VAHEBHERU 13
Mashoko Okupedzisira
1 Rambai mune rudo pakati penyu sehama.2 Musakanganwa kuitira vaeni rudo, nokuti vamwe mukuita izvi vakashumira vatumwa vasingazvizivi.3 Rangarirai vaya vari mutorongo somunenge makasungwa pamwe chete navo, uye navaya vanoitirwa zvakaipa sokunge imi pachenyu ndimi muri kutambudzwa.
4 Kuwanana ngakukudzwe navose, uye nhoo yewanano ngairege kusvibiswa, nokuti Mwari achatonga mhombwe navose vanofeva.
5 Musakarira mari pamagariro enyu uye mugutsikane nezvamunazvo, nokuti Mwari akati:
“Handingatongokusiyei;
handingatongokurasei.”
6 Saka tinotsunga mwoyo, tichiti:
“Ishe ndiye mubatsiri wangu,
handingatyi.
Munhu angandiiteiko?”
7 Rangarirai vatungamiri venyu vakakuparidzirai shoko raMwari. Cherechedzai kuguma kwokufamba kwavo muupenyu uye mugotevera kutenda kwavo.8 Jesu Kristu anogara akadaro zuro nanhasi nokusingaperi.
9 Musatorwa nedzidziso dzimwe dzose dzose dzisingazivikanwi. Zvakanaka kuti mwoyo yedu isimbiswe nenyasha, kwete nezvokudya zvemitambo, zvisina kubatsira vaya vakazvidya.10 Tine aritari isingatenderwi vanoshumira patabhenakeri kuti vadyepo.
11 Muprista mukuru anopinda neropa remhuka muNzvimbo Tsvene-tsvene sechipiriso chechivi, asi mitumbi yacho inopisirwa kunze kwomusasa.12 Uye naizvozvo Jesu akatambudzikawo ari kunze kwesuo reguta kuti aite kuti vanhu vave vatsvene kubudikidza neropa rake.13 Naizvozvo, ngatiendei kwaari kunze kwomusasa, titakure kunyadziswa kwake.14 Nokuti pano hatina guta ratichagara, asi isu tinotsvaka richauya.
15 Naizvozvo, kubudikidza naJesu ngatirambei tichipa kuna Mwari chibayiro chokumurumbidza, ndicho chibayiro chemiromo inopupura zita rake.16 Uye musakanganwa kuita zvakanaka nokugoverana navamwe, nokuti Mwari anofadzwa nezvibayiro zvakadai.
17 Teererai vatungamiri venyu, muzviise pasi pavo nokuti vanochengeta mweya yenyu, savanhu vachazobvunzwa pamusoro penyu. Vateererei kuitira kuti basa ravo rive mufaro, kwete mutoro, nokuti izvozvo hazvingakubatsirei chinhu.
18 Tinyengeterereiwo. Tine chokwadi chokuti tine hana yakanaka uye tinoda kufamba zvakanaka pazvinhu zvose.19 Ndinokukumbirai zvikuru kuti munyengetere, kuti ndigokurumidza kudzoserwa kwamuri.
20 Mwari worugare, akadzosa kubva kuvakafa Ishe wedu Jesu iye mufudzi mukuru wamakwai, kubudikidza neropa resungano isingaperi,
21 ngaakukwanisei nezvinhu zvose zvakanaka kuti muite kuda kwake, uye ngaaite mukati medu zvinhu zvinomufadza, nokuna Kristu Jesu, ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.
22 Hama dzangu ndinokurayirai kuti mutende shoko rangu rokurayira, nokuti ndakunyorerai tsamba duku.
23 Ndinoda kuti muzive kuti hama yedu Timoti akasunungurwa. Kana akakurumidza kusvika, ndichauya naye kuzokuonai.
24 Kwazisai vatungamiri venyu vose uye navanhu vose vaMwari. VokuItaria vanokukwazisai.
25 Nyasha ngadzive nemi mose.
Hebrews 13
Final Exhortations
1 Brotherly love must continue.2 Do not neglect hospitality, because through it some have entertained angels without knowing it.s3 Remember those in prison as though you were in prison with them,t and those ill-treated as though you too felt their torment.t4 Marriage must be honored among all and the marriage bed kept undefiled, for God will judge sexually immoral people and adulterers.5 Your conduct must be free from the love of money and you must be content with what you have, for he has said, “I will never leave you and I will never abandon you.”s6 So we can say with confidence, “The Lord is my helper, andsI will not be afraid. What can man do to me?”s7 Remember your leaders, who spoke God’s message to you; reflect on the outcome of their lives and imitate their faith.8 Jesus Christ is the same yesterday and today and forever!9 Do not be carried away by all sorts of strange teachings.t For it is good for the heart to be strengthened by grace, not ritual meals,t which have never benefited those who participated in them.10 We have an altar that those who serve in the tabernacle have no right to eat from.11 For the bodies of those animals whose blood the high priest bringst into the sanctuary as an offering for sin are burned outside the camp.12 Therefore, to sanctify the people by his own blood, Jesus also suffered outside the camp.13 We must go out to him, then, outside the camp, bearing the abuse he experienced.t14 For here we have no lasting city, but we seek the city that is to come.15 Through him then let us continually offer up a sacrifice of praise to God, that is, the fruit of our lips, acknowledging his name.
16 And do not neglect to do good and to share what you have,t for God is pleased with such sacrifices.
17 Obey your leaders and submit to them, for they keep watch over your souls and will give an account for their work.t Let them do thist with joy and not with complaints, for this would be no advantage for you.18 Pray for us, for we are sure that we have a clear conscience and desire to conduct ourselves rightly in every respect.
19 I especially ask you to prayt that I may be restored to you very soon.
Benediction and Conclusion
20 Now may the God of peace who by the blood of the eternal covenant brought back from the dead the great shepherd of the sheep, our Lord Jesus Christ,
21 equip you with every good thing to do his will, working in uss what is pleasing before him through Jesus Christ, to whom be glory forever.s Amen.
22 Now I urge you, brothers and sisters,t bear with my message of exhortation, for in fact I have written to you briefly.23 You should know thatt our brother Timothy has been released. If he comes soon, he will be with me when I see you.t24 Greetings to all your leaders and all the saints. Those from Italy send you greetings.
25 Grace be with you all.s