previous next

MABASA AVAPOSTORI 5

Ananiasi naSafira

1 Zvino mumwe murume ainzi Ananiasi, pamwe chete nomukadzi wake Safira, akatengesawo chikamu chepfuma yake.2 Mukadzi wake achinyatsozvizivawo, akazvikamurira chimwe chikamu chemari, asi yakasara akauya nayo akaiisa pamberi pavapostori.
3 Ipapo Petro akati, “Ananiasi, Satani azadzireiko mwoyo wako kudai, kuti usvike pakureva nhema kuMweya Mutsvene uye wazvikamurira imwe mari yawawana pakutengesa munda?4 Ko, wakanga usiri wako here usati watengeswa? Uye shure kwokunge wautengesa, mari yakanga isiri yako here? Chiiko chakaita kuti ufunge kuita chinhu chakadai? Hauna kureva nhema kuvanhu asi kuna Mwari.”
5 Ananiasi akati anzwa izvi, akawira pasi akabva afa. Uye kutya kukuru kwakabata vose vakanga vanzwa zvakanga zvaitika.6 Ipapo majaya akaswedera, akaputira muviri wake, akamutakura akaenda naye kunze vakandomuviga.
7 Shure kwamaawa anenge matatu mukadzi wake akasvikopinda, asingazivi zvakanga zvaitika.8 Petro akamubvunza akati, “Ndiudze, uyu ndiwo here mutengo wamakawana, iwe naAnaniasi, pamunda?”
Iye akati, “Hongu, ndiwoyu mutengo.”
9 Petro akati kwaari, “Matenderana seiko kuti muedze Mweya waShe? Tarira! Tsoka dzamajaya aviga murume wako dziri pamukova, uye vachakutakura newewo.”
10 Pakarepo akawira pasi, patsoka dzake akabva afa. Ipapo majaya akapinda uye akamuwana afa, akamutakura akaenda naye kunze akandomuviga parutivi rwomurume wake.

11 Kutya kukuru kwakabata kereke yose navose vakanzwa zvinhu izvi.

Vapostori vanoporesa Vazhinji
12 Vapostori vakaita zviratidzo zvizhinji nezvishamiso pakati pavanhu. Uye vatendi vose vaiwanzosangana pamwe chete muBiravira raSoromoni.13 Hakuna munhu akatsunga kubatana navo kunyange zvazvo vakanga vachikudzwa zvikuru navanhu.14 Zvisinei hazvo, varume vazhinji navakadzi vakatenda kuna She uye ivo vakawedzera uwandu.15 Nokuda kwaizvozvo, vanhu vakauya navairwara munzira dzomumisha vakavaradzika pamibhedha napahukwe vachiitira kuti mumvuri waPetro ungawira pana vamwe vavo paainge ava kupfuura napavari.

16 Vanhu vazhinji zhinji vaibva mumaguta akapoteredza Jerusarema vakaunganawo, vakauya navarwere vavo navaya vaitambudzwa nemweya yakaipa, uye vose vakaporeswa.

Vapostori Vanotambudzwa
17 Ipapo muprista mukuru navamwe vose vaaiva navo, avo vakanga vari nhengo dzebato ravaSadhusi, vakazadzwa negodo.18 Vakasunga vapostori vakavaisa mujeri.19 Asi mutumwa waShe akauya usiku akazarura mukova wejeri akavabudisa,20 akati, “Endai, munoudza pamavazhe etemberi, mundoudza vanhu mashoko ose oupenyu hutsva uhu.”
21 Vakapinda mutemberi mangwanani, sezvavakanga vaudzwa, vakatanga kudzidzisa vanhu.
Muprista mukuru navamwe vake vakati vasvika, vakaunganidza Dare Guru ramakurukota, ungano yose yavakuru, vakatumira vanhu kuti vandotora vapostori kujeri.
22 Asi vabati vakati vasvika pajeri, vakawana vasimo. Saka vakadzokera vakandoti,23 “Tawana jeri rakanyatsozarirwa, navarindi vamire pamikova; asi patazarura, hatina kuwana munhu mukati.”24 Vakati vanzwa chiziviso ichi, mukuru wavarindi vetemberi navaprista vakuru vakakanganisika, vachishaya kuti chii chaizoitika.
25 Ipapo mumwe munhu akasvika akati, “Tarirai! Varume vamakaisa mujeri vamire mutemberi vachidzidzisa vanhu.”26 Paakazvinzwa, mukuru wavarindi akabva aenda navabati vake akandouya navapostori. Havana kuzviita nokumanikidza, nokuti vaitya kuti vanhu vangavatake namabwe.
27 Vakati vauya navapostori, vakavamisa pamberi peDare Guru kuti vabvunzwe nomuprista mukuru.28 Akati, “Takakurayirai, zvakasimba kuti murege kudzidzisa muzita iri. Asi mazadza Jerusarema rose nedzidziso yenyu uye munoda kuti tive nemhosva yeropa romurume uyu.”
29 Petro navamwe vapostori vakapindura vachiti, “Tinofanira kuteerera Mwari kukunda vanhu!30 Mwari wamadzibaba edu akamutsa Jesu kubva kuvakafa uyo wamakaita kuti aurayiwe nokumuturika pamuti.31 Mwari akamusimudzira kuruoko rwake rworudyi soMuchinda noMuponesi kuti ape kutendeuka nokuregererwa kwezvivi kuvaIsraeri.32 Isu tiri zvapupu zvezvinhu izvi, uyewo noMweya Mutsvene wakapiwa naMwari kuna avo vanomuteerera.”
33 Vakati vanzwa izvi, vakashatirwa uye vakada kuvauraya.34 Asi mumwe muFarisi ainzi Gamarieri, mudzidzisi womurayiro, uyo aikudzwa navanhu vose, akasimuka pakati pedare akarayira kuti vanhu vambobudiswa panze kwechinguvana.35 Ipapo akati kwavari, “Imi vaIsraeri, nyatsofungai pamusoro pezvamuri kuda kuita kuvanhu ava.36 Munguva yakapfuura, kwakambova, naTudhasi aizviti iye munhu mukuru, uye varume vanenge mazana mana vakamutevera. Akaurayiwa, vose vaimutevera vakaparadzirwa, uye zvikaguma zvava pasina.37 Shure kwake, Judhasi weGarirea akambovapowo pamazuva okuverengwa akatungamirira boka ravanhu mune zvokupanduka. Naiyewo akaurayiwa, uye vose vaimutevera vakaparadzirwa.38 Naizvozvo, panyaya iyi ndinokurayirai kuti: Regai vanhu ava vakadaro! Regai vaende! Nokuti kana kufunga kwavo kuri kwomunhu, kuchaguma.39 Asi kana kuchibva kuna Mwari, hamungagoni kukonesa vanhu ava; muchazoona kuti muri kurwa naMwari.”
40 Kutaura kwake kwakavadzikamisa. Vakadana vapostori kuti vapinde vakaita kuti varohwe. Ipapo vakavarayira kuti varege kutaura muzita raJesu, uye vakavaregedza.
41 Vapostori vakabva paDare Guru, vachifara nokuda kwokuti vakanga vanzi vakafanirwa nokutambudzika nokuzvidzwa nokuda kweZita iri.

42 Zuva rimwe nerimwe havana kumborega kudzidzisa nokuparidza shoko rakanaka vari mutemberi nomudzimba nedzimba kuti Jesu ndiye Kristu.

Acts 5

The Judgment on Ananias and Sapphira

1 Now a man named Ananias, together with Sapphira his wife, sold a piece of property.2 Het kept back for himself part of the proceeds with his wife’s knowledge; he broughtt only part of it and placed it at the apostles’ feet.3 But Peter said, “Ananias, why has Satan filleds your heart to lie to the Holy Spirit and keep back for yourself part of the proceeds from the sale oft the land?

4 Before it was sold,t did it nott belong to you? And when it was sold, was the moneyt not at your disposal? How have you thought up this deed in your heart?t You have not lied to peoplet but to God!”
5 When Ananias heard these words he collapsed and died, and great fear grippedt all who heard about it.6 So the young men came,t wrapped him up,t carried him out, and burieds him.7 After an interval of about three hours,t his wife came in, but she did not knowt what had happened.8 Peter said to her, “Tell me, were the two of yout paid this amountt for the land?” Sapphirat said, “Yes, that much.”9 Peter then told her, “Why have you agreed together to test the Spirit of the Lord? Look! The feet of those who have buried your husband are at the door, and they will carry you out!”10 At oncet she collapsed at his feet and died. So when the young men came in, they found her dead, and they carried her out and buried her beside her husband.

11 Greatt fear grippedt the whole churchs and all who heard about these things.

The Apostles Perform Miraculous Signs and Wonders

12 Now many miraculous signst and wonders came about among the people through the hands of the apostles. Byt common consentt they were all meeting together in Solomon’s Portico.ts13 None of the rest dared to join them,t but the people held them in high honor.t14 More and more believers in the Lord were added to their number,t crowds of both men and women.15 Thust they even carried the sick out into the streets, and put them on cots and pallets, so that when Peter came by at least his shadow would fall on some of them.

16 A crowd of people from the towns around Jerusalems also came together, bringing the sick and those troubled by unclean spirits.s Theyt were alls being healed.

Further Trouble for the Apostles

17 Now the high priest rose up, and all those with him (that is, the religious party of the Sadduceess),s and they were filled with jealousy.s18 Theyt laid hands ont the apostles and put them in a public jail.19 But during the night an angel of the Lordt openedt the doors of the prison,t led them out,ts and said,20 “Go and stand in the temple courtst and proclaimt to the people all the words of this life.”

21 When they heard this, they entered the temple courtst at daybreak and began teaching.t
Now when the high priest and those who were with him arrived, they summoned the Sanhedrint – that is, the whole high councilt of the Israelitest – and sent to the jail to have the apostlest brought before them.t
22 But the officerst who came for themt did not find them in the prison, so they returned and reported,t23 “We found the jail locked securely and the guards standing at the doors, but when we opened them,t we found no one inside.”24 Now when the commandert of the temple guardt and the chief priests heard this report,t they were greatly puzzled concerning it,t wondering what this couldt be.25 But someone came and reported to them, “Look! The men you put in prison are standing in the temple courtst and teachings the people!”

26 Then the commandert of the temple guardt went with the officerst and brought the apostlest without the use of forcet (for they were afraid of being stoned by the people).t
27 When they had brought them, they stood them before the council,t and the high priest questionedt them,28 saying, “We gaves you strict orderst not to teach in this name.s Look,t you have filled Jerusalems with your teaching, and you intend to bring this man’s bloods on us!”29 But Peter and the apostles replied,t “We must obeys God rather than people.t30 The God of our forefatherst raised up Jesus, whom you seized and killed by hanging him on a tree.t31 God exalted himt to his right hand as Leadert and Savior, to give repentance to Israel and forgiveness of sins.t

32 And we are witnesses of these events,t and so is the Holy Spirit whom God has given to those who obeys him.”
33 Now when they heard this, they became furiouss and wanted to execute them.s34 But a Pharisees whose name was Gamaliel,s a teacher of the law who was respected by all the people, stood upt in the councilt and ordered the men to be put outside for a short time.35 Then he said to the council,t “Men of Israel,t pay close attention tot what you are about to do to these men.36 For some time agot Theudas rose up, claiming to be somebody, and about four hundred men joined him. Het was killed, and all who followed him were dispersed and nothing came of it.t37 After him Judas the Galilean arose in the days of the census,t and incited people to follow him in revolt.t He too was killed, and all who followed him were scattered.38 So in this case I say to you, stay away from these men and leave them alone, because if this plan or this undertaking originates with people,t it will come to nothing,t39 but ift it is from God, you will not be able to stop them, or you may even be foundt fighting against God.” He convinced them,t40 and they summoned the apostles and had them beaten.s Thent they ordered them not to speak in the name of Jesus and released them.41 So they left the council rejoicing because they had been considered worthys to suffer dishonor for the sake of the name.s

42 And every day both in the temple courtst and from house to house, they did not stop teaching and proclaiming the good newst that Jesus was the Christ.ts