previous next

MABASA AVAPOSTORI 6

Kusarudzwa kwaVanomwe

1 Mumazuva iwayo vadzidzi zvavakanga vachiwedzerwa pauwandu, vaJudha vaitaura chiGiriki vaiva pakati pavo vakagunun’una pamusoro pavaJudha vaitaura chiHebheru nokuti chirikadzi dzavo dzaidarikwa pakugoverwa kwezvokudya zvemisi yose.2 Saka vane gumi navaviri vakaunganidza vadzidzi vose pamwe chete vakati, “Hazvingavi zvakanaka kwatiri kuti tirege ushumiri hweshoko raMwari kuti tishande pamatafura.3 Hama, sarudzai varume vanomwe pakati penyu vanozivikanwa kuti vakazadzwa noMweya nouchenjeri. Isu tichaisa basa iri kwavari,4 uye ticharamba tiri pakunyengetera napaushumiri hweshoko.”
5 Shoko iri rakafadza boka rose. Vakasarudza Sitefani, murume akanga azere nokutenda uye noMweya Mutsvene; uyezve Firipi, Pirokoro, Nikano, Timoni, Paminasi, naNikorasi aibva kuAndioki, akanga akatendeukira kuchitendero chechiJudha.6 Vakaisa varume ava kuvapostori, ivo vakavanyengeterera vakaisa maoko pamusoro pavo.

7 Saka shoko raMwari rakapararira. Vadzidzi vakawanda kwazvo paJerusarema, uye boka guru ravaprista rakagamuchira kutenda.

Kubatwa kwaSitefani
8 Zvino Sitefani, murume akanga azere nenyasha dzaMwari nesimba, akaita zvishamiso zvikuru nezviratidzo pakati pavanhu.9 Kusapindirana kwakamuka, kuchibva kunhengo dzeSinagoge roVokusununguka (ndiro raiva zita ravo), vaJudha vokuSairini nokuArekizandiria pamwe chete namatunhu eKirikia neEzhia. Varume ava vakatanga kukakavadzana naSitefani,10 asi havana kugona kukunda uchenjeri hwake kana Mweya waaitaura nawo.
11 Ipapo vakakurudzira vamwe varume muchivande kuti vati, “Tanzwa Sitefani achitaura mashoko okumhura Mozisi naMwari.”
12 Nokudaro vakamutsa mwoyo yavanhu navakuru uye navadzidzisi vomurayiro. Vakabata Sitefani vakamuuyisa pamberi peDare Guru.13 Vakabudisa zvapupu zvenhema, zvikati, “Munhu uyu haamboregi kutaura zvakaipa pamusoro penzvimbo tsvene ino uye napamusoro pomurayiro.14 Nokuti takamunzwa achiti Jesu uyu weNazareta achaparadza nzvimbo ino uye agoshandura tsika dzatakapiwa naMozisi.”

15 Vose vakanga vagere muDare Guru vakatarisisa Sitefani uye vakaona kuti chiso chake chakanga chaita sechiso chomutumwa.

Acts 6

The Appointment of the First Seven Deacons

1 Now in thoset days, when the disciples were growing in number,t a complaint arose on the part of the Greek-speaking Jewsts against the native Hebraic Jews,t because their widowss were being overlookedt in the daily distribution of food.ts2 So the twelves calledt the whole groupt of the disciples together and said, “It is not right for us to neglect the word of God to wait on tables.t3 But carefully select from among you, brothers,t sevens men who are well-attested,t full of the Spirit and of wisdom, whom we may put in charget of this necessary task.t4 But we will devote ourselves to prayer and to the ministry of the word.”5 Thet proposal pleased the entire group, sot they chose Stephen, a man full of faith and of the Holy Spirit, witht Philip,s Prochorus, Nicanor, Timon, Parmenas, and Nicolas, a Gentile convert to Judaismt from Antioch.s6 They stood these men before the apostles, who prayedts and placedt their hands on them.

7 The word of God continued to spread,t the number of disciples in Jerusalems increased greatly, and a large groupts of priests became obedient to the faith.

Stephen is Arrested

8 Now Stephen, full of grace and power, was performing great wonders and miraculous signst among the people.9 But some men from the Synagogues of the Freedmen (as it was called),t both Cyrenians and Alexandrians, as well as some from Cilicia and the province of Asia,t stood up and argued with Stephen.10 Yett they were not able to resists the wisdom and the Spirit with which he spoke.11 Then they secretly instigatedt some men to say, “We have heard this mant speaking blasphemous words against Moses and God.”12 They incited the people, thet elders, and the experts in the law;t then they approached Stephen,t seized him, and brought him before the council.t13 They brought forward false witnesses who said, “This man does not stop saying things against this holy places and the law.s14 For we have heard him saying that Jesus the Nazarene will destroy this place and change the customsts that Moses handed down to us.”

15 Allt who were sitting in the councilt looked intently at Stephent and saw his face was like the face of an angel.s