previous next

VAHEBHERU 1

Kristu mukuru kuVatumwa

1 Kare, Mwari akataura kumadzitateguru edu kubudikidza navaprofita panguva zhinji, uye nenzira dzakasiyana-siyana,2 asi mumazuva ano okupedzisira akataura kwatiri nomuMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, uye naiyewo waakaita naye nyika.3 Mwanakomana ndiye chadzera chokubwinya kwaMwari uye ndiye mufananidzo wake chaiwo, anochengeta zvinhu zvose neshoko rake rine simba. Mushure mokunge apedza kunatswa kwezvivi, akagara kurudyi rwamambo kudenga.

4 Saka akava mukuru kupfuura vatumwa sezvo zita raakapiwa nhaka yaro rakanyanya kunaka kupfuura ravo.

5 Nokuti ndoupi pakati pavatumwa, Mwari waakamboti kwaari:

“Ndiwe Mwanakomana wangu;
nhasi ndakubereka?”

kana kutizve,

“Ndichava Baba vake,
naiye achava Mwanakomana wangu?”

6 Uyezve, Mwari paanouyisa dangwe rake munyika, anoti:

“Vatumwa vose vaMwari ngavamunamate.”

7 Achitaura pamusoro pavatumwa anoti:

“Anoita vatumwa vake mhepo,
varanda vake mirazvo yomoto.”

8 Asi pamusoro poMwanakomana anoti:

“Chigaro chenyu choushe, imi Mwari,
chichagara nokusingaperi-peri,
uye kururama kuchava tsvimbo
youshe hwenyu.

9 Makada kururama uye mukavenga
kusarurama;
naizvozvo Mwari, Mwari wenyu,
akakuisai pamusoro peshamwari
dzenyu
nokukuzodzai namafuta okufara.”

10 Anotizve:

“Pakutanga, imi Ishe, makateya
nheyo dzenyika,
uye matenga ndiwo basa ramaoko enyu.
11 Zvichaparara, asi imi mucharamba muripo;
zvichasakara zvose senguo.

12 Muchazvipeta sejasi;
senguo zvichashandurwa.
Asi imi munoramba makadaro,
uye makore enyu haatongogumi.”

13 Ndoupi pakati pavatumwa Mwari waakamboti kwaari:

“Gara kurudyi rwangu
kusvikira ndaita vavengi vako
chitsiko chetsoka dzako?”

14 Ko, vatumwa vose havazi mweya inoshumira yakatumwa kuzobatsira vaya vachadya nhaka yoruponeso here?

Hebrews 1

Introduction: God Has Spoken Fully and Finally in His Son

1 After God spoke long agot in various portionst and in various wayst to our ancestorst through the prophets,2 in these last days he has spoken to us in a son,ts whom he appointed heir of all things, and through whom he created the world.t3 The Son ist the radiance of his glory and the representation of his essence, and he sustains all things by his powerful word,t and so when he had accomplished cleansing for sins, he sat down at the right hand of the Majesty on high.s

4 Thus he becamet so far better than the angels asts he has inherited a name superior to theirs.

The Son Is Superior to Angels

5 For to which of the angels did Godt ever say, “You are my son! Today I have fathered you”?ts And in another placet he says,t “I will be his father and he will be my son.”ts6 But when he again bringst his firstborn into the world, he says, “Let all the angels of God worship him!”s7 And he sayss of the angels, “He makesthis angels spirits and his ministers a flame of fire,”s

8 but oft the Son he says,t
“Your throne, O God, is forever and ever,t
and a righteous sceptertis the scepter of your kingdom.

9 You have loved righteousness and hated lawlessness.
So God, your God, has anointed you over your companionsswith the oil of rejoicing.”s

10 And,
“You founded the earth in the beginning, Lord,s
and the heavens are the works of your hands.

11 They will perish, but you continue.
And they will all grow old like a garment,

12 and like a robe you will fold them up
and like a garmentsssthey will be changed,
but you are the same and your years will never run out.”s
13 But to which of the angelss has he ever said, “Sit at my right hand until I make your enemies a footstool for your feet”?s

14 Are they not all ministering spirits, sent out to serve thoset who will inherit salvation?