VAGARATIA 6
Kuita zvakanaka kuna vose
1 Hama dzangu, kana mumwe akabatwa ari muchivi, imi vari mumweya munofanira kumudzora nounyoro. Asi muzvingwarire pachenyu, kuti murege kuedzwa.2 Takuriranai mitoro yenyu, uye nokudaro muchazadzisa murayiro waKristu.3 Kana munhu achifunga kuti iye chinhu iye asiri chinhu, anozvinyengera.4 Mumwe nomumwe anofanira kuedza mabasa ake. Ipapo angazvikudza hake, asingazvienzanise nomumwe munhuwo,5 nokuti mumwe nomumwe anofanira kutakura mutoro wake.
6 Ani naani anogamuchira dzidziso mushoko anofanira kugovana nouno mudzidzisa pazvinhu zvose zvakanaka.
7 Musanyengerwa: Mwari haasekwi. Munhu anokohwa zvaanodyara.8 Anodyarira nyama yake, achakohwa kuparadzwa kunobva panyama iyoyo; uyo anodyarira mweya, achakohwa upenyu husingaperi hunobva paMweya iwoyo.9 Ngatiregei kuneta pakuita zvakanaka, nokuti nenguva yakafanira tichakohwa kana tisingaori mwoyo.
10 Naizvozvo, zvatine mukana, ngatiitei zvakanaka kuvanhu vose, zvikuru kuna avo vari mumhuri yavatendi.
Kwete Kudzingiswa, asi Chisikwa Chitsva
11 Tarirai kukura kwamavara andinoshandisa sezvo ndichikunyorerai imi noruoko rwangu!
12 Avo vanoda kuzviratidza kuti vakanaka nechokunze vanoedza kukumanikidzai kuti mudzingiswe. Vanongoita izvi kuti varege kutambudzwa nokuda kwomuchinjikwa waKristu.13 Kunyange naivo vakadzingiswa havateereri murayiro, asi vanoda kuti imi mudzingiswe, kuti vagozvikudza pamusoro penyama yenyu.14 Ini ngandirege kutongozvikudza kunze kwomumuchinjikwa waIshe wedu Jesu Kristu, uyo kubudikidza nawo nyika yakarovererwa kwandiri, uye ini kunyika.15 Kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvirevi chinhu; chinokosha ndiko kuva chisikwa chitsva.16 Rugare nengoni kuna avo vanotevera murayiro uyu, kunyange kuIsraeri yaMwari.
17 Pakupedzisira, ngakurege kuva nomunhu anonditambudza, nokuti ndakatakura mumuviri wangu mavanga aJesu.
18 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nomweya wenyu, hama dzangu. Ameni.
Galatians 6
Support One Another
1 Brothers and sisters,t if a persont is discovered in some sin,t you who are spirituals restore such a person in a spirit of gentleness.t Pay close attentiont to yourselves, so that you are not tempted too.2 Carry one another’s burdens, and in this way you will fulfill the law of Christ.3 For if anyone thinks he is something when he is nothing, he deceives himself.4 Let each one examinet his own work. Then he can take pridet in himself and not compare himself witht someone else.
5 For each one will carryt his own load.
6 Now the one who receives instruction in the word must share all good things with the one who teachest it.7 Do not be deceived. God will not be made a fool.t For a persont will reap what he sows,8 because the person who sows to his own flesht will reap corruptiont from the flesh,t but the one who sows to the Spirit will reap eternal life from the Spirit.9 So we must not grow wearyt in doing good, for in due time we will reap, if we do not give up.t
10 So then,t whenever we have an opportunity, let us do good to all people, and especially to those who belong to the family of faith.t
Final Instructions and Benediction
11 See what big letters I make as I write to you with my own hand!
12 Those who want to make a good showing in external matterst are trying to force you to be circumcised. They do sot only to avoid being persecuteds for the cross of Christ.13 For those who are circumcised do not obey the law themselves, but they want you to be circumcised so that they can boast about your flesh.t14 But may I never boast except in the cross of our Lord Jesus Christ, through whicht the world has been crucified to me, and I to the world.15 Fors neither circumcision nor uncircumcision counts fort anything; the only thing that matters is a new creation!t
16 And all who will behavet in accordance with this rule, peace and mercy be on them, and on the Israel of God.t
17 From now on let no one cause me trouble, for I bear the marks of Jesus on my body.t
18 The grace of our Lord Jesus Christ bet with your spirit, brothers and sisters.t Amen.