MABASA AVAPOSTORI 19
Pauro paEfeso
1 Aporosi paakanga achiri paKorinde, Pauro akafamba nomugwagwa wakanga uchipinda nomukati menyika akasvika paEfeso. Akawana vamwe vadzidzi ipapo2 akavabvunza akati, “Makagamuchira Mweya Mutsvene here pamakatenda?” Ivo vakapindura vakati, “Kwete, hatina kutongonzwa kuti kune Mweya Mutsvene isu.”
3 Saka Pauro akavabvunza akati, “Zvino makagamuchira rubhabhatidzo rupi?”
Vakapindura vakati, “Rubhabhatidzo rwaJohani.”
4 Pauro akati, “Rubhabhatidzo rwaJohani rwaiva rubhabhatidzo rwokutendeuka. Akaudza vanhu kuti vatende kuna iye aizouya mumashure make, iye Jesu.”5 Vakati vanzwa izvi, vakabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu.6 Pauro akati aisa maoko ake pamusoro pavo, Mweya Mutsvene wakauya pamusoro pavo, uye vakataura nendimi vakaprofita.7 Vakanga vari varume vanenge gumi navaviri vose.
8 Pauro akapinda musinagoge akataura asingatyi imomo kwemwedzi mitatu, achikakavadzana navo zvinyoronyoro pamusoro poumambo hwaMwari.9 Asi vamwe vavo vakaomesa mwoyo yavo; vakaramba kutenda uye vakatsoropodza Nzira iyo pamberi pavanhu. Saka Pauro akabva pavari. Akatsaura vadzidzi akaenda navo pamwe chete akandoita hurukuro navo zuva rimwe nerimwe pachikoro chaTirano.10 Izvi zvakaramba zvichiitwa kwamakore maviri, zvokuti vaJudha vose navaGiriki vaigara munyika yeEzhia vakanzwa shoko raShe.
11 Mwari akaita mabasa anoshamisa kubudikidza naPauro,12 zvokuti kunyange nehangachepfu namaapuroni akanga ari pamuviri wake zvakaendeswa kuvarwere, zvirwere zvavo zvikaporeswa uye mweya yakaipa ikabva kwavari.
13 Vamwe vaJudha vaifamba vachidzinga mweya yakaipa vakaedza kudana zita raJesu pamusoro paavo vakanga vakabatwa namadhimoni vachiti, “Muzita raJesu, anoparidzwa naPauro, ndinokurayira kuti ubude.”14 Vanakomana vanomwe vaSikevha muprista mukuru wavaJudha, vakanga vachiita izvozvo.15 Rimwe zuva mweya wakaipa wakavapindura ukati, “Jesu ndinomuziva, uye ndinoziva nezvaPauro, asi imi ndimi vanaaniko?”16 Ipapo munhu akanga ane mweya wakaipa akasvetukira pavari akavakurira vose. Akavarova zvokuti vakamhanya vachibuda mumba vasina kupfeka uye vachibuda ropa.
17 Izvi zvakati zvazivikanwa navaJudha nava-Giriki vaigara muEfeso, vose vakabatwa nokutya, uye zita raIshe Jesu rakakudzwa nokukudzwa kukuru.18 Zvino vazhinji vavakanga vatenda vakauya vakareurura pachena mabasa avo akanga akaipa.19 Vazhinji vakanga vachiita zvoun’anga vakaunganidza mabhuku avo pamwe chete vakaapisa pamberi pavanhu. Vakati vaverenga mutengo wamabhuku acho, mari ikasvika madhirakema zviuru makumi mashanu.20 Nenzira iyi shoko raMwari rakapararira kwazvo uye rikakura nesimba.
21 Shure kwokunge zvose izvi zvaitika, Pauro akafunga zvokuenda kuJerusarema achipfuura nokuMasedhonia, nokuAkaya achiti, “Kana ndambosvika ikoko, ndinofanira kushanyirawo Roma.”
22 Akatuma vabatsiri vake vaviri, Timoti naErastasi, kuMasedhonia, iye achimbosara munyika yeEzhia kwechinguva.
Bope muEfeso
23 Nenguva yakaita saiyoyo bope guru rakamuka pamusoro peNzira iyi.24 Mumwe mupfuri wesirivha ainzi Dhemetiri akanga achigadzira zvitemberi zvesirivha zvaAritemisi, zvakanga zvichipfumisa zvikuru mhizha dzavo.25 Akavaunganidza vose, pamwe chete navabati vaishanda mabasa akadaro, akati kwavari, “Varume, imi munoziva kuti takanga tichiwana pfuma yakanaka nebasa iri.26 Zvino munozvionawo nokuzvinzwira kuti murume uyu Pauro akaendesa nokutsausa vanhu vazhinji muno muEfeso, uye zviri pachena kuti nomunyika yose yeEzhia zvayo, anoti vamwari vakaitwa navanhu havazi vamwari chaivo.27 Zvino njodzi iripo ndeyokuti harizi basa redu bedzi richarasikirwa nembiri yaro, asiwo temberi yamwari wedu mukuru, Aritemisi, ichazvidzwa uye iye mwarikadzi pachake, anova ndiye ari kunamatwa munyika yose yeEzhia uye nenyika yose, achatorerwa ukuru hwake.”
28 Vakati vanzwa izvi, vakashatirwa vakatanga kudanidzira vachiti, “Mukuru ndiAritemisi wavaEfeso!”29 Pakarepo guta rose rakanyonganiswa. Vanhu vakabata Gayo naAristakusi, shamwari dzaPauro dzaaifamba nadzo dzaibva kuMasedhonia, vakamhanya navo nomwoyo mumwe vakapinda navo munhandare.30 Pauro akanga achida kuzviratidza pamberi pemhomho, asi vadzidzi vakamudzivisa.31 Kunyange vamwe vakuru veEzhia, shamwari dzaPauro, vakamutumira shoko vachimukumbirisa kuti arege kuedza kupinda munhandare.
32 Ungano yakanga yanyonganiswa: vamwe vaidaidzira chimwe chinhu, vamwe chimwe. Vazhinji vavanhu vakanga vasingatongozivi kuti sei vakanga varipo.33 VaJudha vakasundidzira Arekizanda mberi, uye vamwe vazhinji vaidanidzira vachimurayira zvokuita. Iye akaninira vanhu kuti vanyarare kuitira kuti agone kuzvidavirira pamberi pavanhu.34 Asi pavakaona kuti iye aiva muJudha, vose vakadanidzira pamwe chete kwenguva dzinenge maawa maviri vachiti, “Mukuru ndiAritemisi wavaEfeso!”
35 Munyori weguta akanyaradza vanhu akati, “Varume veEfeso, ko, nyika yose haizivi here kuti guta reEfeso ndiro rinochengeta temberi yaAritemisi mukuru nomufananidzo wake, uyo wakawa uchibva kudenga?36 Naizvozvo, sezvo izvi zvisingagoni kurambika, munofanira kuti munyarare murege kumhanyira kuita chinhu.37 Mauya navarume ava pano, kunyange zvavo vasina kuba temberi dzedu kana kumhura mwarikadzi wedu.38 Zvino, kana Dhemetiri nedzimwe mhizha dzaanadzo vakange vane mhosva naani zvake, matare edzimhosva akazarurwa uye vatongi varimo. Vanogona kuvakwirira havo.39 Kana pane chimwe chinhuzve chamungada kutaura, chinofanira kutaurwa paungano iri pamutemo.40 Asi sezvazviri izvi, tiri panjodzi yokuti tingangopiwa mhosva yokumutsa bongozozo nokuda kwezvaitika nhasi. Kana pane chimwezve chamungada kutaura, chinofanira kutaurwa paungano iri pamutemo.”
41 Akati ataura izvi, akarayira kuti ungano iparare.
Acts 19
Disciples of John the Baptist at Ephesus
1 Whilet Apollos was in Corinth,s Paul went through the inlandt regionst and came to Ephesus.s Het found some disciples theret2 and said to them, “Did you receive the Holy Spirit when you believed?”t They replied,t “No, we have not event heard that there is a Holy Spirit.”3 So Pault said, “Into what then were you baptized?” “Into John’s baptism,” they replied.t4 Paul said, “John baptized with a baptism of repentance, telling the people to believe in the one who was to come after him,s that is, in Jesus.”5 When they heard this, they were baptized in the name of the Lord Jesus,6 and when Paul placedt his hands on them, the Holy Spirit cames upon them, and they began to speakt in tongues and to prophesy.t
7 (Now there were about twelve men in all.)s
Paul Continues to Minister at Ephesus
8 So Pault enteredt the synagogues and spoke out fearlesslyt for three months, addressingt and convincingt them about the kingdom of God.s9 But whent some were stubbornt and refused to believe, revilingt the Ways before the congregation, he leftt them and took the disciples with him,t addressingt them every dayt in the lecture hallt of Tyrannus.
10 This went on for two years, so that all who lived in the province of Asia,ts both Jews and Greeks, heard the word of the Lord.s
The Seven Sons of Sceva
11 God was performing extraordinaryt miracles by Paul’s hands,12 so that when even handkerchiefs or aprons that had touched his bodyt were broughtt to the sick, their diseases left them and the evil spirits went out of them.t13 But some itinerantt Jewish exorcists tried to invoke the namet of the Lord Jesus over those who were possessed byt evil spirits, saying, “I sternly warns you by Jesus whom Paul preaches.”14 (Now seven sons of a man namedt Sceva, a Jewish high priest, were doing this.)s15 But the evil spirit replied to them,t “I know about Jesust and I am acquainted witht Paul, but who are you?”s16 Then the man who was possessed byt the evil spirit jumped ont them and beat them all into submission.t He prevailedt against them so that they fled from that house naked and wounded.17 This became known to all who lived in Ephesus,s both Jews and Greeks; fear came overt them all, and the name of the Lord Jesus was praised.t18 Many of those who had believed came forward,t confessing and making their deeds known.ts19 Large numberst of those who had practiced magict collected their bookst and burned them up in the presence of everyone.t Whent the value of the books was added up, it was found to total fifty thousand silver coins.t
20 In this way the word of the Lords continued to grow in powert and to prevail.s
A Riot in Ephesus
21 Now after all these things had taken place,t Paul resolvedt to go to Jerusalem,s passing through Macedonias and Achaia.s He said,t “After I have been there, I must also see Rome.”ss
22 So after sendingt two of his assistants,t Timothy and Erastus, to Macedonia,s he himself stayed on for a while in the province of Asia.t
23 Att that timet a great disturbancet took place concerning the Way.s24 For a man named Demetrius, a silversmith who made silver shrinest of Artemis,s brought a great dealt of businesss to the craftsmen.25 He gatheredt theset together, along with the workmen in similar trades,s and said, “Men, you know that our prosperityt comes from this business.26 And you see and hear that this Paul has persuadedt and turned awayt a large crowd,t not only in Ephesuss but in practically all of the province of Asia,t by sayingt that gods made by hands are not gods at all.ts
27 There is danger not only that this business of ours will come into disrepute,t but also that the temple of the great goddess Artemiss will be regarded as nothing,t and she whom all the province of Asiat and the world worship will suffer the loss of her greatness.”ts
28 Whent they heardt this they became enragedt and began to shout,t “Great is Artemiss of the Ephesians!”29 Thet city was filled with the uproar,t and the crowdt rushed to the theaters together,t dragging with them Gaius and Aristarchus, the Macedonians who were Paul’s traveling companions.30 But when Paul wanted to enter the public assembly,t the disciples would not let him.31 Even some of the provincial authoritiest who were his friends sentt a messaget to him, urging him not to venturet into the theater.32 So then some were shouting one thing, some another, for the assembly was in confusion, and most of them did not know why they had met together.t33 Some of the crowd concludedt it was aboutt Alexander because the Jews had pushed him to the front.t Alexander, gesturingt with his hand, was wanting to make a defenses before the public assembly.t34 But when they recognizedt that he was a Jew, they all shouted in unison,t “Great is Artemiss of the Ephesians!” for about two hours.s35 After the city secretaryt quieted the crowd, he said, “Men of Ephesus, what persont is there who does not know that the city of the Ephesians is the keepert of the temple of the great Artemiss and of her image that fell from heaven?ts36 So because these factst are indisputable,t you must keep quiett and not do anything reckless.t37 For you have brought these men here who are neither temple robberst nor blasphemers of our goddess.s38 If then Demetrius and the craftsmen who are with him have a complaintt against someone, the courts are opent and there are proconsuls; let them bring charges against one another there.t39 But if you want anything in addition,t it will have to be settledt in a legal assembly.t40 Fort we are in danger of being charged with riotingt today, since there is no cause we can give to explaint this disorderly gathering.”t
41 Aftert he had saidt this,t he dismissed the assembly.s