 Aporosi akati oda kuenda kuAkaya, hama dzakamukurudzira ndokumunyorera tsamba yokuti vadzidzi vaikoko vamugamuchire. Paakasvika akabatsira kwazvo avo vakanga vatenda nenyasha.

28 Nokuti pakutaurirana, akapikisa vaJudha zvine simba pamberi pavanhu, achiratidza kubva muMagwaro kuti Jesu ndiye Kristu.

Acts 18

Paul at Corinth

1 After thist Pault departed fromt Athenss and went to Corinth.ss2 There het foundt a Jew named Aquila,s a native of Pontus,s who had recently come from Italy with his wife Priscilla, because Claudiuss had ordered all the Jews to depart fromt Rome.s Paul approachedt them,3 and because he worked at the same trade, he stayed with them and worked with themt (for they were tentmakerst by trade).s

4 He addressedt both Jews and Greeks in the synagogues every Sabbath, attempting to persuadet them.
5 Now when Silas and Timothy arrivedt from Macedonia,s Paul became wholly absorbed with proclaimingt the word, testifyingt to the Jews that Jesus was the Christ.ts6 When they opposed himt and reviled him,t he protested by shaking out his clothests and said to them, “Your bloods be on your own heads! I am guiltless!t From now on I will go to the Gentiles!”7 Then Pault leftt the synagoguet and went to the house of a person named Titius Justus, a Gentile who worshiped God,ts whose house was next door to the synagogue.8 Crispus, the president of the synagogue,t believed in the Lord together with his entire household, and many of the Corinthians who heard about itt believed and were baptized.9 The Lord said to Paul by a visions in the night,t “Do not be afraid,t but speak and do not be silent,10 because I am with you, and no one will assaultt you to harmt you, because I have many people in this city.”

11 So he stayed theret a year and six months, teaching the word of God among them.t

Paul Before the Proconsul Gallio

12 Now while Gallios was proconsuls of Achaia,s the Jews attacked Paul togethert and brought him before the judgment seat,ts13 saying, “This man is persuadingt people to worship God in a way contrary tot the law!”14 But just as Paul was about to speak,t Gallio said to the Jews, “If it were a matter of some crime or serious piece of villainy,t I would have been justified in accepting the complaintt of you Jews,t15 but since it concerns points of disagreementt about words and names and your own law, settlet it yourselves. I will not bet a judge of these things!”16 Then he had them forced awayt from the judgment seat.s

17 So they all seized Sosthenes, the president of the synagogue,ts and began to beatt him in front of the judgment seat.s Yet none of these things were of any concernts to Gallio.

Paul Returns to Antioch in Syria

18 Paul, after stayingt many more days in Corinth,s said farewell tot the brothers and sailed away to Syria accompanied byt Priscilla and Aquila.s Het had his hair cut offt at Cenchreats because he had made a vow.s19 When they reached Ephesus,ss Pault left Priscilla and Aquilat behind there, but he himself wentt into the synagogues and addressedt the Jews.20 When they asked him to stay longer, he would not consent,s21 but said farewell tot them and added,t “I will come backt to you again if God wills.”t Thent he set sail from Ephesus,22 and when he arrivedt at Caesarea,ss he went up and greetedt the church at Jerusalemts and then went down to Antioch.ss

23 After he spentt some time there, Paul left and went through the region of Galatias and Phrygia,s strengthening all the disciples.

Apollos Begins His Ministry

24 Now a Jew named Apollos, a native of Alexandria, arrived in Ephesus.s He was an eloquent speaker,t well-versedt in the scriptures.25 He had been instructed int the way of the Lord, and with great enthusiasmt he spoke and taught accurately the factst about Jesus, although he knewt only the baptism of John.26 He began to speak out fearlesslyt in the synagogue,s but when Priscilla and Aquilas heard him, they took him asidet and explained the way of God to him more accurately.27 When Apollost wanted to cross over to Achaia,s the brothers encouragedt himt and wrote to the disciples to welcome him. When he arrived, het assisted greatly those who had believed by grace,

28 for he refuted the Jews vigorouslyt in public debate,t demonstrating from the scriptures that the Christts was Jesus.t