JAKOBHO 1
1 Jakobho, muranda waMwari nowaIshe Jesu Kristu,
Kumarudzi gumi namaviri akapararira pakati pendudzi:
Kwaziwai.
Kutambudzwa neMiedzo
2 Hama dzangu, muti mufaro chaiwo, pose pamunosangana nemiedzo mizhinji yemhando dzose,3 nokuti munoziva kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira.4 Kutsungirira kunofanira kupedza basa rako kuitira kuti imi mukure uye muve vakakwana, musingashayiwi chinhu.5 Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopa zvakawanda kuna vose asingatsvaki mhosva, uye achapiwa hake.6 Asi paanokumbira, anofanira kutenda uye asinganyunyuti, nokuti uyo anonyunyuta akaita sefungu regungwa, rinosundwa uye richimutswa-mutswa nemhepo.7 Munhu uyu ngaarege kufunga kuti achagamuchira chinhu chipi zvacho kubva kuna She;8 munhu ane mwoyo miviri, anongoshanduka-shanduka mune zvose zvaanoita.
9 Hama iri panzvimbo yokuninipiswa ngaifare muchinzvimbo chayo chokukudzwa.10 Asi mupfumi anofanira kufara muchinzvimbo chokuderedzwa kwake, nokuti achapfuura seruva romusango.11 Nokuti zuva rinobuda pamwe chete nemhepo inopisa rigoomesa uswa; ruva raro rinodonha uye kunaka kwaro kwoparadzwa. Nenzira imwe cheteyo, mupfumi achasvava kunyange achiri kuita basa rake.
12 Akaropafadzwa munhu anotsunga pakuedzwa, nokuti paanokunda, achapiwa korona youpenyu yakavimbiswa naMwari kuna avo vanomuda.
13 Pamunenge muchiedzwa, kurege kuva nomunhu anoti, “Mwari ari kundiedza.” Nokuti Mwari haagoni kuedzwa nechakaipa, uye haaedzi munhu;14 asi mumwe nomumwe anoedzwa paanenge, achikwevewa nokuchiva kwake kwakaipa uye achinyengerwa.15 Ipapo kuchiva kukange kwaumbwa, kunobereka chivi; uye chivi, chikange chakura kwazvo, chinobereka rufu.
16 Musanyengerwa, hama dzangu dzinodikanwa.17 Chipo chose chakanaka uye chakakwana chinobva kudenga, chinoburuka chichibva kuna Baba wezviedza zvokudenga, asingashanduki semimvuri inopinduka.
18 Akasarudza kutibereka kubudikidza neshoko rechokwadi, kuti tive mhando yechibereko chokutanga chezvisikwa zvake.
Kunzwa noKuita
19 Hama dzangu dzinodikanwa, cherechedzai izvi: Munhu mumwe nomumwe anofanira kukurumidza kunzwa, kunonoka kutaura nokunonoka kutsamwa,20 nokuti kutsamwa kwomunhu hakuuyisi upenyu hwakarurama hunodikanwa naMwari.21 Naizvozvo, bvisai tsvina yose uye nokuipa kwakawanda, mugogamuchira nokuzvininipisa, shoko rakasimwa mamuri, rinogona kukuponesai.
22 Musangova vanzwi veshoko bedzi, uye nokudaro muchizvinyengera. Itai zvarinoreva.23 Ani naani anoteerera kushoko asi asingaiti zvarinoreva akaita somunhu anotarira chiso chake muchionioni24 uye, mushure mokuzvitarira, anoenda uye nokukurumidza anokanganwa kuti anotaridzika sei.25 Asi munhu anonyatsotarisisa mumurayiro wakakwana uyo unopa rusununguko, uye achiramba achiita izvozvo, asingakanganwi zvaanzwa, asi achizviita, acharopafadzwa pane zvaanoita.
26 Kana munhu upi zvake achizviti akarurama uye asingachengeti rurimi rwake zvakasimba, anozvinyengera uye chinamato chake hachina maturo.
27 Kunamata kunodikanwa naMwari Baba vedu kwakachena, uye kusina chakungapomerwa ndokuku: kuchengeta nherera nechirikadzi mukutambudzika kwavo uye nokuzvichengeta kuti urege kusvibiswa nenyika.
James 1
Salutation
1 From James,t a slavets of God and the Lord Jesus Christ, to the twelve tribes dispersed abroad.t Greetings!
Joy in Trials
2 My brothers and sisters,t consider it nothing but joyt when you fall into all sorts of trials,3 because you know that the testing of your faith produces endurance.4 And let endurance have its perfect effect, so that you will be perfect and complete, not deficient in anything.5 But if anyone is deficient in wisdom, he should ask God, who gives to all generously and without reprimand, and it will be given to him.6 But he must ask in faith without doubting, for the one who doubts is like a wave of the sea, blown and tossed around by the wind.7 For that person must not suppose that he will receive anything from the Lord,
8 since he is a double-minded individual,ts unstable in all his ways.
9 Now the believert of humble meanst should take pridet in his high position.t10 But the rich person’s pride should be in his humiliation, because he will pass away like a wildflower in the meadow.t11 For the sun rises with its heat and dries up the meadow; the petal of the flower falls off and its beauty is lost forever.t So also the rich person in the midst of his pursuits will wither away.12 Happy is the onet who endures testing, because when he has proven to be genuine, he will receive the crown of life that Gods promised to those who love him.13 Let no one say when he is tempted, “I am tempted by God,” for God cannot be tempted by evil,t and he himself tempts no one.14 But each one is tempted when he is lured and enticed by his own desires.15 Then when desire conceives, it gives birth to sin, and when sin is full grown, it gives birth to death.16 Do not be led astray, my dear brothers and sisters.t17 All generous giving and every perfect giftt is from above, coming downt from the Father of lights, with whom there is no variation or the slightest hint of change.t
18 By his sovereign plan he gave us birtht through the message of truth, that we would be a kind of firstfruits of all he created.
Living Out the Message
19 Understand this, my dear brothers and sisters!t Let every person be quick to listen, slow to speak, slow to anger.20 For humant anger does not accomplish God’s righteousness.s21 So put away all filth and evil excess and humblyt welcome the message implanted within you, which is able to save your souls.22 But be sure you live out the message and do not merely listen to it and so deceive yourselves.23 For if someone merely listens to the message and does not live it out, he is like someonet who gazes at his own facet in a mirror.24 For he gazes at himself and then goes out and immediately forgetst what sort of person he was.25 But the one who peers into the perfect law of liberty and fixes his attention there,t and does not become a forgetful listener but one who lives it out – het will be blessed in what he does.t26 If someone thinks he is religious yet does not bridle his tongue, and so deceives his heart, his religion is futile.
27 Pure and undefiled religion beforet God the Fathert is this: to care for orphans and widows in their misfortune and to keep oneself unstained by the world.