previous next

MABASA AVAPOSTORI 9

Kutendeuka kwaSauro

1 Zvichakadaro Sauro akanga ari mubishi rokutaura zvokuuraya vadzidzi vaShe. Akaenda kumuprista mukuru2 akandomukumbira matsamba kutiagoenda nawo kumasinagoge okuDhamasiko, kuti kana akawana ani zvake ari weNzira iyo, vangava varume kana vakadzi, iye aizovabata savasungwa agoenda navo kuJerusarema.3 Akati oswedera kuDhamasiko ari parwendo rwake, pakarepo chiedza chakabva kudenga chikamupenyera kumativi ose.4 Akawira pasi akanzwa inzwi richiti kwaari, “Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?”
5 Sauro akabvunza akati, “Ndimi aniko, Ishe?”
Iye akapindura akati, “Ndini Jesu wauri kutambudza.
6 Zvino simuka uende muguta, uchandoudzwa zvaunofanira kuita.”
7 Varume vaifamba naSauro vakamira vakashaya chokutaura; vakanzwa inzwi asi havana kuona kana munhu.8 Sauro akasimuka, asi akati achisvinudza meso ake haana kugona kuona chinhu. Saka vakamubata ruoko vakamutungamirira kupinda muDhamasiko.9 Akava bofu kwamazuva matatu, uye akanga asingadyi kana kunwa kana chinhu.
10 MuDhamasiko makanga muno mudzidzi ainzi Ananiasi. Ishe akati kwaari muchiratidzo, “Ananiasi!”
Iye akapindura akati, “Ndiri pano Ishe.”
11 Ishe akati kwaari, “Enda kumba kwaJudhasi panzira inonzi Nzira Yakarurama undobvunza murume anonzi Sauro anobva kuTasasi, nokuti ari kunyengetera.12 Akaona muchiratidzo murume anonzi Ananiasi achiuya kwaari akaisa maoko ake pamusoro pake kuti aonezve.”
13 Ananiasi akapindura akati, “Ishe, ndakanzwa mashoko akawanda pamusoro pomurume uyu, uye zvakaipa zvose zvaakaitira vatsvene venyu muJerusarema.14 Uye akauya kuno nemvumo yakabva kuvaprista vakuru yokuti asunge vose vanodana kuzita renyu.”
15 Asi Ishe akati kuna Ananiasi, “Enda! Murume uyu mudziyo wangu wandakasanangura kuti aende nezita rangu pamberi pavahedheni napamberi pamadzimambo avo uye napamberi paIsraeri.16 Ndichamuratidza kuti anofanira kutambudzika sei nokuda kwezita rangu.”
17 Ipapo Ananiasi akaenda kuimba iyi akasvikopindamo. Akaisa maoko ake pamusoro paSauro akati, “Muzvarwa Sauro, Ishe Jesu, uyo akazviratidza kwauri pamugwagwa pawakanga uchiuya kuno, andituma kuti iwe uonezve uye uzadzwe noMweya Mutsvene.”18 Pakarepo, chinhu chakaita samakwati chakabva pameso aSauro, akagona kuonazve. Akasimuka akabhabhatidzwa,

19 uye shure kwokunge adya zvokudya, akavazve nesimba.

Sauro muDhamasiko neJerusarema
Sauro akagara navadzidzi paDhamasiko kwamazuva mazhinji.
20 Pakarepo akatanga kuparidza musinagoge kuti Jesu ndiye Mwanakomana wa-Mwari.
21 Vose vakamunzwa vakakatyamara vakati, “Ko, haazi iye here akamutsa bongozozo muJerusarema pakati paavo vanodana kuzita iri? Uye haana kuuya kuno kuzovabata savasungwa kuti avaendese kuvaprista vakuru here?”22 Asi Sauro akanyanya kuva nesimba akakunda vaJudha vaigara muDhamasiko achivaratidza kuti Jesu ndiye Kristu.
23 Mazuva mazhinji akati apera, vaJudha vakarangana kumuuraya,24 asi Sauro akanzwa nezverangano yavo. Vakarinda masuo eguta masikati nousiku vachiitira kuti vagomuuraya.25 Asi vateveri vake vakamutora usiku vakamuburutsa ari mudengu napakanga pakashama murusvingo.
26 Akati asvika kuJerusarema akaedza kuti abatane navadzidzi, asi vose vakanga vachimutya, vasingatendi kuti akanga ava mudzidzi wechokwadi.27 Asi Bhanabhasi akamutora akamuuyisa kuvapostori. Akavaudza kuti Sauro akanga aona Ishe sei ari parwendo rwake uye kuti muDhamasiko Ishe akanga ataura kwaari, uyewo kuti akaparidza sei muzita raJesu asingatyi.28 Saka Sauro akagara navo muJerusarema akasununguka, achitaura muzita raIshe uye akafamba asingatyi.29 Akataura uye akapikisana navaJudha vaitaura chiGiriki, asi vakaedza kumuuraya.30 Zvino hama dzakati dzazvinzwa izvi, dzakamutora dzikaburuka naye kuKesaria ndokumuendesa kuTasasi.

31 Ipapo kereke yakava norugare muJudhea mose, nomuGarirea neSamaria. Kereke yakasimbiswa; uye ikakurudzirwa naMweya Mutsvene, ikakura pauwandu, ichirarama mukutya Ishe.

Eniasi naDhokasi
32 Petro paakanga achifamba achipota nenyika, akashanyira vatsvene muRidha.33 Ikoko, akawana mumwe murume ainzi Eniasi akanga akaoma mutezo uye akanga achigara avete panhoo kwamakore masere.34 Petro akati kwaari, “Eniasi, Jesu Kristu anokuporesa. Simuka uzviwaririre nhoo dzako.” Pakarepo Eniasi akasimuka.35 Vose vaigara muRidha nomuSharoni vakamuona vakatendeukira kuna She.
36 MuJopa maiva nomudzidzi ainzi Tabhita (kana zvichishandurwa, Dhokasi), aiita zvakanaka nguva dzose uye achibatsira varombo.37 Nenguva inenge saiyoyo akatanga kurwara ndokubva afa, mutumbi wake ukashambidzwa uye ukaiswa muimba yapamusoro.38 Ridha yakanga iri pedyo neJopa; saka vadzidzi vakati vanzwa kuti Petro akanga ari muRidha, vakatuma varume vaviri kwaari kuti vandomukumbira vachiti, “Tapota, uyai nokukurumidza!”
39 Petro akaenda navo, uye akati asvika, vakamutora vakaenda naye muimba yapamusoro. Chirikadzi dzose dzakamira dzakamupoteredza, dzichichema dzichimuratidza majasi nedzimwe nguo dzakanga dzaitwa naDhokasi panguva yaakanga achinavo.
40 Petro akavabudisa vose mumba; ipapo akapfugama namabvi ake akanyengetera. Akatendeukira kumukadzi akanga afa akati, “Tabhita, muka.” Iye akasvinura meso ake, uye akati aona Petro, akamuka akagara.41 Akamubata noruoko akamubatsira kuti amire netsoka dzake. Ipapo akadana vatendi nechirikadzi ndokubva amupa kwavari ari mupenyu.42 Izvi zvakazivikanwa muJopa yose, uye vanhu vazhinji vakatenda kuna She.

43 Petro akambogara muJopa kwechinguva nomusuki wamatehwe ainzi Simoni.

Acts 9

The Conversion of Saul

1 Meanwhile Saul, still breathing out threatst to murdert the Lord’s disciples, went to the high priest2 and requested letters from him to the synagoguess in Damascus, so that if he found any who belonged to the Way,s either men or women, he could bring them as prisonerst to Jerusalem.ss3 As he was going along, approachingt Damascus, suddenly a light from heaven flashedt around him.4 Het fell to the ground and heard a voice saying to him, “Saul, Saul,t why are you persecuting me?”s5 So he said, “Who are you, Lord?” He replied, “I am Jesus whom you are persecuting!6 But stand upt and enter the city and you will be toldt what you must do.”7 (Now the ment who were traveling with him stood there speechless,t because they heard the voice but saw no one.)s8 So Saul got up from the ground, but although his eyes were open,t he could see nothing.s Leading him by the hand, his companionst brought him into Damascus.

9 Fort three days he could not see, and he neither ate nor drank anything.t
10 Now there was a disciple in Damascus named Ananias. Thet Lords said to him in a vision, “Ananias,” and he replied, “Here I am,t Lord.”11 Then the Lord told him, “Get up and go to the street called ‘Straight,’s and at Judas’ house look for a man from Tarsus named Saul. For he is praying,12 and he has seen in a visionss a man named Ananias come in and place his hands on him so that he may see again.”13 But Ananias replied,s “Lord, I have heard from many peoplet about this man, how much harm he has done to your saints in Jerusalem,14 and here he has authority from the chief priests to imprisont all who call on your name!”s15 But the Lord said to him, “Go, because this man is my chosen instrumentt to carry my name before Gentiles and kings and the people of Israel.t16 For I will show him how much he must suffer for the sake of my name.”t17 So Ananias departed and entered the house, placedt his hands on Sault and said, “Brother Saul, the Lord Jesus, who appeared to you on the road as you came here,t has sent me so that you may see again and be filled with the Holy Spirit.”s18 Immediatelyt something like scalest fell from his eyes, and he could see again. Het got up and was baptized,

19 and after taking some food, his strength returned.
For several dayst he was with the disciples in Damascus,
20 and immediately he began to proclaim Jesus in the synagogues,s saying, “This man is the Son of God.”ts21 Allt who heard him were amazed and were saying, “Is this nott the man who in Jerusalem was ravagingt those who call on this name, and who had come here to bring them as prisonerst to the chief priests?”

22 But Saul became more and more capable,t and was causing consternationt among the Jews who lived in Damascus by provingt that Jesust is the Christ.ts

Saul’s Escape from Damascus

23 Now after some days had passed, the Jews plotteds together to kill him,24 but Saul learned of their plot against him.t They were also watchingt the city gatest day and night so that they could kill him.

25 But his disciples took him at night and let him down through an openingt in the wall by lowering him in a basket.t

Saul Returns to Jerusalem

26 When he arrived in Jerusalem,s he attempted to associatet with the disciples, and they were all afraid of him, because they did not believet that he was a disciple.27 But Barnabas tookt Saul,t broughtt him to the apostles, and related to them how he had seen the Lord on the road, thatt the Lord had spoken to him, and how in Damascus he had spoken out boldlyt in the name of Jesus.28 So he was staying with them, associating openly with themt in Jerusalem, speaking out boldly in the name of the Lord.29 He was speaking and debatingt with the Greek-speaking Jews,t but they were trying to kill him.

30 When the brothers found out about this, they brought him down to Caesareass and sent him away to Tarsus.

31 Thent the church throughout Judea, Galilee,t and Samaria experiencedt peace and thus was strengthened.t Livingt in the fear of the Lord and in the encouragement of the Holy Spirit, the churcht increased in numbers.

Peter Heals Aeneas

32 Nowt as Peter was traveling around from place to place,t he also came down to the saints who lived in Lydda.s33 He found there a man named Aeneas who had been confined to a mattress for eight years becauset he was paralyzed.34 Petert said to him, “Aeneas, Jesus the Christst heals you. Get up and make your own bed!”t And immediately he got up.

35 Allt those who lived in Lyddas and Sharons saw him, and theyt turneds to the Lord.

Peter Raises Dorcas

36 Now in Joppas there was a disciple named Tabitha (which in translation meanst Dorcas).s She was continually doing good deeds and acts of charity.t37 At that timet she became sickt and died. When they had washedt her body,t they placed it in an upstairs room.38 Because Lyddas was near Joppa, when the disciples heard that Peter was there, they sent two men to him and urged him, “Come to us without delay.”t39 So Peter got up and went with them, andt when he arrivedt they brought him to the upper room. Allt the widows stood beside him, crying and showing himt the tunicst and other clothingt Dorcas used to maket while she was with them.40 But Peter sent them all outside,t knelt down,t and prayed. Turningt to the body, he said, “Tabitha, get up.” Then she opened her eyes, and when she saw Peter, she sat up.s41 He gavet her his hand and helped her get up. Then he calledt the saints and widows and presented her alive.42 This became known throughout allt Joppa, and many believed in the Lord.s

43 Sot Petert stayed many days in Joppa with a man namedt Simon, a tanner.t