JAKOBHO 2
Kutsaura Vanhu Kunorambidzwa
1 Hama dzangu, savatendi muna Ishe wedu wokubwinya iye Jesu Kristu, musava vatsauri vavanhu.2 Kana mumwe munhu akauya akapinda mumusangano wenyu akapfeka mhete yegoridhe nenguo dzakaisvonaka, uye murombo akapfeka mamvemve akapindawo,3 kana mukaremekedza munhu akapfeka nguo dzakaisvonaka uye mukati, “Hechi chigaro chakanaka kwauri,” asi kumurombo mukati, “Iwe mira apo,” kana kuti “Gara pasi, patsoka dzangu,”4 hamuna kutsaura here pakati penyu uye mukava vatongi vane ndangariro dzakaipa?
5 Inzwai, hama dzangu dzinodikanwa: Ko, Mwari haana kusarudza varombo venyika ino kuti vave vapfumi mukutenda uye kuti vagare nhaka youmambo hwaakavimbisa avo vanomuda here?6 Asi imi makazvidza varombo. Ko, havazi vapfumi vanokubirai here? Havazi ivo vanokuendesai kumatare edzimhosva here?7 Havazi ivo vanomhura zita rinokudzwa raiye wamuri vake here?
8 Kana muchichengeta muchokwadi murayiro woushe unowanikwa muRugwaro, unoti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozvida iwe,” munoita zvakanaka.9 Asi kana muchitsaura vanhu, muri kutadza uye munotongwa nomurayiro savadariki vomurayiro.10 Nokuti ani naani anochengeta murayiro wose asi akagumburwa pachinhu chimwe chete ane mhosva yokuputsa murayiro wose.11 Nokuti iye akati, “Usaita upombwe,” ndiyewo akati, “Usauraya.” Kana usingapombi asi uchiuraya, wava mudariki womurayiro.
12 Taurai uye muchiita saavo vachazotongwa nomurayiro unopa rusununguko,
13 nokuti kutonga kusinganzwiri ngoni kucharatidzwa kumunhu upi zvake akanga asinganzwiri ngoni. Ngoni dzinokunda kutonga!
Kutenda naMabasa
14 Zvinobatsirei, hama dzangu, kana munhu achiti ano kutenda asi asina mabasa? Kutenda kwakadaro kungamuponesa here?15 Kana hama kana hanzvadzi ikashayiwa zvokufuka nezvokudya zvezuva rimwe nerimwe,16 uye mumwe wenyu akati, “Endai henyu, mufambe zvakanaka; mudziyirwe uye mugute,” asi asina chinhu chaamuitira chinodikanwa nomuviri wake, zvakanaka here izvozvo?
17 Saizvozvowo, kutenda kwoga, kana kusina basa, kwakafa.
18 Asi mumwe achati, “Iwe uno kutenda; ini ndina mabasa.”
Ndiratidze kutenda kwako kusina mabasa, uye ini ndichakuratidza kutenda kwangu nezvandinoita.19 Iwe unotenda kuti kuna Mwari mumwe. Zvakanaka! Kunyange madhimoni anotenda izvozvo, uye achidedera.
20 Iwe benzi, unoda kuona kuti kutenda kusina mabasa hakuna maturo here?21 Tateguru wedu Abhurahama haana kunzi akarurama here nokuda kwezvaakaita paakapa mwanakomana wake Isaka paaritari?22 Unoona kuti kutenda kwake uye namabasa ake zvaibata pamwe chete, uye kutenda kwake kukakwaniswa nezvaakaita.23 Uye Rugwaro rwakazadziswa runoti, “Abhurahama akatenda Mwari zvikaverengerwa kwaari kuti ndiko kururama,” uye akanzi shamwari yaMwari.24 Unoona kuti munhu anoruramiswa nezvaanoita, kwete nokutenda bedzi.
25 Saizvozvowo, Rahabhi chifeve haana kunzi akarurama nokuda kwezvaakaita paakapa vasori imba uye akazovaendesa neimwe nzira here?
26 Sezvo muviri usina mweya wakafa, saizvozvo kutenda kusina mabasa kwakafa.
James 2
Prejudice and the Law of Love
1 My brothers and sisters,t do not show prejudicet if you possess faitht in our glorious Lord Jesus Christ.t2 For if someonet comes into your assemblyt wearing a gold ring and fine clothing, and a poor person enters in filthy clothes,3 do you pay attention to the one who is finely dressed and say,t “You sit here in a good place,”t and to the poor person, “You stand over there,” or “Sit on the floor”?t4 If so, have you not made distinctionst among yourselves and become judges with evil motives?t5 Listen, my dear brothers and sisters!t Did not God choose the poor in the world to be rich in faith and heirs of the kingdom that he promised to those who love him?6 But you have dishonored the poor!t Are not the rich oppressing you and dragging you into the courts?7 Do they not blaspheme the good name of the one you belong to?t8 But if you fulfill the royal law as expressed in this scripture,t “You shall love your neighbor as yourself,”s you are doing well.9 But if you show prejudice, you are committing sin and are convicted by the law as violators.t10 For the one who obeys the whole law but failst in one point has become guilty of all of it.t11 For he who said, “Do not commit adultery,”s also said, “Do not murder.”s Now if you do not commit adultery but do commit murder, you have become a violator of the law.12 Speak and act as those who will be judged by a law that gives freedom.t
13 For judgment is merciless for the one who has shown no mercy. But mercy triumphs overt judgment.
Faith and Works Together
14 What good is it, my brothers and sisters,t if someone claims to have faith but does not have works? Can this kind of faitht save him?s15 If a brother or sistert is poorly clothed and lacks daily food,16 and one of you says to them, “Go in peace, keep warm and eat well,” but you do not give them what the body needs,t what good is it?17 So also faith, if it does not have works, is dead being by itself.18 But someone will say, “You have faith and I have works.”t Show me your faith without works and I will show you faith byt my works.
19 You believe that God is one; well and good.t Even the demons believe that – and tremble with fear.t
20 But would you like evidence,t you empty fellow,t that faith without works is useless?s21 Was not Abraham our father justified by works when he offered Isaac his son on the altar?22 You see that his faith was working together with his works and his faith was perfected by works.23 And the scripture was fulfilled that says, “Now Abraham believed God and it was counted to him for righteousness,”s and he was called God’s friend.s24 You see that a person is justified by works and not by faith alone.25 And similarly, was not Rahab the prostitute also justified by works when she welcomed the messengers and sent them out by another way?
26 For just as the body without the spirit is dead, so also faith without works is dead.