previous next

VAEFESO 2

Takaitwa vapenyu muna Kristu

1 Kana muri imi, makanga makafa mukudarika kwenyu nomuzvivi,2 izvo zvamaigara mazviri pamaitevera nzira dzenyika ino uye nedzomutongi woushe hwomuchadenga, iwo mweya unoshanda zvino muna avo vasingateereri.3 Isu tose taigara pakati pavo pane imwe nguva, tichikudza kuchiva kwenyama yedu yezvivi uye tichitevera zvido zvedu nezvataifunga. Sezvakangoita vamwe vose, pakuzvarwa kwedu takanga tiri vana vokutsamwirwa.4 Asi nokuda kworudo rwake rukuru kwatiri, Mwari, iye akapfuma pangoni,5 akatiita vapenyu muna Kristu kunyange zvedu takanga takafa mukudarika kwedu, makaponeswa nenyasha.6 Uye Mwari akatimutsa pamwe chete naKristu akatigarisa muchadenga muna Kristu Jesu,7 kuitira kuti munguva dzinouya aratidze pfuma yake huru yenyasha dzake, zvichiratidzwa muunyoro hwake kwatiri muna Kristu Jesu.8 Nokuti makaponeswa nenyasha, kubudikidza nokutenda, uye izvi hazvibvi kwamuri, chipo chaMwari,9 kwete namabasa, kuti parege kuva nomunhu anozvikudza.

10 Nokuti tiri basa raMwari, rakasikwa muna Kristu Jesu kuti tiite mabasa akanaka, akagadzirwa naMwari kare kuti tiaite.

Tiri vamwe chete muna Kristu
11 Naizvozvo, rangarirai kuti kare imi vaHedheni pakuzvarwa uye muchinzi “vasina kudzingiswa” naavo vaizviti “vakadzingiswa” (uko kunoitwa pamuviri namaoko avanhu),12 rangarirai kuti panguva iyoyo makanga makaparadzaniswa naKristu, musingaverengwi muzvizvarwa zveIsraeri uye muri vatorwa musungano dzechipikirwa, musina tariro uye musina Mwari munyika.13 Asi zvino muna Kristu Jesu, imi makanga muri kure kare, makaswededzwa pedyo kubudikidza neropa raKristu.
14 Nokuti iye pachake ndiye rugare rwedu, akaita kuti vaviri vave chinhu chimwe uye akaparadza mukaha, irwo rusvingo rwaiparadzanisa rwokuvengana,15 nokuparadza munyama yake murayiro nezvakarayirwa zvawo uye zvakatemwa. Vavariro yake yakanga iri yokusika maari munhu mumwe chete mutsva kubva pavaviri, naizvozvo aite rugare,16 uye mumuviri mumwe chete ayananise vose vari vaviri kuna Mwari kubudikidza nomuchinjikwa, akauraya kuvengana kwavo nawo.17 Akauya akaparidza rugare kwamuri imi makanga muri kure uye rugare kuna avo vakanga vari pedyo.18 Nokuti kubudikidza naye isu tose tinopinda kuna Baba noMweya mumwe chete.
19 Saka, hamuchisiri vatorwa navaeni, asi vagari pamwe chete navanhu vaMwari uye neveimba yaMwari,20 makavakwa panheyo dzavapostori navaprofita, naKristu Jesu pachake ari dombo rapakona.21 Maari imba yose yakabatanidzwa pamwe chete uye inokura kuti ive temberi tsvene muna She.

22 Uye maari nemiwo makavakwa pamwe chete kuti muve ugaro hwaMwari muMweya.

Ephesians 2

New Life Individually

1 And although you weret deads in your transgressions and sins,2 in whichs you formerly livedts according to this world’s present path,ts according to the ruler of the kingdomt of the air, the ruler oft the spirits that is now energizingt the sons of disobedience,s

3 among whoms all of ust alsot formerly lived out our lives in the cravings of our flesh, indulging the desires of the flesh and the mind, and were by nature children of wraths even as the rest…s
4 But God, being rich in mercy, because of his great love with which he loved us,5 even though we were dead in transgressions, made us alive together with Christ – by grace you are saved!t6 and he raised us up with him and seated us with him in the heavenly realms in Christ Jesus,7 to demonstrate in the coming agest the surpassing wealth of his grace in kindness towardt us in Christ Jesus.8 For by grace you are savedt through faith,s and this is not from yourselves, it is the gift of God;9 it is not fromt works, so that no one can boast.t

10 For we are his workmanship, having been created in Christ Jesus for good works that God prepared beforehand so we may do them.ts

New Life Corporately

11 Therefore remember that formerly you, the Gentiles in the flesh – who are called “uncircumcision” by the so-called “circumcision” that is performed on the bodyt by human hands –12 that you were at that time without the Messiah,t alienated from the citizenship of Israel and strangers to the covenants of promise,t having no hope and without God in the world.13 But now in Christ Jesus you who used to be far away have been brought near by the blood of Christ.ts14 For he is our peace, the one who made both groups into onet and who destroyed the middle wall of partition, the hostility,15 when he nullifiedt in his flesh the law of commandments in decrees. He did this to create in himself one new mant out of two,t thus making peace,16 and to reconcile them both in one body to God through the cross, by which the hostility has been killed.t17 And he came and preached peace to you who were far off and peace to those who were near,18 so thatt through him we both have access in one Spirit to the Father.19 So then you are no longer foreigners and noncitizens, but you are fellow citizens with the saints and members of God’s household,20 because you have been builtt on the foundation of the apostles and prophets,s with Christ Jesus himself ast the cornerstone.t21 In himt the whole building,st being joined together, grows into a holy temple in the Lord,

22 in whom you also are being built together into a dwelling place of God in the Spirit.