MABASA AVAPOSTORI 2
Mweya Mutsvene unoburuka paPendekosti
1 Zuva rePendekosti rakati rasvika, vakanga vakaungana vose panzvimbo imwe chete.2 Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakabva kudenga uye kukazadza imba yose yavakanga vagere.3 Vakaona zvakanga zvakaita sendimi dzomoto dzakaparadzana uye dzikamhara pamusoro pomumwe nomumwe wavo.4 Vose vakazadzwa noMweya Mutsvene uye vakatanga kutaura nedzimwe ndimi sokupiwa kwavakaitwa noMweya.
5 Zvino muJerusarema maigara vaJudha vaitya Mwari vaibva kundudzi dzose pasi pedenga.6 Vakati vanzwa mutinhiro uyu, vazhinji vakaungana pamwe chete vachishamiswa, nokuti mumwe nomumwe akavanzwa vachitaura norurumi rwake chairwo.7 Vakashamiswa kwazvo, vakabvunzana vachiti, “Ko, vanhu ava vose havasi vaGarirea here vari kutaura?8 Zvino seiko mumwe nomumwe wedu achivanzwa nomutauro waakaberekwa nawo?9 VaPatio, vaMedhia navaEramu; navanogara Mesopotamia, Judhea neKapadhokia, Pondasi neEzhia,10 Firigia nePamufiria, Ijipiti namativi eRibhia pedyo neKureni; vaeni vanobva kuRoma11 (zvose vaJudha navakatendeukira kuchiJudha); vaKirete navaArabhu, tinovanzwa vachitaura zvishamiso zvaMwari nendimi dzedu chaidzo!”12 Vakakatyamara uye vakakanganisika, vakabvunzana vachiti, “Zvinoreveiko izvi?”
13 Kunyange zvakadaro, vamwe vakavaseka vakati, “Vanwa waini yakawanda.”
Petro anoparidzira Vazhinji
14 Ipapo Petro akamira pamwe chete navane gumi nomumwe, akadanidzira, kuvanhu vazhinji achiti, “Hama imi vaJudha nemi mose mugere muJerusarema, regai ndikutsanangurirei chinhu ichi; nyatsoteererai mashoko angu.15 Vanhu ava havana kudhakwa sezvamunofungidzira zvaichiri nguva yepfumbamwe mangwanani kudai!16 Kwete, izvi ndizvo zvakataurwa nomuprofita Joere achiti,
17 “‘Mumazuva okupedzisira,’ ndizvo zvinotaura Mwari,
‘ndichadurura Mweya wangu pamusoro pavanhu vose.
Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita,
majaya enyu achaona zviratidzo,
vatana venyu vacharota hope.
18 Kunyange napamusoro pavaranda vangu, zvose varume navakadzi,
ndichadurura Mweya wangu mumazuva iwayo,
uye vachaprofita.
19 Ndicharatidza zvishamiso kudenga kumusoro,
nezviratidzo panyika pasi,
ropa nomoto uye mhute youtsi.
20 Zuva richashanduka rikava rima,
uye mwedzi uchashanduka ukava ropa,
zuva guru raShe uye rinobwinya
risati rasvika.
21 Uye ani naani anodana
kuzita raShe achaponeswa.’
22 “Imi vaIsraeri, teererai izvi: Jesu weNazareta akanga ari murume akaratidzwa kwamuri naMwari namabasa esimba, nezvishamiso uye nezviratidzo, zvakaitwa naMwari pakati penyu kubudikidza naye, sezvamunoziva imi pachenyu.23 Murume uyu akaiswa mumaoko enyu nourongwa uye nokuziva zviri mberi kwaMwari; uye imi, mukamuroverera pamuchinjikwa muchibatsirwa navanhu vakaipa.24 Asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, akamusunungura kubva pakurwadza kworufu, nokuti zvakanga zvisingagoni kuti rufu rumubate.25 Dhavhidhi akataura nezvake achiti:
“‘Ndakaona Ishe mberi kwangu nguva dzose.
Nokuti ari kuruoko rwangu rworudyi,
handingatongozungunuswi.
26 Naizvozvo mwoyo wangu unofara uye rurimi rwangu runofarisisa;
uyezve muviri wangu uchararama netariro,
27 nokuti imi hamuzondisiyi muguva,
uye hamungaregi Mutsvene wenyu achiona kuora.
28 Makandizivisa nzira dzoupenyu;
muchandizadza nomufaro pamberi penyu.’
29 “Hama, ndingakuudzai ndiine chokwadi kuti tateguru wedu Dhavhidhi akafa akavigwa, uye guva rake richiri pano kusvikira nhasi.30 Asi akanga ari muprofita uye aiziva kuti Mwari akanga amuvimbisa nemhiko kuti aizogadza mumwe wezvizvarwa zvake pachigaro choushe.31 Achiona zviri mberi, akataura nezvokumuka kwaKristu, kuti akanga asina kusiyiwa muguva, uye muviri wake hauna kuona kuora.32 Mwari akamutsa Jesu uyu kubva kuvakafa, uye isu tose tiri zvapupu zvacho.33 Akasimudzirwa kuruoko rworudyi rwaMwari, akagamuchira kubva kuna Baba chipikirwa choMweya Mutsvene uye akadurura izvi zvamuri kuona nokunzwa iye zvino.
34 Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi iye akati:
“‘Ishe akati kuna She wangu:
“Gara kuruoko rwangu rworudyi
35 kusvikira ndaita kuti vavengi vako
vave chitsiko chetsoka dzako.”’
36 “Naizvozvo vaIsraeri vose ngavazive izvi: Jesu uyu, wamakaroverera pamuchinjikwa, Mwari akamuita Ishe naKristu.”
37 Vanhu vakati vachinzwa izvozvo, vakabayiwa pamwoyo vakati kuna Petro navamwe vapostori, “Hama, tichaiteiko?”
38 Petro akapindura akati, “Tendeukai mubhabhatidzwe, mumwe nomumwe wenyu, muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvivi zvenyu, uye mugogamuchira chipo choMweya Mutsvene.39 Chipikirwa ndechenyu navana venyu navose vari kure, navose vachazodanwa naShe Mwari wedu.”
40 Akavayambira namamwe mashoko mazhinji; uye akavakumbirisa achiti, “Muzviponese parudzi urwu rwakaora.”
41 Avo vakagamuchira shoko rake vakabhabhatidzwa, uye pazuva iro, vanhu vanenge zviuru zvitatu vakawedzerwa pauwandu hwavo.
Kuwadzana kwaVatendi
42 Vakazvipira pakudzidzisa kwavapostori napakuwadzana, pakumedura chingwa uye napakunyengetera.43 Vanhu vose vakabatwa nokutya, uye zvishamiso zvizhinji nezviratidzo zvakaitwa navapostori.44 Vatendi vose vaiva pamwe chete uye vakagoverana zvinhu zvose.45 Vachitengesa zvavaiva nazvo nenhumbi dzavo, vakazvipa kuna ani naani aishayiwa.46 Mazuva ose vairamba vachiungana pamwe chete mutemberi. Vaimedura chingwa mudzimba dzavo uye vachidya pamwe chete nomufaro uye nomwoyo wakanaka,
47 vachirumbidza Mwari uye vachidikanwa navanhu vose. Uye Ishe akawedzera pauwandu hwavo zuva rimwe nerimwe avo vakanga vachiponeswa.
Acts 2
The Holy Spirit and the Day of Pentecost
1 Nowt when the day of Pentecost had come, they were all together in one place.2 Suddenlyt a soundt like a violent wind blowingt came from heavent and filled the entire house where they were sitting.3 And tongues spreading out like a firet appeared to them and came to rest on each one of them.
4 Allt of them were filled with the Holy Spirit, and they began to speak in other languagests as the Spirit enabled them.t
5 Now there were devout Jewst from every nation under heaven residing in Jerusalem.ts6 When this soundt occurred, a crowd gathered and was in confusion,t because each one heard them speaking in his own language.7 Completely baffled, they said,t “Aren’tt all these who are speaking Galileans?8 And how is it that each one of us hears themt in our own native language?t9 Parthians, Medes, Elamites, and residents of Mesopotamia, Judea and Cappadocia, Pontus and the province of Asia,t10 Phrygia and Pamphylia, Egypt and the parts of Libya near Cyrene,t and visitors from Rome,s11 both Jews and proselytes,s Cretans and Arabs – we hear them speaking in our own languages about the great deeds God has done!”t12 All were astounded and greatly confused, saying to one another, “What does this mean?”
13 But others jeered at the speakers,t saying, “They are drunk on new wine!”ts
Peter’s Address on the Day of Pentecost
14 But Peter stood upt with the eleven, raised his voice, and addressed them: “You men of Judeat and all you who live in Jerusalem,s know thist and listen carefully to what I say.15 In spite of what you think, these men are not drunk,t for it is only nine o’clock in the morning.t
16 But this is what was spoken about through the prophet Joel:s
17 ‘And in the last dayssit will be,’ God says,
‘that I will pour out my Spirit on all people,t
and your sons and your daughters will prophesy,
and your young men will see visions,
and your old men will dream dreams.
18 Even on my servants,tboth men and women,
I will pour out my Spirit in those days, and they will prophesy.s
19 And I will perform wonders in the skytabove
and miraculous signston the earth below,
blood and fire and clouds of smoke.
20 The sun will be changed to darkness
and the moon to blood
before the great and glorioustday of the Lord comes.
21 And thenteveryone who calls on the name of the Lord will be saved.’s
22 “Men of Israel,t listen to these words: Jesus the Nazarene, a man clearly attested to you by God with powerful deeds,t wonders, and miraculous signst that God performed among you through him, just as you yourselves know –23 this man, who was handed over by the predetermined plan and foreknowledge of God, you executedt by nailing him to a cross at the hands of Gentiles.t24 But God raised him up,t having releasedt him from the painss of death, because it was not possible for him to be held in its power.t
25 For David says about him,
‘I saw the Lord always in front of me,t
for he is at my right hand so that I will not be shaken.
26 Therefore my heart was glad and my tongue rejoiced;
my bodytalso will live in hope,
27 because you will not leave my soul in Hades,t
nor permit your Holy One to experiencetdecay.
28 You have made known to me the paths of life;
you will make me full of joy with your presence.’s
29 “Brothers,t I can speak confidentlys to you about our forefathert David, that he both died and was buried, and his tomb is with us to this day.30 So then, becauset he was a prophet and knew that God had sworn to him with an oath to seat one of his descendantston his throne,s31 David by foreseeing thist spoke about the resurrection of the Christ,ts that he was neither abandoned to Hades,t nor did his bodytexperiencetdecay.s32 This Jesus God raised up, and we are all witnesses of it.t33 So then, exaltedt to the right hands of God, and having receivedt the promise of the Holy Spiritt from the Father, he has poured outs what you both see and hear.
34 For David did not ascend into heaven, but he himself says,
‘The Lord said to my lord,
“Sitsat my right hand
35 until I make your enemies a footstoolsfor your feet.”’s
36 Therefore let all the house of Israel know beyond a doubtt that God has made this Jesus whom you crucifiedt both Lords and Christ.”ts
The Response to Peter’s Address
37 Now when they heard this,t they were acutely distressedt and said to Peter and the rest of the apostles, “What should we do, brothers?”38 Peter said to them, “Repent, and each one of you be baptizedt in the name of Jesus Christts fort the forgiveness of your sins, and you will receive the gift of the Holy Spirit.t39 For the promises is for you and your children, and for all who are far away, as many as the Lord our God will call to himself.”40 With many other words he testifiedt and exhorted them saying, “Save yourselves from this perverset generation!”
41 So those who acceptedt his messaget were baptized, and that day about three thousand peoplet were added.t
The Fellowship of the Early Believers
42 They were devoting themselves to the apostles’ teaching and to fellowship,s to the breaking of bread and to prayer.t43 Reverential awet came over everyone,t and many wonders and miraculous signst came about by the apostles.44 All who believed were together and heldt everything in common,45 and they began sellingt their propertyt and possessions and distributing the proceedst to everyone, as anyone had need.46 Every dayt they continued to gather together by common consent in the temple courts,t breaking bread fromt house to house, sharing their food with glads and humble hearts,t
47 praising God and having the good willt of all the people. And the Lord was adding to their number every dayt those who were being saved.