previous next

VAKOROSE 1

1 Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti hama yedu,

2 Kuhama tsvene uye dzakatendeka dziri muna Kristu paKorose:

Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba ngazvive nemi.

Kuvonga noKunyengetera
3 Tinogara tichivonga Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, patinokunyengetererai,4 nokuti takanzwa nezvokutenda kwenyu muna Kristu Jesu uye nezvorudo rwamunarwo kuvatsvene vose,5 kutenda norudo zvinobva patariro yamakachengeterewa kudenga uye iyo yamakatonzwa nezvayo mushoko rezvokwadi, iro vhangeri6 rakasvika kwamuri. Munyika yose vhangeri iri riri kubereka zvibereko uye richikura sezvarakanga richiita pakati penyu kubvira pazuva ramakarinzwa uye mukanzwisisa nyasha dzaMwari muzvokwadi yose.7 Makazvidzidza kubva kuna Epafrodhito, muranda pamwe chete nesu anodikanwa, mushumuri akatendeka waKristu nokuda kwedu,8 uye akatiudzawo nezvorudo rwenyu muMweya.
9 Nokuda kwaizvozvi, kubvira pazuva ratakanzwa nezvenyu, hatina kurega kukunyengetererai uye tichikumbira Mwari kuti akuzadzei nokuziva kuda kwake kubudikidza nouchenjeri hwose hwomweya uye nokunzwisisa.10 Uye tinonyengeterera izvi kuitira kuti mugare upenyu hwakafanira uye kuti mumufadze iye mune zvose: muchibereka zvibereko mumabasa ose akanaka, muchikura mukuziva Mwari,11 muchisimbiswa nesimba rose maererano nokubwinya kwesimba rake kuti muve nokutsunga kukuru uye nomwoyo murefu, muchifara kwazvo12 muchivonga ivo Baba, vakaita kuti mukodzere kugovana nhaka yavatsvene muumambo hwechiedza.13 Nokuti akatinunura kubva pasimba rerima uye akatiuyisa kuumambo hwoMwanakomana waanoda,

14 watine dzikinuro maari, iko kuregererwa kwezvivi.

Ukuru hwaKristu
15 Ndiye mufananidzo waMwari asingaonekwi, dangwe rezvisikwa zvose.16 Nokuti zvinhu zvose zvakasikwa naye: zviri kudenga nezviri panyika, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, zvigaro zvoushe kana masimba kana vatongi kana vane simba; zvinhu zvose zvakasikwa naye uye zvakasikirwa iye.17 Iye anotangira zvose, uye zvinhu zvose zvinobatana maari.18 Ndiye musoro womuviri, iyo kereke; ndiye wokutanga uye ndiye dangwe ravakamuka kuvakafa, kuitira kuti pazvinhu zvose iye ave mukuru.19 Nokuti Mwari akafadzwa nazvo kuti uzere hwake hwose hugare maari,20 uye kubudikidza naye ayananise kwaari zvinhu zvose, zvingava zvinhu zviri panyika kana zvinhu zviri kudenga, nokuita rugare kubudikidza neropa rake, rakateerwa pamuchinjikwa.
21 Kare makanga muri vatorwa kuna Mwari uye maiva vavengi mupfungwa dzenyu nokuda kwetsika dzenyu dzakaipa.22 Asi zvino akakuyananisai nomuviri waKristu kubudikidza norufu kuti akuisei pamberi pake muri vatsvene, vasina chavanopomerwa uye makasunungurwa kubva pakupomerwa

23 kana muchirambira mukutenda kwenyu, makasimbiswa uye makasimba, musingazungunuswi kubva patariro iri muvhangeri. Ndiro vhangeri ramakanzwa uye rakaparidzirwa kuzvisikwa zvose pasi pedenga, uye iro ini, Pauro, ndakaitwa muranda nokuda kwaro.

Kushandira Kereke kwaPauro
24 Zvino ndinofara mune zvamakatamburirwa imi, uye ndinozadzisa munyama yangu izvo zvichiri kushayikwa maererano nokutambudzika kwaKristu, nokuda kwomuviri wake, iyo kereke.25 Ini ndava muranda wayo nokutumwa kwandakaitwa naMwari kuti ndiise kwamuri shoko raMwari nokuzara kwaro,26 chakavanzika chakanga chakavigwa kubvira kare uye kumarudzi namarudzi, asi zvino zvakazarurirwa vatsvene.27 Kuna ivo, Mwari akasarudza kuti azivise pakati pavahedheni, pfuma inobwinya yechakavanzika ichi, iye Kristu mamuri, tariro yokubwinya.
28 Tinomuparidza, tichirayira uye tichidzidzisa munhu wose nouchenjeri hwose, kuitira kuti tiise munhu wose akakwana muna Kristu.

29 Nokuda kwaizvozvi, ndinoshanda nesimba, ndichirwisa nesimba rake rose, rinoshanda zvikuru mandiri.

Colossians 1

Salutation

1 From Paul,t an apostle of Christ Jesus by the will of God, and Timothy our brother,

2 to the saints, the faithfult brothers and sisterst in Christ, at Colossae. Grace and peace to yout from God our Father!s

Paul’s Thanksgiving and Prayer for the Church

3 We alwayst give thanks to God, the Father of our Lord Jesus Christ, when we pray for you,4 sincet we heard about your faith in Christ Jesus and the love that you have for all the saints.5 Your faith and love have arisent from the hope laid upt for you in heaven, which you have heard about in the message of truth, the gospelt6 that has come to you. Just as in the entire world this gospelt is bearing fruit and growing, so it has also been bearing fruit and growingt among you from the first day you heard it and understood the grace of God in truth.7 You learned the gospelt from Epaphras, our dear fellow slavet – at faithful minister of Christ on ours behalf –

8 who also told us of your love in the Spirit.

Paul’s Prayer for the Growth of the Church

9 For this reason we also, from the day we heard about you,t have not ceased praying for you and asking Godt to fillt you with the knowledge of his will in all spiritual wisdom and understanding,10 so that you may livet worthily of the Lord and please him in all respectst – bearing fruit in every good deed, growing in the knowledge of God,11 being strengthened with all power according to his glorious might for the display oft all patience and steadfastness, joyfully12 giving thanks to the Father who has qualified you to sharet in the saints’t inheritance in the light.13 He delivered us from the power of darkness and transferred us to the kingdom of the Son he loves,t

14 in whom we have redemption,s the forgiveness of sins.

The Supremacy of Christ

15 s He is the image of the invisible God, the firstbornt over all creation,t

16 for all things in heaven and on earth were created by him – all things, whether visible or invisible, whether thrones or dominions,t whether principalities or powers – all things were created through him and for him.

17 He himself is before all things and all things are held togethert in him.

18 He is the head of the body, the church, as well as the beginning, the firstbornt from among the dead, so that he himself may become first in all things.t

19 For Godt was pleased to have all hist fullness dwellt in the Sont

20 and through him to reconcile all things to himself by making peace through the blood of his cross – through him,s whether things on earth or things in heaven.

Paul’s Goal in Ministry

21 And you were at one time strangers and enemies in yourt mindst as expressed throught your evil deeds,22 but now he has reconciled youst by his physical body through death to present you holy, without blemish, and blameless before him –

23 if indeed you remain in the faith, established and firm,t without shiftingt from the hope of the gospel that you heard. This gospel has also been preached in all creation under heaven, and I, Paul, have become its servant.
24 Now I rejoice in my sufferings for you, and I fill up in my physical body – for the sake of his body, the church – what is lacking in the sufferings of Christ.25 I became a servant of the church according to the stewardshipt from God – given to me for you – in order to completet the word of God,26 that is, the mystery that has been kept hidden from ages and generations, but has now been revealed to his saints.27 God wanted to make known to them the glorioust riches of this mystery among the Gentiles, which is Christ in you, the hope of glory.28 We proclaim him by instructingt and teachingt all peoplet with all wisdom so that we may present every person maturet in Christ.

29 Toward this goalt I also labor, struggling according to his power that powerfullyt works in me.