previous next

VAHEBHERU 5

1 Muprista mukuru mumwe nomumwe anosarudzwa kubva pakati pavanhu uye anogadzwa kuti avamiririre pazvinhu zvaMwari, kuti ape zvipo nezvibayiro pamusoro pezvivi.2 Anogona kunzwira tsitsi vaya vasingazivi uye navaya vari kutsauka, sezvo iye pachake ari pasi poutera.3 Ndokusaka achifanira kupa zvibayiro zvezvivi zvake, pamwe chete nezvezvivi zvavanhu.
4 Hapana munhu anozvipa kukudzwa uku; anofanira kudanwa naMwari, sezvakaitwa Aroni.

5 Saizvozvowo Kristu haana kuzvitorera iye kubwinya kwokuva muprista mukuru. Asi Mwari akati kwaari:
“Ndiwe Mwanakomana wangu;
nhasi ndakubereka.”

6 Uye akati pane imwe nzvimbo,
“Ndiwe muprista nokusingaperi,
worudzi rwaMerikizedheki.”

7 Pamazuva oupenyu hwaJesu panyika, akauya kuna iye akanga achigona kumurwira parufu neminyengetero nemikumbiro, achichema nokuchema kukuru nemisodzi, uye akanzwika nokuda kwokutya kwake Mwari.8 Kunyange zvake akanga ari mwanakomana, akadzidza kuteerera kubva pakutambudzika kwake9 uye pakarepo akawaniswa, akazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kuna vose vanomuteerera

10 uye akanzi naMwari ave muprista mukuru worudzi rwaMerikizedheki.

Yambiro pamusoro poKutsauka
11 Tine zvizhinji zvokutaura pamusoro peizvi, asi zvinorema kuzvitsanangura kwamuri nokuti munononoka kunzwisisa.12 Nokuti, kunyange maifanira kuva vadzidzisi pari zvino munotoda mumwe munhu kuti akudzidzisei zvakare zvokwadi yezvokuvamba zveshoko raMwari. Muchiri kuda mukaka, kwete zvokudya zvikukutu.13 Mumwe nomumwe anoraramiswa nomukaka, achiri mucheche, haasati anzwisisa dzidziso pamusoro pokururama.

14 Asi zvokudya zvikukutu ndezvavakuru, avo vakazvidzidzisa nokuramba vachizviita, kutsaura zvakanaka kubva kune zvakaipa.

Hebrews 5

1 For every high priest is taken from among the peoplet and appointedt to represent them before God,t to offer both gifts and sacrifices for sins.2 He is able to deal compassionately with those who are ignorant and erring, since he also is subject to weakness,3 and for this reason he is obligated to make sin offerings for himself as well as for the people.4 And no one assumes this honors on his own initiative,t but only when called to it by God,t as in fact Aaron was.5 So also Christ did not glorify himself in becoming high priest, but the one who glorified him was God,t who said to him, “You are my Son! Today I have fathered you,”ts6 as also in another place Godt says, “You are a priest forever in the order of Melchizedek.”s7 During his earthly lifet Christt offeredt both requests and supplications, with loud cries and tears, to the one who was able to save him from death and he was heard because of his devotion.8 Although he was a son, he learned obedience through the things he suffered.s9 And by being perfected in this way, he became the source of eternal salvation to all who obey him,

10 and he was designatedt by God as high priest in the order of Melchizedek.s

The Need to Move on to Maturity

11 On this topic we have much to sayt and it is difficult to explain, since you have become sluggisht in hearing.12 For though you should in fact be teachers by this time,t you need someone to teach you the beginning elements of God’s utterances.t You have gone back to needingt milk, nots solid food.13 For everyone who lives on milk is inexperienced in the message of righteousness, because he is an infant.

14 But solid food is for the mature, whose perceptions are trained by practice to discern both good and evil.