VAHEBHERU 12
Mwari anoranga Vanakomana Vake
1 Naizvozvo nesuwo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza, nechivi chinongotinamatira nyore, uye ngatimhanyei nokutsungirira, nhangemutange yatakaisirwa.2 Tichitarira kuna Jesu muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu; iye akatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashora kunyadziswa kwawo, uye akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari.3 Cherechedzai iye akatsunga pakupikiswa kwakadai navatadzi, kuti imi murege kuneta nokupera simba mumwoyo menyu.
4 Mukurwa kwenyu nechivi, hamusati madzivisa kusvikira pakubuda ropa.
5 Uye makanganwa shoko rokukurudzira rinotaura kwamuri savanakomana richiti:
“Mwanakomana wangu,
usazvidza kuranga kwaShe,
usaora mwoyo kana uchirangwa naye,
6 nokuti Ishe anoranga uyo waanoda,
uye anorova munhu wose waanogamuchira
somwanakomana.”
7 Tsungai pamatambudziko sokurangwa; Mwari anokubatai imi savanakomana. Nokuti ndoupiko mwanakomana asingarangwi nababa vake?8 Kana musingarangwi (uye vamwe vose vachirangwa), naizvozvo muri vana vasiri chaivo uye hamuzi vanakomana vechokwadi.9 Uyezve, isu tose tina madzibaba edu epanyama anotiranga uye tinovakudza nokuda kwaizvozvo. Ko, hatingazviisi zvikuru pasi paBaba vemweya yedu uye tigororama!10 Madzibaba edu aitiranga kwenguva duku sezvavaifunga kuti zvakafanira; asi Mwari anotiranga kuti zvitibatsire, kuti tigogoverwa utsvene hwake.11 Hakuna kurangwa kunofadza panguva yacho, asi kuti kunorwadza. Asi, zvisinei, pashure kunobereka gohwo rokururama norugare kuna avo vakadzidziswa nako.
12 Naizvozvo, simbisai maoko akaneta namabvi anoshayiwa simba.13 “Gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama,” kuitira kuti anokamhina arege kuremara, asi kuti aporeswe.
Yambiro pamusoro poKuramba Mwari
14 Itai zvose zvamungagona kuti muve vatsvene; pasina utsvene hapana munhu achaona Ishe.15 Chenjerai kuti kurege kuva nomunhu anorasikirwa nenyasha dzaMwari uye kuti mudzi wokuvava urege kumera kuti ugotambudza uye ugosvibisa vazhinji.16 Chenjerai kuti kurege kuva nevanoita upombwe, kana nousina umwari saEsau, uyo akatengesa nhaka youdangwe hwake nokuda kwokudya kamwe chete.17 Nokuti sezvamunoziva kuti pashure akati oda kugamuchira nhaka yokuropafadzwa, akarambwa. Nokuti haana kutendeuka, kunyange zvake akatsvaga mukomborero uyo nemisodzi.
18 Hamuna kumboswedera kugomo ringabatwa namaoko uye rinopfuta nomoto; kurima, kukusviba uye nokudutu guru;19 kukurira kwehwamanda kana inzwi rinotaura mashoko zvokuti vaya vakarinzwa vakakumbirisa kuti varege kuudzwazve rimwe shoko,20 nokuti vakanga vasingagoni kutakura zvakanga zvarayirwa sokuti: “Kunyange kana mhuka ipi zvayo ikabata gomo, inofanira kutakwa namabwe.”21 Chakaonekwa chaityisa zvokuti Mozisi akati, “Ndiri kudedera nokutya.”
22 Asi mauya kuGomo reZioni, kuJerusarema rokudenga, guta raMwari mupenyu. Mauya kuzviuru nezviuru zvavatumwa vari paungano yomufaro,23 kukereke yamatangwe, vane mazita akanyorwa kudenga. Mauya kuna Mwari, mutongi wavanhu vose, kumweya yavanhu vakarurama vakakwaniswa,24 kuna Jesu murevereri wesungano itsva, uye kuropa rakasaswa rinotaura zviri nani pane raAbheri.
25 Chenjerai kuti murege kuramba iye anotaura. Kana ivo vasina kupunyuka pavakaramba iye akavayambira panyika, ko, kuzoti isu kana tikatsauka kubva kwaari anotiyambira kubva kudenga?26 Panguva iyo inzwi rake rakazungunusa nyika, asi zvino akativimbisa, achiti, “Ndichazungunusazve kamwe chete, kwete nyika chete, asi nedengawo.”27 Mashoko okuti, “Kamwe chetezve” anoratidza kubviswa kwezvinhu zvinogona kuzungunuswa, izvo zvinhu zvakasikwa, kuitira kuti zvisingagoni kuzungunuswa zvirambe zviripo.
28 Naizvozvo, zvatinogamuchira ushe husingagoni kuzungunuswa, ngativongei, uye tinamate Mwari zvinogamuchirika, tichimukudza uye tichimutya,
29 nokuti “Mwari wedu moto unoparadza.”
Hebrews 12
The Lord’s Discipline
1 Therefore, since we are surrounded by such a great cloud of witnesses,t we must get rid of every weight and the sin that clings so closely, and run with endurance the race set out for us,2 keeping our eyes fixed on Jesus, the pioneer and perfecter of our faith. For the joy set out for him he endured the cross, disregarding its shame, and has taken his seat at the right hand of the throne of God.s3 Think of him who endured such opposition against himself by sinners, so that you may not grow weary in your souls and give up.4 You have not yet resisted to the point of bloodshedt in your struggle against sin.
5 And have you forgotten the exhortation addressed to you as sons?
“My son, do not scorntthe Lord’s discipline
or give up when he correctstyou.
6 “For the Lord disciplines the one he loves and chastises every son he accepts.”s
7 Endure your sufferingt as discipline;t God is treating you as sons. For what son is there that a father does not discipline?8 But if you do not experience discipline,t something all sonst have shared in, then you are illegitimate and are not sons.9 Besides, we have experienced discipline fromt our earthly fatherst and we respected them; shall we not submit ourselves all the more to the Father of spirits and receive life?ts10 For they disciplined us for a little while as seemed good to them, but he does so for our benefit, that we may share his holiness.11 Now all discipline seems painful at the time, not joyful.t But later it produces the fruit of peace and righteousnesst for those trained by it.12 Therefore, strengthentyour listless hands and your weak knees,s
13 and make straight paths for your feet,s so that what is lame may not be put out of joint but be healed.
Do Not Reject God’s Warning
14 Pursue peace with everyone, and holiness,s for without it no one will see the Lord.15 See to it that no one comes short of the grace of God, that no one be like a bitter rootspringing upts and causing trouble, and through him many become defiled.16 And see to it that no one becomest an immoral or godless person like Esau, who sold his own birthright for a single meal.s17 For you know thatt later when he wanted to inherit the blessing, he was rejected, for he found no opportunity for repentance, although he sought the blessingt with tears.18 For you have not come to something that can be touched,t to a burning fire and darkness and gloom and a whirlwind19 and the blast of a trumpet and a voice uttering wordst such that those who heard begged to hear no more.t20 For they could not bear what was commanded: “If even an animal touches the mountain, it must be stoned.”s21 In fact, the scenet was so terrifying that Moses said, “I shudder with fear.”ts22 But you have come to Mount Zion, the cityt of the living God, the heavenly Jerusalem, and to myriads of angels, to the assembly23 and congregation of the firstborn, who are enrolled in heaven, and to God, the judge of all, and to the spirits of the righteous, who have been made perfect,
24 and to Jesus, the mediatort of a new covenant, and to the sprinkled blood that speaks of something better than Abel’s does.s
25 Take care not to refuse the one who is speaking! For if they did not escape when they refused the one who warned them on earth, how much less shall we, if we reject the one who warns from heaven?26 Then his voice shook the earth, but now he has promised, “I will once more shake not only the earth but heaven too.”s27 Now this phrase “once more” indicates the removal of what is shaken, that is, of created things, so that what is unshaken may remain.28 So since we are receiving an unshakable kingdom, let us give thanks, and through this let us offer worship pleasing to God in devotion and awe.
29 For our God is indeed a devouring fire.s