VAHEBHERU 6
1 Naizvozvo ngatisiyei dzidziso dzokutanga pamusoro paKristu uye tipfuurire mberi kuti tive vakuru, tisingaisizve nheyo dzokutendeuka kubva pamabasa anotungamirira kurufu, uye nokutenda muna Mwari,2 dzidziso pamusoro pokubhabhatidzwa nedzokuisa maoko pamusoro, nedzokumuka kubva kuvakafa, uye nedzokutongwa kusingaperi.3 Uye kana Mwari achitendera, ndizvo zvatichaita.
4 Nokuti hazvigoni kuti vaya vakambovhenekerwa, vaya vakamboravira chipo chokudenga, vakagoverwa Mweya Mutsvene,5 vakaravira kunaka kweshoko raMwari uye namasimba enyika inouya,6 kuti vatendeukezve mushure mokunge vatsauka, nokuti pakurasikirwa kwavo vanorovererazve Mwanakomana waMwari uye vachimunyadzisa pachena.
7 Nyika inonwa mvura inonaya nguva nenguva pamusoro payo uye inobereka zvirimwa zvinobatsira avo vanoirima, ndiyo inoropafadzwa naMwari.8 Asi nyika inobereka minzwa norukato haibatsiri uye ine dambudziko rokuti ichatukwa. Pakupedzisira ichapiswa.
9 Kunyange zvazvo tichitaura sezvizvi, hama dzinodikanwa, tinoziva kwazvo pamusoro penyu zvinhu zviri nani, zvinhu zvinobatana pamwe chete noruponeso.10 Mwari haazi asina kururama; haangakanganwi basa renyu norudo rwamakamuratidza pamaibatsira vanhu vake uye kuti muchiri kuramba muchivabatsira.11 Tinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ave nokushingaira kumwe cheteko kusvikira kumagumo, kuitira kuti muve nechokwadi chetariro yenyu.
12 Hatidi kuti muve simbe, asi kuti muve vateveri vaavo vanodya nhaka yakavimbiswa kubudikidza nokutenda nokutsungirira.
Chokwadi cheVimbiso yaMwari
13 Mwari paakaita vimbiso yake kuna Abhurahama, sezvo kwakanga kusina mumwe mukuru kwaari wokuti angapika naye, akapika naiye amene,14 achiti, “Zvirokwazvo ndichakuropafadza uye ndichakupa zvizvarwa zvizhinji.”15 Uye mushure mokumirira nomwoyo murefu, Abhurahama akagamuchira chipikirwa.
16 Vanhu vanopika nomukuru kwavari, uye mhiko ndiyo inosimbisa zvinenge zvataurwa, uye inopedza gakava rose.17 Nokuti Mwari aida kuti aratidze pachena kusashanduka kwechido chake kuvadyi venhaka yakapikirwa, akakusimbisa nemhiko.18 Mwari akaita izvi kuitira kuti, nezvinhu zviviri zvisingashanduki, zvokuti Mwari haagoni kureva nhema, isu vakatiza tikandobatisisa tariro yatakapiwa, tisimbiswe zvikuru.19 Tine tariro iyi sechibatiso choMweya, chakasimba chisingazungunuswi. Inopinda mukati mechidzitiro chomutemberi,
20 makapinda Jesu akatitangira isu, akapinda akatimirira. Akava muprista mukuru nokusingaperi worudzi rwaMerikizedheki.
Hebrews 6
1 Therefore we must progress beyondt the elementaryt instructions about Christt and move ont to maturity, not laying this foundation again: repentance from dead works and faith in God,2 teaching about baptisms, laying on of hands, resurrection of the dead, and eternal judgment.3 And this is what we intend to do,t if God permits.4 For it is impossible in the case of those who have once been enlightened, tasted the heavenly gift, become partakers of the Holy Spirit,5 tasted the good word of God and the miracles of the coming age,6 and then have committed apostasy,t to renew them again to repentance, sincet they are crucifying the Son of God for themselves all over againt and holding him up to contempt.7 For the ground that has soaked up the rain that frequently falls ont it and yields useful vegetation for those who tend it receives a blessing from God.8 But if it produces thorns and thistles, it is useless and about to be cursed;t its fate is to be burned.9 But in your case, dear friends, even though we speak like this, we are convinced of better things relating to salvation.10 For God is not unjust so as to forget your work and the love you have demonstrated for his name, in having served and continuing to serve the saints.11 But we passionately want each of you to demonstrate the same eagerness for the fulfillment of your hope until the end,
12 so that you may not be sluggish,t but imitators of those who through faith and perseverance inherit the promises.
13 Now when God made his promise to Abraham, since he could swear by no one greater, he swore by himself,14 saying, “Surely I will bless you greatly and multiply your descendants abundantly.”ts15 And so by persevering, Abrahamt inherited the promise.16 For peoplet swear by something greater than themselves,t and the oath serves as a confirmation to end all dispute.t17 In the same wayt God wanted to demonstrate more clearly to the heirs of the promise that his purpose was unchangeable,t and so he intervened with an oath,18 so that we who have found refuge in himt may find strong encouragement to hold fast to the hope set before us through two unchangeable things, since it is impossible for God to lie.19 We have this hope as an anchor for the soul, sure and steadfast, which reaches inside behind the curtain,s
20 where Jesus our forerunner entered on our behalf, since he became a priest forever in the order of Melchizedek.s