previous next

JOHANI 1

Shoko rakava Nyama

1 Pakutanga Shoko rakanga riripo, uye Shoko rakanga riri kuna Mwari, uye Shoko rakanga riri Mwari.2 Iye aiva kuna Mwari kubva pakutanga.
3 Zvinhu zvose zvakaitwa kubudikidza naye; kunze kwake hakuna kana chinhu chakaitwa pane izvo zvakaitwa.4 Maari maiva noupenyu, uye upenyu ihwohwo hwaiva chiedza chavanhu.5 Chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchikunda.
6 Pakanga pano murume akatumwa achibva kuna Mwari; zita rake rainzi Johani.7 Iye akauya sechapupu kuzopupurira chiedza chiya, kuitira kuti vanhu vatende kubudikidza naye.8 Akanga asiri iye chiedza pachake; akauya chete ari sechapupu kuchiedza.9 Chiedza chezvokwadi chinovhenekera vanhu vose chainge chichizouya munyika.
10 Akanga ari munyika, uye kunyange nyika yakaitwa kubudikidza naye, nyika haina kumuziva.11 Akauya kuna avo vakanga vari vake, asi vokwake havana kumugamuchira.12 Asi kuna vose vakamugamuchira, kuna avo vakatenda muzita rake, akavapa simba rokuti vave vana vaMwari,13 vana vasina kuberekwa neropa kana nokufunga kwomunhu kana nokuda kwomurume, asi vakaberekwa naMwari.
14 Shoko rakava nyama uye rakagara pakati pedu. Takaona kubwinya kwake, kubwinya kwaIye Mumwe Oga, akabva kuna Baba, azere nenyasha uye nechokwadi.
15 Johani anopupura nezvake. Anodanidzira achiti, “Uyu ndiye uya wandakati, ‘Anouya mumashure mangu anondipfuura ini nokuti akanditangira.’”16 Kubva pakuzara kwake takagamuchira nyasha pamusoro penyasha.17 Nokuti murayiro wakapiwa kubudikidza naMozisi; nyasha nezvokwadi zvakauya kubudikidza naJesu Kristu.

18 Hakuna akamboona Mwari, asi Mwanakomana Iye Mumwe Oga, ari pachipfuva chaBaba, akaita kuti azivikanwe.

Johani Mubhabhatidzi anoti haasi iye Kristu
19 Zvino uku ndiko kwaiva kupupura kwaJohani vaJudha veJerusarema pavakatuma vaprista navaRevhi kuti vanomubvunza kuti iye aimbova ani.20 Haana kurega kupupura, asi akanyatsopupura pachena achiti, “Handisini Kristu.”
21 Vakamubvunza vakati, “Zvino ndiwe aniko? Ndiwe Eria here?”
Iye akati, “Handizi iye.”
“Uri muprofita here?”
Akapindura akati, “Kwete.”
22 Pakupedzisira vakati, “Ndiwe aniko? Tipindure tigondotaurira vatituma. Unozviti aniko?”
23 Johani akapindura namashoko omuprofita Isaya achiti, “Ndini inzwi reanodana murenje, richiti, ‘Ruramisai nzira yaShe.’”
24 Zvino vamwe vaFarisi vakanga vatumwa25 vakamubvunza vachiti, “Seiko zvino uchibhabhatidza kana usiri Kristu, kana Eria uye kana Muprofita?”
26 Johani akapindura akati, “Ini ndinobhabhatidza nemvura, asi pakati penyu pamire mumwe wamusingazivi.27 Ndiye anouya shure kwangu, handikodzeri kusunungura rukanda rweshangu dzake.”

28 Izvi zvose zvakaitika paBhetani mhiri kwaJorodhani, uko kwaibhabhatidzira Johani.

Jesu Gwayana raMwari
29 Chifume chamangwana Johani akaona Jesu achiuya kwaari akati, “Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa chivi chenyika!30 Ndiye wandaireva pandakati, ‘Murume anouya shure kwangu akandipfuura nokuti akanditangira.’31 Ini pachangu ndakanga ndisingamuzivi, asi zvandakauyira ndichibhabhatidza nemvura ndezvokuti iye aratidzwe kuIsraeri.
32 Ipapo Johani akapupura uchapupu uhu achiti, “Ndakaona mweya achiburuka kubva kudenga akaita senjiva akamhara pamusoro pake.33 Ndingadai ndisina kumuziva, asi uya akandituma kuti ndizobhabhatidza nemvura ndiye akandiudza achiti, ‘Murume uyo waunoona Mweya achiburuka uye achigara paari, ndiye achazovabhabhatidza noMweya Mutsvene.’

34 Ndazviona uye ndinopupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.”

Vadzidzi Vokutanga vaJesu
35 Chifume chamangwana Johani akanga aripozve navadzidzi vake vaviri.36 Akati achiona Jesu achipfuura akati, “Tarirai, Gwayana raMwari!”
37 Vadzidzi vaviri vakati vachimunzwa achitaura izvi, vakatevera Jesu.38 Jesu akatendeuka akavaona vachitevera akavabvunza akati, “Munodeiko?”
Ivo vakati, “Rabhi” (ndiko kuti Mudzidzisi), “munogarepiko?”
39 Akapindura akati, “Uyai muzokuona.”
Saka vakaenda vakandoona paaigara, vakaswera naye kwezuva rimwe chete. Yakanga iri nguva inenge yegumi.
40 Andirea munun’una waPetro, ndiye wavamwe vaviri akanga anzwa zvakanga zvarehwa naJohani uye akanga atoteverawo Jesu.41 Chinhu chokutanga chakaitwa naAndirea ndechokuti akatsvaka Simoni mukoma wake akati kwaari, “Tamuwana Mesiya” (ndiko kuti Kristu).

42 Uye akauya naye kuna Jesu.
Jesu akatarisa kwaari akati, “Ndiwe Simoni mwanakomana waJohani. Iwe uchanzi Kefasi” (ndiko kuti, kana zvichishandurwa, Petro).

Jesu anodana Firipi naNatanieri
43 Zuva rakatevera Jesu akafunga zvokuenda kuGarirea. Akati awana Firipi akati kwaari, “Nditevere.”
44 Firipi, aibvawo kuguta reBhetisaidha saAndirea naPetro,45 Firipi akawana Natanieri akati kwaari, “Tamuwana uya akanyorwa nezvake naMozisi muMurayiro, uyewo akanyorwa nezvake navaprofita, Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa.”
46 Natanieri akati, “Nazareta! Pane chinhu chakanaka chingabva kuNazareta here?”
Firipi akati, “Uya uone.”
47 Jesu akati achiona Natanieri achiuya, akati kwaari, “Houno muIsraeri wechokwadi, asina kunyengera maari.”
48 Natanieri akamubvunza akati, “Mandiziva seiko?”
Jesu akapindura akati, Ndakuona pawanga uri pasi pomuonde Firipi asati akudana.”
49 Ipapo Natanieri akati, “Rabhi, ndimi Mwanakomana waMwari; ndimi Mambo weIsraeri.”
50 Jesu akati, “Unotenda nokuti ndakuudza kuti ndakuona uri pasi pomuonde. Uchaona zvinhu zvikuru kupinda izvozvo.”

51 Ipapo akatizve, “Ndinokuudzai chokwadi, muchaona denga richizaruka, uye vatumwa vaMwari vachikwira nokuburuka pamusoro poMwanakomana woMunhu.”

John 1

The Prologue to the Gospel

1 In the beginnings was the Word, and the Word was with God,t and the Word was fully God.ts2 The Wordt was with God in the beginning.3 All things were createdt by him, and apart from him not one thing was createdt that has been created.st4 In him was life,ts and the life was the light of mankind.t

5 And the light shines onts in the darkness,s butt the darkness has not mastered it.t
6 A man came, sent from God, whose name was John.s7 He came as a witnessts to testifyt about the light, so that everyonet might believe through him.8 He himself was not the light, but he came to testifyt about the light.9 The true light, who gives light to everyone,t was coming into the world.ts10 He was in the world, and the world was createdt by him, butt the world did not recognizet him.11 He came to what was his own,t butt his own peoplet did not receive him.s12 But to all who have received him – those who believe in his namet – he has given the right to become God’s children

13 – children not bornt by human parentst or by human desiret or a husband’st decision,t but by God.
14 Nowt the Word became flesht and took up residencets among us. Wet saw his glory – the glory of the one and only,t full of grace and truth, who came from the Father.15 Johns testifiedt about him and shouted out,t “This one was the one about whom I said, ‘He who comes after me is greater than I am,t because he existed before me.’”16 For we have all received from his fullness one gracious gift after another.ts17 For the law was given through Moses, butt grace and truth came about through Jesus Christ.

18 No one has ever seen God. The only one,st himself God, who is in closest fellowship witht the Father, has made Godt known.s

The Testimony of John the Baptist

19 Nowt this wast John’ss testimonyts when the Jewish leaderst sents priests and Levites from Jerusalems to ask him, “Who are you?”s20 He confessed – he did not deny but confessed – “I am not the Christ!”ts21 So they asked him, “Then who are you?t Are you Elijah?” He said, “I am not!”s “Are you the Prophet?”s He answered, “No!”

22 Then they said to him, “Who are you? Tell ust so that we can give an answer to those who sent us. What do you say about yourself?”
23 Johnt said, “I am the voice of one shouting in the wilderness, ‘Make straightsthe way for the Lord,’s as Isaiah the prophet said.”24 (Now they had been sent from the Pharisees.s)s

25 So they asked John,t “Why then are you baptizing if you are not the Christ,ts nor Elijah, nor the Prophet?”
26 John answered them,t “I baptize with water. Among you stands one whom you do not recognize,t27 who is coming after me. I am not worthyts to untie the strapt of his sandal!”

28 These things happened in Bethanys across the Jordan Rivert where John was baptizing.
29 On the next day Johnt saw Jesus coming toward him and said, “Look, the Lamb of Gods who takes away the sin of the world!30 This is the one about whom I said, ‘After me comes a man who is greater than I am,t because he existed before me.’

31 I did not recognizet him, but I came baptizing with water so that he could be revealed to Israel.”s
32 Thent John testified,t “I saw the Spirit descending like a doves from heaven,t and it remained on him.s33 And I did not recognize him, but the one who sent me to baptize with water said to me, ‘The one on whom you see the Spirit descending and remaining – this is the one who baptizes with the Holy Spirit.’

34 I have both seen and testified that this man is the Chosen One of God.”s
35 Again the next day Johns was standing theret with two of his disciples.36 Gazing at Jesus as he walked by, he said, “Look, the Lamb of God!”s37 When John’st two disciples heard him say this,t they followed Jesus.s38 Jesus turned around and saw them following and said to them, “What do you want?”t So they said to him, “Rabbi” (which is translated Teacher),s “where are you staying?”

39 Jesust answered,t “Come and you will see.” So they came and saw where he was staying, and they stayed with him that day. Now it was about four o’clock in the afternoon.ts

Andrew’s Declaration

40 Andrew, the brother of Simon Peter, was one of the two disciples who heard what John saidt and followed Jesus.t41 He firsts found his own brother Simon and told him, “We have found the Messiah!”s (which is translated Christ).ts

42 Andrew brought Simont to Jesus. Jesus looked at him and said, “You are Simon, the son of John.s You will be called Cephas” (which is translated Peter).s

The Calling of More Disciples

43 On the next day Jesust wanted to set out for Galilee.s Het found Philip and saidt to him, “Follow me.”44 (Now Philip was from Bethsaida,s the town oft Andrew and Peter.)45 Philip found Nathanaels and told him, “We have found the one Moses wrote about in the law, and the prophets alsot wrote about – Jesus of Nazareth, the son of Joseph.”

46 Nathanaelt replied,t “Can anything good come out of Nazareth?”ss Philip replied,t “Come and see.”
47 Jesus saw Nathanael coming toward him and exclaimed,t “Look, a true Israelite in whom there is no deceit!”ts48 Nathanael asked him, “How do you know me?” Jesus replied,t “Before Philip called you, when you were under the fig tree,s I saw you.”49 Nathanael answered him, “Rabbi, you are the Son of God; you are the kingt of Israel!”s50 Jesus said to him,t “Because I told you that I saw you under the fig tree, do you believe? You will see greater things than these.”s

51 He continued,t “I tell all of you the solemn trutht – you will see heaven opened and the angels of God ascending and descending on the Son of Man.”s