JOHANI 10
Mufudzi neboka rake
1 “Ndinokuudzai chokwadi kuti munhu asingapindi mudanga ramakwai napamukova, asi anokwira kuti apinde naparutivi, imbavha uye igororo.2 Munhu anopinda napamukova ndiye mufudzi wamakwai.3 Murindi anomuzarurira musuo, uye makwai anonzwa inzwi rake. Anodana makwai ake nezita agoatungamirira kunze.4 Kana achinge abudisa makwai ake ose, anofamba ari mberi kwawo, uye makwai ake anomutevera nokuti anoziva inzwi rake.5 Asi haatongoteveri mweni; asi anotomutiza nokuti haazivi inzwi romweni.”6 Jesu akataura mufananidzo uyu kwavari, asi havana kunzwisisa zvaakanga achivaudza.
7 Naizvozvo Jesu akatizve kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, ndini mukova wamakwai.8 Vose vakanditangira vaiva mbavha namakororo, asi makwai haana kuvanzwa.9 Ndini mukova; ani naani anopinda napandiri achaponeswa. Achapinda agobuda, uye achawana mafuro.10 Mbavha inongouya kuzoba nokuuraya nokuparadza; Ini ndakauya kuti ave noupenyu, uye ave nohwakazara.
11 “Ndini mufudzi akanaka. Mufudzi akanaka anorasira makwai ake upenyu hwake.12 Mushandi haasi iye mufudzi nomwene wamakwai. Saka paanoona bere richiuya, anosiya makwai obva atiza. Ipapo bere rinobata boka ramakwai uye roaparadzira.13 Munhu uyu anotiza nokuti mushandi zvake uye haana hanya namakwai.
14 “Ndiani mufudzi wamakwai; ndinoziva makwai angu uye makwai angu anondiziva,15 Baba sezvavanondiziva uye neni ndichiziva Baba, uye ndinorasira makwai angu upenyu hwangu.16 Ndina mamwe makwai asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuauyisawo. Naiwowo achanzwa inzwi rangu, uye achava boka rimwe nomufudzi mumwe chete.17 Chinoita kuti Baba vandide ndechokuti ndinorasira makwai angu upenyu hwangu, uye ndichahutorazve.18 Hakuna munhu angahutora kwandiri, asi ndinohupa pachangu. Ndine simba rokuhurasa uye ndine simba rokuhutorazve. Uyu murayiro ndakaupiwa naBaba.”
19 Ipapo vaJudha vakapesanazve nokuda kwamashoko aya.20 Vazhinji vavo vakati, “Akabatwa nedhimoni uye anopenga. Seiko muchimuteerera?”
21 Asi vamwe vakati, “Aya haangavi mashoko omunhu ane dhimoni. Ko, dhimoni ringasvinudza meso ousingaoni here?”
Kusatenda kwavaJudha
22 Ipapo Mutambo woKukumikidzwa kweTemberi paJerusarema wakasvika. Yainge iri nguva yechando,23 uye Jesu akanga ari mutemberi achifamba mubiravira raSoromoni.24 VaJudha vakanga vakamukomba, vakati, “Ucharamba uchitinetsa kusvikira riniko? Kana uri Kristu, tiudze pachena.”
25 Jesu akapindura akati, “Ndakakuudzai, asi hamutendi. Zvishamiso zvandinoita muzita raBaba vangu zvinondipupurira,26 asi hamutendi nokuti hamuzi makwai angu.27 Makwai angu anonzwa inzwi rangu; ini ndinoaziva, uye anonditevera.28 Ndinoapa upenyu husingaperi, uye haatongofi; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwangu.29 Baba vangu, ivo vakaapa kwandiri, vakuru kuna vose; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwaBaba vangu.30 Ini naBaba tiri vamwe.”
31 VaJudha vakanongazve matombo kuti vamutake,32 asi Jesu akati kwavari, “Ndakakuratidzai mabasa esimba mazhinji kubva kuna Baba. Nderipiko basa ipapa ramunoda kunditakira namabwe?”
33 Vakamupindura vachiti, “Hatisi kukutakira basa ripi zvaro ipapa, asi nokuda kwokumhura Mwari, nokuti iwe, munhuwo zvake, unozviti uri Mwari.”
34 Jesu akavapindura akati, “Ko, hazvina kunyorwa here muMurayiro wenyu, kuti ‘Ndakati muri vamwari’?35 Kana akavaidza ‘vamwari,’ avo shoko raMwari rakasvika kwavari, uye Rugwaro harungaputswi,36 zvakadii kuno uyo akatsaurwa naBaba saiye wavo chaiye uye wavakatuma panyika? Seiko muchindipomera mhosva yokumhura, zvandati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari’?37 Musanditenda kana ndisina kuita zvinoitwa naBaba vangu.38 Asi kana ndichizviita, kunyange dai musinganditendi, tendai mabasa esimba, kuti mugoziva uye mugonzwisisa kuti Baba vari mandiri, uye ini ndiri muna Baba.”39 Vakaedzazve kumubata, asi akavapunyuka.
40 Ipapo Jesu akayambuka Jorodhani kunzvimbo yakanga ichibhabhatidzira Johani pamazuva okutanga. Akagara ipapo41 uye vanhu vazhinji vakauya kwaari. Vakati, “Kunyange zvake Johani asina kumboita mabasa esimba, zvose zvakataurwa naJohani pamusoro pomurume uyu zvaiva zvechokwadi.”
42 Uye panzvimbo iyo, vazhinji vakatenda kuna Jesu.
John 10
Jesus as the Good Shepherd
1 “I tell you the solemn truth,t the one who does not enter the sheepfolds by the door,t but climbs in some other way, is a thief and a robber.2 The one who enters by the door is the shepherd of the sheep.3 The doorkeeperts opens the doort for him,t and the sheep hear his voice. Het calls his own sheep by name and leads them out.s4 When he has brought all his own sheept out, he goes ahead of them, and the sheep follow him because they recognizet his voice.5 They will never follow a stranger,t but will run away from him, because they do not recognizet the stranger’s voice.”t
6 Jesus told them this parable,s but theyt did not understandt what he was saying to them.
7 So Jesus said to them again, “I tell you the solemn truth,t I am the door for the sheep.t8 All who came before me weret thieves and robbers, but the sheep did not listen to them.t9 I am the door. If anyone enters through me, he will be saved, and will come in and go out,t and find pasture.s
10 The thief comes only to steal and killt and destroy; I have come so that they may have life, and may have it abundantly.t
11 “I am the goodt shepherd. The good shepherd lays down his lifets for the sheep.12 The hired hand,s who is not a shepherd and does not own sheep, sees the wolf coming and abandonst the sheep and runs away.t So the wolf attackst the sheep and scatters them.
13 Because he is a hired hand and is not concerned about the sheep,t he runs away.s
14 “I am the good shepherd. It know my ownt and my own know me –15 just as the Father knows me and I know the Father – and I lay down my lifet fort the sheep.16 I havet other sheep that do not come fromt this sheepfold.s I must bring them too, and they will listen to my voice,t so thatt there will be one flock andt one shepherd.17 This is why the Father loves met – because I lay down my life,t so that I may take it back again.
18 No one takes it away from me, but I lay it downt of my own free will.t I have the authorityt to lay it down, and I have the authorityt to take it back again. This commandmentt I received from my Father.”
19 Another sharp division took place among the Jewish peoplet because of these words.20 Many of them were saying, “He is possessed by a demon and has lost his mind!t Why do you listen to him?”
21 Others said, “These are not the wordst of someone possessed by a demon. A demon cannot cause the blind to see,t can it?”t
Jesus at the Feast of Dedication
22 Then came the feast of the Dedicationts in Jerusalem.s23 It was winter,s and Jesus was walking in the temple areat in Solomon’s Portico.ts24 The Jewish leaderst surrounded him and asked,t “How long will you keep us in suspense?t If you are the Christ,ts tell us plainly.”t25 Jesus replied,t “I told you and you do not believe. The deedst I do in my Father’s name testify about me.26 But you refuse to believe because you are not my sheep.27 My sheep listen to my voice, and I know them, and they follow me.28 I givet them eternal life, and they will never perish;t no one will snatcht them from my hand.29 My Father, who has given them to me, is greater than all,t and no one can snatcht them from my Father’s hand.
30 The Father and It are one.”t
31 The Jewish leaderst picked up rocks again to stone him to death.32 Jesus said to them,t “I have shown you many good deedst from the Father. For which one of them are you going to stone me?”
33 The Jewish leaderst replied,t “We are not going to stone you for a good deedt but for blasphemy,s becauset you, a man, are claiming to be God.”t
34 Jesus answered,t “Is it not written in your law, ‘I said, you are gods’?s35 If those people to whom the word of God came were called ‘gods’ (and the scripture cannot be broken),s36 do you say about the one whom the Father set apartt and sent into the world, ‘You are blaspheming,’ because I said, ‘I am the Son of God’?37 If I do not performt the deedst of my Father, do not believe me.38 But if I do them, even if you do not believe me, believe the deeds,ts so that you may come to knowt and understand that I am in the Father and the Father is in me.”
39 Thens they attemptedt again to seize him, but he escaped their clutches.ts
40 Jesust went back across the Jordan Rivert again to the place where Johns had been baptizing at an earlier time,ts and he stayed there.41 Manyt came to him and began to say, “Johns performedt no miraculous sign, but everything John said about this mant was true!”
42 And many believed in Jesust there.