previous next

JAKOBHO 3

Kudzora Rurimi

1 Vazhinji venyu havafaniri kuva vadzidzisi, hama dzangu, nokuti munoziva kuti isu vanodzidzisa tichatongwa zvikuru.2 Tose tinogumbuswa munzira dzakawanda. Kana pano munhu asingatongokanganisi pakutaura kwake, iye munhu akakwana, anogona kudzora muviri wake wose.
3 Patinoisa matomu mumiromo yamabhiza tichiaita kuti atiteerere, tinogona kudzora muviri wose wechipfuwo.4 Kana kuti ngatitorei zvikepe somuenzaniso. Kunyange zvakakura sei uye zvichisundwa nemhepo ine simba, zvinofambiswa nechifambiso chiduku duku kwose kwose kunodiwa kuendwa nomuchairi.5 Saizvozvo, rurimi mutezo muduku womuviri, asi runozvikudza zvikuru. Cherechedzai kukura kwesango rinopiswa nebari duku romoto.6 Rurimi motowo, inyika yezvakaipa pakati pemitezo yomuviri. Runoodza muviri wose, runotungidza nzira yose youpenyu hwomunhu nomoto, uye irwo pacharwo runotungidzwa neGehena.
7 Marudzi ose emhuka, eshiri, ezvinokambaira uye nezvisikwa zvomugungwa zvinopingudzwa uye zvakambopingudzwa navanhu,8 asi hakuna munhu anogona kupingudza rurimi. Ndirwo chinhu chakaipa chisingazorori, chizere nomuchetura unouraya.
9 Narwo tinorumbidza Ishe wedu naBaba vedu, uye narwo tinotuka vanhu, vakaitwa nomufananidzo waMwari.10 Mumuromo mumwe imomo munobuda kurumbidza nokutuka. Hama dzangu, hazvifaniri kudaro.11 Ko, mvura yakanaka neinovava ingabuda mutsime rimwe chete here?

12 Hama dzangu, muonde ungabereka maorivhi kana muzambiringa maonde here? Kunyange tsime rinovava haringabudisi mvura yakanaka.

Mhando Mbiri dzoUchenjeri
13 Ndiani akachenjera uye anonzwisisa pakati penyu? Ngaazviratidze noupenyu hwake hwakanaka, namabasa anoitwa nokuzvininipisa kunobva pauchenjeri.14 Asi kana muchipfimbika godo rinovava norukave mumwoyo yenyu, musazvikudza pamusoro pazvo kana muchiramba chokwadi.15 “Kuchenjera” kwakadaro hakuburuki kuchibva kudenga asi ndokwenyika, hakuzi kwomweya, ndokwadhiabhori.16 Nokuti pane godo norukave, ndipo pamunowana nyonganiso namabasa ose akaipa.
17 Asi uchenjeri hunobva kudenga pakutanga kwezvose, hwakachena; uye hunofarira rugare, hune hanya, hunozviisa pasi, huzere nengoni uye hune zvibereko zvakanaka, hahutsauri vamwe uye hwakatendeka.

18 Vayananisi vanodyara murugare vanowana gohwo rokururama.

James 3

The Power of the Tongue

1 Not many of you should become teachers, my brothers and sisters,t because you know that we will be judged more strictly.t2 For we all stumblet in many ways. If someone does not stumblet in what he says,t he is a perfect individual,t able to control the entire body as well.3 And if we put bits into the mouths of horses to get them to obey us, then we guide their entire bodies.t4 Look at ships too: Though they are so large and driven by harsh winds, they are steered by a tiny rudder wherever the pilot’s inclination directs.5 So too the tongue is a small part of the body,t yet it has great pretensions.t Thinkt how small a flame sets a huge forest ablaze.

6 And the tongue is a fire! The tongue representst the world of wrongdoing among the parts of our bodies. Itt pollutes the entire body and sets fire to the course of human existence – and is set on fire by hell.s
7 For every kind of animal, bird, reptile, and sea creaturet is subdued and has been subdued by humankind.t8 But no human being can subdue the tongue; it is a restlesss evil, full of deadly poison.9 With it we bless the Lords and Father, and with it we curse peoplet made in God’s image.10 From the same mouth come blessing and cursing. These things should not be so, my brothers and sisters.t11 A spring does not pour out fresh water and bitter water from the same opening, does it?

12 Can a fig tree produce olives, my brothers and sisters,t or a vine produce figs? Neither can a salt water spring produce fresh water.

True Wisdom

13 Who is wise and understanding among you? By his good conduct he should show his works done in the gentleness that wisdom brings.t14 But if you have bitter jealousy and selfishness in your hearts, do not boast and tell lies against the truth.15 Sucht wisdom does not comet from above but is earthly, natural,t demonic.16 For where there is jealousy and selfishness, there is disorder and every evil practice.17 But the wisdom from above is first pure, then peaceable, gentle, accommodating,t full of mercy and good fruit,t impartial, and not hypocritical.t

18 And the fruit that consists of righteousnesst is plantedt in peace amongt those who make peace.