VAEFESO 3
Pauro Muparidzi kuvaHedheni
1 Nokuda kwaizvozvi, ini Pauro, musungwa waKristu Jesu nokuda kwenyu imi vaHedheni:
2 Zvirokwazvo makanzwa zvokugoverwa kwenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri nokuda kwenyu,3 kuti chakavanzika chakaziviswa kwandiri nokuzarurirwa, sezvandakatonyora zvishoma.4 Mukuverenga izvi, ipapo muchagona kunzwisisa kuziva kwangu muchakavanzika chaKristu,5 chisina kuziviswa kuvanhu kana mamwe marudzi sezvachakaratidzwa zvino noMweya kuvapostori navaprofita vatsvene vaMwari.6 Chakavanzika ichi ndechokuti, kubudikidza nevhangeri, vaHedheni vadyi venhaka pamwe chete navaIsraeri uye inhengo pamwe chete dzomuviri mumwe chete, vagovani pamwe chete muchivimbiso chiri muna Kristu Jesu.
7 Ndakava muranda wevhangeri iri nechipo chenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri kubudikidza nokushanda kwesimba rake.8 Kunyange ndiri muduku pavanhu vose vaMwari, idzi nyasha dzakapiwa kwandiri: kuti ndiparidze vhangeri kuvaHedheni pfuma yaKristu isingawanikwi;9 uye kuti ndiratidze pachena kuvanhu vose kugoverwa kwechakavanzika ichi, icho panguva yakare chakanga chakavigwa muna Mwari, iye akasika zvinhu zvose.10 Zvaaida zvino ndezvokuti, kubudikidza nekereke, uchenjeri hwaMwari hukuru huziviswe kuvatongi navane simba vari muchadenga,11 maererano nevavariro yake isingaperi yaakakwanisa muna Kristu Jesu Ishe wedu.12 Maari uye kubudikidza nokutenda kwaari tigone kusvika kuna Mwari takasununguka uye tisingatyi.13 Naizvozvo, ndinokukumbirai, kuti murege kuora mwoyo nokuda kwamatambudziko angu nokuda kwenyu, ndiko kukudzwa kwenyu.
Kunyengeterera vaEfeso
14 Nokuda kwaizvozvi, ndinopfugama namabvi pamberi paBaba,15 avo kubva kwavari mhuri yavo yose iri mudenga uye napanyika inowana zita rayo.16 Ndinonyengetera kuti kubva papfuma yokubwinya kwavo vakusimbisei nesimba noMweya wavo mumunhu womukati,17 kuti Kristu agare mumwoyo yenyu nokutenda. Uye ndinonyengetera kuti imi, muve nemidzi uye musimbiswe murudo,18 muve nesimba, pamwe chete navatsvene vose, kuti mubate kuti kupamhamha, nokureba uye kukwirira, nokudzika kworudo rwaKristu kwakadii,19 uye muzive rudo urwu runopfuura ruzivo, kuti muzadzwe kusvikira pachiyero chokuzara kwose kwaMwari.
20 Zvino iye anogona kuita zvikuru zvisingagoni kuyerwa kupfuura zvose zvatingakumbira kana kufunga, maererano nesimba rake riri kushanda mukati medu,
21 ngaave nokubwinya mukereke uye muna Kristu Jesu kumarudzi namarudzi, nokusingaperi-peri! Ameni.
Ephesians 3
Paul's Relationship to the Divine Mystery
1 For this reason I, Paul, the prisoner of Christ Jesuss for the sake of you Gentiles –2 if indeeds you have heard of the stewardshipt of God’s grace that was given to me for you,3 thatt by revelation the divine secrett was made known to me, as I wrote before briefly.ts4 When reading this,t you will be able tot understand my insight into this secrett of Christ.5 Now this secrett was not disclosed to peoplet in formert generations as it has now been revealed to his holy apostles and prophets byt the Spirit,6 namely, that through the gospels the Gentiles are fellow heirs, fellow memberst of the body, and fellow partakers of the promise in Christ Jesus.7 I became a servant of this gospelt according to the gift of God’s grace that was given to me byt the exercise of his power.s8 To me – less than the least of all the saintss – this grace was given,s to proclaim to the Gentiles the unfathomable riches of Christ9 and to enlightent everyone about God’s secret plant – a secret that has been hidden for agest in Godt who has created all things.10 The purpose of this enlightenment is thatt through the church the multifaceted wisdomt of God should now be disclosed to the rulers and the authorities in the heavenly realms.11 This was according tot the eternal purpose that he accomplished in Christ Jesus our Lord,12 in whom we have boldness and confident accesst to Godt because oft Christ’st faithfulness.ts
13 For this reason I ask yout not to lose heart because of what I am suffering for you,t whichs is your glory.t
Prayer for Strengthened Love
14 For this reasons I kneelt before the Father,s15 fromt whom every familyt in heaven and on the earth is named.16 I pray thatt according to the wealth of his glory he may grant you to be strengthened with power through his Spirit in the inner person,17 that Christ may dwell in your hearts through faith, so that, because you have been rooted and grounded in love,18 you may be able to comprehend with all the saints what is the breadth and length and height and depth,s
19 and thus to know the love of Christ that surpasses knowledge, so that you may be filled up tot all the fullness of God.
20 Now to him who by the power that is working within uss is able to do far beyondt all that we ask or think,
21 to him be the glory in the church and in Christ Jesus to all generations, forever and ever. Amen.